Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

JW LIBRARY

Kumaka Mashoko​—iOS

Kumaka Mashoko​—iOS

Paunenge uchiverenga kana kuti uchidzidza mabhuku ari paJW Library, unogona kumaka mashoko aunenge uchida.

Ita zviri pasi apa kuti umake mashoko:

 Kumaka

Pane nzira mbiri dzekuita izvi.

Unogona kuramba wakaisa munwe wako pashoko raunoda. Unogona kuramba wakaisa munwe wako pashoko raunoda. Wadaro wobva wasarudza pacho paunoda kumaka. Kana wapedza, chibaya pane macolour wosarudza yaunoda kushandisa.

Imwe nzira ndeyekuramba wakaisa munwe wako pascreen uchiufambisa pane mashoko auri kuda kumaka. Paunenge uchiufambisa unenge uchitomaka. Kana wapedza, panobva pabuda macolour. Unogona kuchinja colour, kana kuti kudzima zvawamaka.

 Kuchinja Colour Pawamaka

Kuti uchinje colour, baya kamwe chete pawakamaka, wobva wasarudza imwe colour. Kuti udzime pawamaka, baya pawamaka pacho, wozobaya Delete.

Izvi zvakatanga kushanda muna November 2015 paJW Library 1.6, iyo inoshanda neiOS 7.0 zvichikwira. Kana usiri kuona kuti zvinoshanda sei, ona mirayiridzo iri munyaya inoti “Tanga Kushandisa JW Library​—iOS,” pasi pemusoro unoti Wana Zvitsva Zviripo.