Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

JW LIBRARY

Kumaka Paunenge Uchida Kuzodzoka (maBookmark)​—Windows

Kumaka Paunenge Uchida Kuzodzoka (maBookmark)​—Windows

Mabookmark epaJW Library anoita kuti uwane paunenge uchida kuzodzoka mune chero bhuku zvaro, sezvaunoita paunoisa katambo mubhuku kuti uzokurumidza kuwana peji yaunoda. Bhuku rese riri muJW Library rine mabookmark 10.

Ita zviri pasi apa kuti ushandise mabookmark:

 Kuisa Bookmark

Unogona kuisa bookmark panyaya yauri kuverenga, chitsauko, ndima kana vhesi chaiyo.

Kuti uise bookmark paunenge uchida, baya kabhatani kane ribhoni kanenge kari kumusoro kwescreen. Panobva pabuda mabookmark ebhuku rauri kuverenga. Kuti uise bookmark pauri kuverenga, baya pakaribhoni kasina chinhu.

Kana uchida kuisa bookmark pandima kana kuti vhesi, baya mashoko acho, wobaya karibhoni kanenge kabuda.

 Kuenda paBookmark

Kana wava kuda kudzoka pabookmark rawakasevha, vhura bhuku racho rawakamaka, wotarisa kumabhatani anenge ari kumusoro, wobaya kabhatani kane ribhoni. Chibaya pauri kuda pacho.

 Kushandisa maBookmark

Kana waisa bookmark, unogona kuzoribvisa kana kuritsiva.

  • Kuti ubvise bookmark, baya pane karibhoni. Wozobaya bhatani rinenge riine tumadot pabookmark racho rauri kuda kubvisa. Wobva wabaya Delete.

  • Kana uchida kutsiva bookmark, baya ribhoni inenge iri kumusoro kwescreen. Wadaro, wobaya kabhatani kanenge kaine madot pabookmark rauri kuda kutsiva. Wobva wabaya Replace. Izvi zvinobva zvaita kuti bookmark iroro ritsiviwe nepauri. Izvi zvinogona kubatsira chaizvo kana uchida kuyeuka paunenge wakasiyira. Semuenzaniso, zvichakubatsira kuti uyeuke pawakasiyira pakuverenga Bhaibheri kwaunoita mazuva ose.

Izvi zvakatanga kushanda muna August 2014 neJW Library 1.3, inoshanda paWindows 8.0 zvichikwira. Kana usiri kuzviona, ona mirayiridzo iri papeji rakanzi “Tanga Kushandisa JW Library—Windows,” pamusoro Wana Zvitsva Zvinenge Zvabuda.