Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

JW LIBRARY

Kudhaunirodha Uye Kushandisa Mabhuku​—Windows

Kudhaunirodha Uye Kushandisa Mabhuku​—Windows

PaJW Library pane mabhuku, matracts, nemavhidhiyo akawanda chaizvo aunogona kuzoona paunenge usiri paindaneti.

Ita izvi pasi apa kuti ukwanise kudhaunirodha uye kushandisa mabhuku:

 Kudhaunirodha Bhuku

Unogona kudhaunirodha mabhuku akawanda ekuti uzoverenga kana kudzidza paunenge usiri paindaneti.

  • Nechekumusoro kwescreen baya bhatani rinobudisa mabhuku, wozobaya pakanzi By Type kuti uone mabhuku ese.

  • Baya bhatani kemitauro kuti uone mitauro inowanika mabhuku akasiyana-siyana. Sarudza mutauro waunoda. Mitauro yaunowanzoshandisa ndiyo inenge iri nechepamusoro. Unogonawo kuita zvekutaipa mutauro wacho waunenge uchida.

Pane nzira dzakati kuti dzekutsvaga nadzo mabhuku paJW Library.

Pakanzi By Type panokubudisira zvinhu zvakadai semabhuku, matracts, kana kuti mavhidhiyo. Panenge painewo zvimwe zvakadai, semagazini eNharireyomurindi anenge akarongwa maererano negore uye mavhidhiyo. Baya pakanzi All Types kuti udzoke pamusoro.

Pakanzi What’s New panenge paine zvinhu zvinenge zvichangobva kubuda mumutauro waunenge uchishandisa paApp yacho.

Baya bhuku raunoda kuti uridhaunirodhe.

Zvinhu zvaunenge usati wadhaunirodha zvinenge zviine kapikicha kegore. Baya bhuku raunoda kudhaunirodha. Kana waridhaunirodha, kapikicha kegore kanobva kanyangarika. Baya bhuku racho zvakare kuti uriverenge.

 Pakanzi Downloaded panenge paine mabhuku ose aunenge wakadhaunirodha. Unogona kusarudza kuti woaronga sei, neTitle here, Frequently Used here, Rarely Used here, kana kuti Largest Size.

Kubvisa Bhuku Mufoni Kana Tablet

Unogona kubvisa bhuku kana kuti vhidhiyo kana usisaidi kana kuti foni kana tablet yako isisina nzvimbo.

Baya bhatani rinobudisa mabhuku, wozobaya pakanzi By Type kuti uone mabhuku ese. Ramba wakabata bhuku racho rauri kuda kubvisa. Wobaya Delete.

 Kana uchida kuti tablet rako rive nenzvimbo, unogona kubvisa mabhuku kana mavhidhiyo akakura kana kuti ausingawanzoshandisa. Baya bhatani rinobudisa mabhuku, woenda pakanzi Downloaded, wozobaya pakanzi Rarely Used kana kuti Largest Size, wobva wabvisa zvacho zvaunenge usisadi.

Kuwana Zvinenge Zvagadziridzwa Mubhuku

Pano neapo, rimwe bhuku raunaro rinogona kugadziridzwa.

Bhuku racho rinenge riine tumaarrow. Paunoribaya, panobva pabuda mashoko anokuratidza kuti pane zvakagadziridzwa. Baya pakanzi Download kuti rigadziridzwe, kana kuti pakanzi Later kana uchida kuti rirambe rakadaro.

Kana uchida kuona kana paine mabhuku akagadziridzwa, baya bhatani rinobudisa mabhuku. Kana paine zvinenge zvakagadziridzwa, panobuda chikamu chakanzi Pending Updates. Baya ipapo kuti uone mabhuku ose akagadziridzwa. Baya bhuku racho kuti rigadziridzwe, kana kuti baya bhatani rinenge riri kumusoro kwescreen rinenge riine kaarrow kuti mabhuku ese abve agadziridzwa.

Izvi zvakatanga kushanda muna March 2015 paJW Library 1.4, iyo inoshanda paWindows 8.1 zvichikwira. Kana foni yako kana tablet isiri kubudisa izvi, ita zviri munyaya yakanzi “Tanga Kushandisa JW Library​—Windows,” pamusoro wakanzi Wana Zvitsva Zvinenge Zvabuda.