Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

JW LIBRARY

Kuisa JW Library Kana Usingakwanisi Kuenda paApp Store—Windows

Kuisa JW Library Kana Usingakwanisi Kuenda paApp Store—Windows

Kana uri kutadza kuisa JW Library pafoni, kombiyuta kana tablet rako reWindows uchishandisa Microsoft Store, unogona kuiisa uchishandisa faira reJW Library Windows riri pazasi pepeji rino.

Kuti ukwanise kuita izvi, unofanira kuchinja masettings efoni, kombiyuta kana tablet rako woaisa pekuti unokwanisa kuisa JW Library usingashandisi Microsoft Store. Tsvaga pakanzi Developer Settings wotsvaga pakanzi Developer Mode. Chibaya pakanzi Developer Mode kuti paite On. Cherechedza kuti: Zvichienderana nekuti uri kushandisa vhezheni ipi yeWindows, pamaSettings efoni, tablet kana kombiyuta yako panogona kunge pakanzi “Developer Mode” kana kuti “Sideload apps.”

Tevedzera mirayiridzo iyi kuti udhaunirodhe nekuisa mafaira eJW Library Windows:

  1. Baya pakanzi Dhaunirodha pazasi pepeji rino kuti mafaira acho aiswe pafoni kana tablet rako.

  2. Chienda pane faira racho. Rinenge riri zip saka unofanira kubvisa zip yacho, woribaya kuti urivhure.

  3. Kana ravhura baya faira rakanzi Install.ps1, wosarudza pakanzi Run with PowerShell.

  4. Kana pakabuda, baya panoratidza kuti uri kuda kuisa JW Library pafoni, tablet kana kombiyuta yako.

  5. Kana JW Library yapedza kuiswa, pachabuda meseji inokuudza kuti yapedza.

Pota uchitarisa kuti hapana vhezheni itsva yeJW Library yaiswa here.

  1. Enda paJW Library wobaya pakanzi Settings kuti uone vhezheni yaunayo.

  2. Kana vhezheni yaunayo iri yekare kupfuura vhezheni iri kuratidzwa pasi apa, unofanira kudhaunirodha vhezheni itsva uchishandisa mirayiridzo yataurwa pamusoro apa.

Version: 14.3.45 (429479)