Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

JW LIBRARY

Kushandisa Maplaylist

Kushandisa Maplaylist

Pachikamu chakanzi Kudzidza Wega, unogona kugadzira maplaylist emavhidhiyo, zvekuteerera zvakarekodhwa uye mapikicha. Semuenzaniso, unogona:

  • Kugadzira playlist yenziyo dzakabudiswa nesangano dzaunofarira

  • Kuisa pamwe chete mapikicha nemavhidhiyo aunoda kuzoshandisa muushumiri

  • Kugadzira playlist ine mapikicha aunoda kushandisa pahurukuro yako wobva waitumira hama dzinoona nezvegudzanzwi pamisangano

 Kugadzira Playlist

 Kuchinja Zviri muPlaylist

 Kutumira Vamwe Playlist

 Zvaunogona Kuita Uchishandisa Keyboard

 Kugadzira Playlist

Gadzira Playlist

  1. Enda pakanzi Kudzidza Wega woenda pakanzi Maplaylist

  2. Baya chiratidzo chekugadzira playlist

  3. Baya pakanzi Gadzira Playlist kana kuti Isa Playlist

    • Gadzira Playlist: Nyora zita replaylist wobva wabaya pakanzi Gadzira

    • Isa Playlist: Tora playlist yawagara uinayo mufoni mako woiisa muJW Library

Kuwedzera Zvinhu paPlaylist

Mavhidhiyo, mimhanzi nezvimwewo zvekuteerera zviri muJW Library

  1. Baya tumadodzi tutatu turi pavhidhiyo, mumhanzi kana chinhu chauri kuda kuisa muplaylist

  2. Wobva wabaya pakanzi Wedzera paPlaylist

  3. Sarudza pamaplaylist awagara uinawo kana kuti baya pakanzi Gadzira Playlist kuti ukwanise kuisa chinhu chacho muplaylist itsva

Mapikicha ari muJW Library

  1. Baya pikicha yacho

  2. Baya tumitsetse tune kaplus turi nechekumusoro

  3. Sarudza pamaplaylist awagara uinawo kana kuti baya pakanzi Gadzira Playlist kuti ukwanise kuisa chinhu chacho muplaylist itsva

Kutora zvinhu zvisiri muJW Library

Unogona kuisa chero vhidhiyo, pikicha kana chimwe chinhu chakarekodhwa chinenge chiri mufoni mako mumaplaylist auinawo.

  1. Baya pakanzi Maplaylist

  2. Vhura playlist yauri kuda

  3. Baya pakanzi Tora Kune Faira Racho

  4. Tora zvauri kuda mufoni mako wozviisa muJW Library

 Kuchinja Zviri muPlaylist

Kuchinja Zita

Kuchinja zita replaylist:

  • Kana uri pakanzi Maplaylist, baya tumadodzi 3 turi paplaylist yauri kuda, wobva wabaya pakanzi Chinja Zita wonyora zita rauri kuda

  • Kana wakavhura playlist yacho, baya chiratidzo chepenzura chiri nechekumusoro wonyora zita rauri kuda

Kuchinja zita rechimwe chinhu chiri muplaylist:

  1. Baya tumadodzi 3 turi pachinhu chacho

  2. Baya pakanzi Chinja Zita wobva wanyora zita rauri kuda

Kuchinja Marongero Awakaita Zvinhu muPlaylist

  • Dzvanya chinhu chauri kuda wochidhonzera pauri kuda kuti chiende

Kuchinja Zvinoitika Paunobaya Chinhu Chiri Muplaylist

Kana ukabaya chinhu chiri muplaylist chinobva changotanga kurira kana kufamba. Unogona kuzvichinja kana ukaenda kumaSettings pakanzi Zvinoitika Painotanga. Ukabaya ipapo uchaona pakanzi Ridza kana kuti Misa.

Kuchinja Zvinoitika Kana Chinhu Chauri Kuridza Chapera

Kuti uchinje zvinoitika kana chinhu chauri kuridza chapera, ita zvinotevera:

  1. Baya pakanzi Enderera Mberi

  2. Sarudza zvaunoda kuti zvizoitika kana chinhu chacho chapera kurira

JW Library yagara yakasetwa kuti iridze chinhu chinotevera kana chimwe chacho chapera. Kana uchida kuzvichinja enda kumaSettings pakanzi Default end action.

Panopera Kurira Chinhu

Zvinoitika

Enderera Mberi

Inoenderera mberi nekuridza chinhu chinotevera chiri muplaylist yacho

Dzima

Inokudzorera muplaylist yauri kuridza kana chinhu chacho chapera

Misa

Kana chinhu chauri kuridza chapera chinobva chamira isati yaenda kune chinotevera

Dzokorora

Inoramba ichidzokorora chinhu chauri kuridza

 Kutumira Vamwe Playlist

Unogona kutumirawo vamwe zviri muplaylist yako uchishandisa pakanzi Tumira Vamwe.

  • Kana uri pakanzi Maplaylist, baya tumadodzi tutatu turi paplaylist yauri kuda kutumira, wobva wabaya pakanzi Tumira Vamwe

  • Kana wakatovhura playlist yacho yauri kuda kutumira, baya pachiratidzo chekutumira chiri nechekumusoro

 Zvaunogona Kuita Uchishandisa Keyboard

Unogona kushandisa keyboard kuti ubve pane chimwe chinhu uchienda pane chimwe.

Windows

macOS

Kudzokera pachinhu chiri pamashure pechauri kuridza

Page Up

Function-Up Arrow

Kuenda pachinhu chiri pamberi pechauri kuridza

Page Down

Function-Down Arrow