Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

JW LIBRARY

Unoda Kuti Mashoko Abude Akaita Sei?​—iOS

Unoda Kuti Mashoko Abude Akaita Sei?​—iOS

Pane zvinhu zvakati kuti zviri paJW Library zvichakubatsira pakuverenga. Zvinowanika nechepamusoro pescreen panyaya yaunenge uchiverenga.

Unogona kubaya pane tumadot setwuri kuratidzwa pano kuti uone zvimwe zvaunogona kuita.

Ita zviri pasi apa kuti zvikubatsire pakuchinja mabudiro anoita mashoko:

 Chinja Mutauro

Unogona kuchinja mutauro wenyaya yaunenge uchiverenga.

  • Baya bhatani remitauro, kuti uone mitauro yose inowanika nyaya yacho. Mitauro yaunowanzoshandisa, ndiyo inenge iri nechepamusoro. Unogona kuita zvekutaipa mutauro waunenge uchida.

  • Bhuku raunenge usati wadhaunirodha, rinenge riine kapikicha kegore. Baya mutauro waunoda kuti udhaunirodhe bhuku racho. Kana bhuku racho rangodhaunirodhwa, kapikicha kegore kanobva kanyangarika. Chibaya futi mutauro wacho kuti uverenge bhuku racho.

 Sarudza Kuti Unoda Kuti Mashoko Acho Abude Akakura Sei

Unogona kuita kuti mashoko anyatsooneka sezvaunenge uchida.

Baya bhatani rine tumadot wozobaya pakanzi Text Settings. Wadaro, chikudza kana kuderedza mashoko acho kusvika paunoda. Mashoko ose ari paapp iyi ndomabudiro aanenge ava kuita.

 Mabudiro Anoita Mashoko

Mashoko anogona kubuda nenzira mbiri. Unogona kusarudza zvaunoda.

  • View Image: Unogona kuita kuti peji racho ribude sezvariri mubhuku rakaprindwa. Vamwe vanofarira kuti zvibude seizvi pakuvhura bhuku renziyo, kuitira kuti vabve vaona manotsi acho.

  • View Text: Unogonawo kuita kuti mashoko abude akakura sezvawasarudza uye mavhesi abude ari malink zvekuti kana ukabaya, anovhurika.

 Kushandisa Pakanzi Open in . . .

Kana ukabaya bhatani pakanzi Open in . . . unogona kuverenga nyaya dziri paJW Library uchishandisa mamwe maapps.

Baya pakanzi Open in . . . kuti uone pamwe panowanikwa nyaya yacho. Somuenzaniso, unogona kubaya Open in Online Library kuti uone peji iroro paRAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower.

 Kushandisa Pakanzi Customize

Ukabaya vhesi inenge yakanyorwa mubhuku, vhesi yacho inobva yavhurika. Ukabaya pakanzi Customize unokwanisa kusarudza kuti pamaBhaibheri awakadhaunirodha, ndeapi aunoda kushandisa.

Shandisa mabhatani ari kuratidzwa pano kuti uwedzere kana kubvisa maBhaibheri aunoda kushandisa.

Ona nyaya yakanzi “Kudhaunirodha Uye Kushandisa maBhaibheri​—iOS” kuti udzidze kuti ungawedzera sei mamwe maBhaibheri paJW Library app.

Zvinhu izvi zvakatanga kushanda muna February 2015 paJW Library 1.4, iyo inoshanda paiOS 6.0 zvichikwira. Kana usiri kukwanisa kuzviona, tevedzera mirayiridzo iri papeji rakanzi “Tanga Kushandisa JW Library​—iOS,” pakamusoro kanoti Wana Zvitsva Zviripo.