Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

JW LIBRARY

Tsvaga Zvauri Kuda muBhaibheri Kana Kuti Mune Rimwe Bhuku​—Windows

Tsvaga Zvauri Kuda muBhaibheri Kana Kuti Mune Rimwe Bhuku​—Windows

JW Library inoita kuti ukwanise kutsvaga mashoko ari muBhaibheri kana kuti mune rimwewo bhuku.

Ita zviri pasi apa kuti ukwanise kutsvaga:

 Kutsvaga muBhaibheri

Paunenge wakavhura Bhaibheri, baya bhatani riri kuratidzwa pano, wonyora mashoko auri kutsvaga. Paunenge uchinyora, panobva mashoko anoda kuti fananei nezvauri kunyora. Baya shoko rauri kuda kana kuti baya Search kuti uwane zvauri kutsvaga.

Pakanzi Top Verses panobudisa mavhesi anowanzoshandiswa ane mashoko awanyora. Pakanzi All Verses panobudisa mavhesi ose ane mashoko awanyora akarongwa kubva kuna Genesisi zvichingoenda zvakadaro. Pakanzi Articles panoratidza nyaya dzose dzine nemashoko awanyora dziri kwekutanga kweBhaibheri uyewo kumaappendix.

Kana wanyora mashoko akati kuti, baya kabhokisi kakanzi Match Exact Phrase kuti uone pari kuwanika mashoko acho sezvaari.

Kutsvaga Mubhuku

 Unogonawo kutsvaga mashoko auri kuda mubhuku raunenge uchiverenga.

Paunenge wakavhura bhuku racho, baya bhatani rekuti unyore zvauri kuda kutsvaga, wonyora mashoko ako. Paunenge uchitaipa, panobva pabuda mashoko anoda kuti fananei nezvauri kunyora. Baya shoko rauri kuda kana kuti baya Search kuti uwane zvacho zvauri kutsvaga.

Kana wanyora mashoko akati kuti, baya kabhokisi kakanzi Match Exact Phrase kuti uone pari kuwanika mashoko acho sezvaari.

Kutsvaga Musoro Wenyaya

 Kana wakatodhaunirodha bhuku raInsight on the Scriptures, unogona kutsvaga chero nyaya yawada iri mubhuku iri. Unokwanisa kuita izvi kunyange paunenge uchiverenga Bhaibheri kana kuti chero rimwe bhuku riri paapp iyi.

Baya bhatani riri kuratidzwa pano, wonyora zvauri kutsvaga. Paunenge uchinyora, panobva zvinhu zvinoenderana nezvauri kunyora zvinowanika mubhuku raInsight. Chibaya mashoko acho kuti uvhure nyaya yacho.

Zvinhu izvi zvakatanga kushanda muna October 2014 paJW Library 1.3.4, inoshanda paWindows 8.0 zvichikwira. Kana usiri kuzviona, ona mirayiridzo iri papeji rakanzi “Tanga Kushandisa JW Library—Windows,” pasi pemusoro wakanzi Wana Zvitsva Zvinenge Zvabuda.