Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

JW LIBRARY

Tanga Kushandisa JW Library​—iOS

Tanga Kushandisa JW Library​—iOS

Iyi ndiyo JW Library App. App iyi inobatsira pakuverenga uye pakudzidza Bhaibheri. Kuti uone zviri paApp iyi, unogona kubaya mabhatani ari kuzasi kwescreen.

 Bible

Pakanzi Bible panoita kuti ugone kuverenga uye kudhaunirodha maBhaibheri akasiyana-siyana. Baya bhuku reBhaibheri, wobva wabaya nhamba yechitsauko kuti utange kuverenga. Paunenge uchiverenga, unogona kuonawo mashoko omuzasi, mareference, uyewo kuti mamwe maBhaibheri anoti kudii.

Kana uchida kuvhura imwe vhesi, baya pakanzi Bible kuti udzoke kune mabhuku eBhaibheri.

 Publications

Pakanzi Publications panobudisa mabhuku, mavhidhiyo nezvimwewo zvekuteerera. Baya bhuku raunoda, wobaya nyaya yacho yauri kuda, wotanga kuverenga. Paunenge uchiverenga, unogonawo kuona mavhesi arimo. Kana ukabaya vhesi mashoko ayo anobva abuda. Kana yabuda, ibaye futi kuti uone chitsauko chacho chose muBhaibheri.

Kana uchida kuvhura rimwe bhuku, bayazve pakanzi Publications, wotsvaga bhuku rauri kuda.

 Daily Text

Baya pakanzi Daily Text kuti uverenge rugwaro rwezuva.

 Meetings

Baya pakanzi Meetings kuti uone zvichadzidzwa pamusangano vhiki iroro.

 Online

Baya pakanzi Online kuti uone mawebsite edu.

 Wana Zvitsva Zviripo

Ita kuti JW Library yako igare ichiapudhetwa kuti uwane zvinenge zvichangobva kubuda.

Iva neversion inenge yapedzisira kubuda yeiOS. Ona mashoko ari palink iyi kuti uzive zvimwe: https://support.apple.com/en-us/HT204204.

Kana uchida kuti zvikuitire nyore, unogona kuita on pamaapp updates pafoni kana tablet. Ona zvimwe apa: https://support.apple.com/en-us/HT202180.