Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

E+/taseffski/via Getty Images (Stock photo. Posed by model.)

RAMBAI MAKAMUKA!

Nhamba Yevana Vari Kuyaruka Vari Kubatwa Nezvirwere Zvepfungwa Iri Kuwedzera—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

Nhamba Yevana Vari Kuyaruka Vari Kubatwa Nezvirwere Zvepfungwa Iri Kuwedzera—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

 Musi weMuvhuro 13 February 2023, sangano rinoona nezveutano reCenters for Disease Control and Prevention (CDC) riri muUnited States rakabudisa mushumo unoratidza kuti zvirwere zvepfungwa zviri kukanganisa sei vechidiki muUnited States. Rakati pavana 10 vega vega vekusekondari, vanenge 5 vavo vanogara vakasuruvara uye vasina tariro.

 Dr. Kathleen Ethier, avo vanotungamirira bazi resangano reCDC rinoona nezveutano hwevari kuyaruka rinonzi Division of Adolescent and School Health (DASH), vakati: “Kunyange zvazvo mumakore 10 adarika takacherechedza kuti zvirwere zvepfungwa zviri kuwedzera kubata vechidiki, iye zvino nhamba yevasikana vari kuyaruka vane zvirwere zvepfungwa uye vanombofunga kuzviuraya yawedzera zvatisati tamboona.”

 Mushumo wacho wakati:

  •   Pavasikana 100 vega vega, 14 vavo vakamanikidzwa kuita zvebonde ivo vasingade. Dr. Ethier vakati, “Izvi zvinototyisa. Pavasikana 10 vega vega vaunoziva, mumwe chete kana kupfuura akatombobatwa chibharo.”

  •   Pavasikana 3 vega vega, mumwe chete wavo akatombofunga kuzviuraya.

  •   Pavasikana 5 vega vega, 3 vavo vanogara vakasuruvara kana kuti vasina tariro.

 Zvinhu zvakadai zvinorwadza chaizvo. Nguva yekuyaruka inofanira kuva nguva inofadza uye inonakidza. Chii chingabatsira vari kuyaruka kuti vatsungirire zvinhu zvavari kusangana nazvo? Bhaibheri rinomboti kudii?

Bhaibheri rine mazano anobatsira vari kuyaruka

 Bhaibheri rinotaura nezvenguva dzakaoma dzatiri mazuva ano. Rinoti tiri kurarama ‘munguva dzakaoma, dzinonetsa kurarama madziri.’ (2 Timoti 3:1-5) Asi Bhaibheri rine mazano ari kubatsira mamiriyoni evechidiki kutsungirira matambudziko avanosangana nawo. Semuenzaniso, ona nyaya dzinotevera.

 Mazano anobatsira vechidiki vanombofunga kuzviuraya

 Mazano anobatsira vari kuyaruka vane chirwere chedepression, vanogara vakasuruvara, kana kuti vachizvidya mwoyo

 Mazano anobatsira vari kuyaruka vari kushungurudzwa

 Mazano anobatsira vari kuyaruka vari kushungurudzwa panyaya dzebonde

Bhaibheri rine mazano anobatsira vabereki

 Bhaibheri rinewo mazano anogona kushandiswa nevabereki kubatsira vana vavo kuti vatsungirire matambudziko eupenyu. Semuenzaniso, ona nyaya dzinotevera.