Enda pane zvauri kuda

MAZANO EKUBATSIRA MHURI | KURERA VANA

Vana neSocial Media—Chikamu 2: Kudzidzisa Mwana Wenyu Ari Kuyaruka Kuti Ashandise Social Media Zvakanaka

Vana neSocial Media—Chikamu 2: Kudzidzisa Mwana Wenyu Ari Kuyaruka Kuti Ashandise Social Media Zvakanaka

 Vabereki vakawanda havabvumiri vana vavo kuti vashandise social media nenyaya yengozi dzinogona kuvapo. Asi mukabvumira mwana wenyu kuti ashandise social media, mungamubatsira sei kuti asakanganiswe nayo uye kuti aishandise nekuchenjera?

Zviri munyaya ino

 Mwana wenyu anonyanya kukoshesa zvinhu zvipi?

 Zvamunofanira kuziva: Social media inogona kupinda muropa saka munofanira kubatsira mwana wenyu kuti angwarire nguva yaanopedza achiishandisa.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Muve nechokwadi chekuti ndezvipi zvinokosha kupfuura zvimwe.”—VaFiripi 1:10.

 Zvekufunga nezvazvo: Mwana wenyu anoshandisa social media panguva yaanenge achifanira kurara, kuita basa rekuchikoro kana kuti kutandara nevemumhuri here? Vamwe vaongorori vanoti vana vari kuyaruka vanofanira kurara kwemaawa anenge 9 usiku hwega hwega, asi vaya vanoshandisa social media kwemaawa akawanda pazuva, kakawanda kacho vanorara kwemaawa asingasviki 7.

 Zvamunogona kuita: Taurai nemwana wenyu zvinhu zvaanofanira kukoshesa uye kuti zvakanakirei kuti asaita nguva yakawanda ari pasocial media. Mupei mitemo yakadai sekuti paanenge ava kunorara haafaniri kuenda nefoni yake. Chinangwa chenyu ndechekuti mwana wenyu adzidze kuzvidzora, uye unhu ihwohwo hunozomubatsira kana akura.—1 VaKorinde 9:25.

 Mwana wenyu achasara achinzwa sei kana abva pasocial media?

 Zvamunofanira kuziva: Mwana paanoona mapikicha evamwe anenge akagadziridzwa kuti aratidzike zvakanaka neeshamwari dzake dzichiita zvinhu zvinonakidza, anogona kusara achinzwa kusurukirwa, kunetseka uye kuora mwoyo.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Regai . . . shanje.”—1 Petro 2:1.

 Zvekufunga nezvazvo: Kushandisa social media kuri kuita kuti mwana wenyu azvitarisire pasi here achiona sekuti haana kunaka sezvakaita vamwe? Mwana wenyu anoona sekuti vamwe vese vari kunakidzwa neupenyu kunze kwake chete here?

 Zvamunogona kuita: Taurai nemwana wenyu kuti zvakaipirei kuzvienzanisa nevamwe. Zivai kuti vasikana ndivo vanonyanya kunetseka nezvenyaya iyi nekuti vanokoshesa maonerwo avanoitwa nevamwe uye kuti vanoratidzika sei. Munogona kukurudzira mwana wenyu kuti amboita nguva yaanorega kuenda pasocial media. Mumwe mukomana anonzi Jacob anoti: “Ndakamboita nguva yandakarega kushandisa social media. Izvozvo zvakandibatsira kuti ndizive zvinhu zvandinofanira kukoshesa uye ndigadzirise maonero andinozviita uye andinoita vamwe.”

 Mwana wenyu achashandisa sei indaneti?

 Zvamunofanira kuziva: Kushandisa social media kwakafananidzwa nekurarama uri pamberi pechaunga chevanhu. Zvinoitika kuti dzimwe nguva vanhu vanombotadza kunzwisisana kana kuwirirana.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Bvisai kuvengana kwese, kutsamwa, hasha, kupopota, nekutuka . . . Itiranai mutsa.”—VaEfeso 4:31, 32.

 Zvekufunga nezvazvo: Kushandisa social media kuri kuita kuti mwana wenyu atange kuita makuhwa here, anetsane nevamwe kana kuti ataure mashoko asina kunaka?

 Zvamunogona kuita: Dzidzisai mwana wenyu kuti ave netsika dzakanaka paanenge achishandisa indaneti. Bhuku rinonzi Digital Kids rinoti: “Ibasa redu sevabereki kudzidzisa vana vedu kuti zvakaipa kuitira vamwe utsinye kunyange paindaneti.”

 Yeukai kuti mwana wenyu anogona kurarama asingaendi pasocial media uye kuti vamwe vabereki havabvumiri vana vavo vari kuyaruka kuishandisa. Kana mukabvumira mwana wenyu kuishandisa, munofanira kuva nechokwadi chekuti akura mupfungwa zvekuti anokwanisa kuziva kuti oishandisa kwenguva yakareba sei, anokwanisa kuva neshamwari dzechokwadi, uye anokwanisa kuzvidzora kuti asaone zvinhu zvisina kunaka.