Enda pane zvauri kuda

MAZANO EKUBATSIRA MHURI | KURERA VANA

Vana neSocial Media—Chikamu 1: Mwana Wangu Anofanira Kuenda paSocial Media Here?

Vana neSocial Media—Chikamu 1: Mwana Wangu Anofanira Kuenda paSocial Media Here?

 Pane imwe ongororo yakaitwa, vechidiki 97 pa100 vega vega vakataura kuti vanoenda pasocial media. Mwana wenyu anodawo kuenda pasocial media sezvinoitwa nevamwe here? Kana zvakadaro, pane zvinhu zvamunofanira kufunga nezvazvo.

Zviri munyaya ino

 Mwana wenyu achashandisa sei nguva yake?

 Website inonzi HelpGuide inoti, “Social media yakagadzirwa nenzira inoita kuti pfungwa dzako dzingoramba dziri pairi, uchingotarisa kuti zvii zviri kuitika.”

 “Ndinenge ndichingoda kushandisa social media kwekanguva diki asi ndinotozoona ndaita maawa ndiripo. Zvakaoma kumbosiya foni wotsvaga zvimwe zvinhu zvine musoro zvekuita.”—Lynne, 20.

 Zvibvunze kuti: Mwana wangu achakwanisa here kuteerera mitemo yandichamupa yekuti achaenda pasocial media kwenguva yakareba sei? Mwana wangu akura mupfungwa here zvekuti anokwanisa kuzvirongera ega kuti anoda kuenda pasocial media kwenguva yakareba sei uye oita zvaakaronga?

 Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Rambai makanyatsongwarira kuti mufambe sevanhu vakachenjera, muchishandisa nguva yenyu nekuchenjera.’—VaEfeso 5:15, 16.

Kubvumira mwana wenyu kuti ashandise social media musina kumubatsira kuti angaishandisa sei zvakanaka, kwakafanana nekumusiya achitasva bhiza asina kudzidziswa

Mwana wenyu achazoziva here chinonzi ushamwari hwechokwadi?

  Social media yakagadzirwa nenzira inoita kuti munhu afunge kuti ane shamwari dzakawanda. Asi kakawanda kacho, vanhu ivavo havasi shamwari dzechokwadi.

 “Ndakaona kuti vechidiki vakawanda vanozvinyengera nekufunga kuti kana vanhu vachifarira zvavanoisa pasocial media kana kuti vachigara vachizviona zvinoreva kuti vanhu ivavo vanovafarira kunyange zvazvo vasinganyatsozivani navo.”—Patricia, 17.

 Zvibvunze kuti: Mwana wangu akura mupfungwa here zvekukwanisa kunzwisisa kuti kufarirwa nevanhu vakawanda pasocial media hakukoshi? Anokwanisa here kuumba ushamwari nevanhu vaanoonana navo?

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzese uye ihama yakaberekerwa kubatsira panguva yekutambudzika.”—Zvirevo 17:17.

Mwana wenyu achasara achinzwa sei kana abva pasocial media?

 Vaongorori vakaona kuti vanhu vanoita nguva refu vari pasocial media vanowanzonzwa vakasurukirwa, vachinetseka, kana kuti vakatoora mwoyo.

  “Zvinorwadza kuona mapikicha anenge aiswa neshamwari dzako dzichinakidzwa dzega iwe usipo.”—Serena, 19.

 Zvibvunze kuti: Mwana wangu akura mupfungwa here zvekuti haazovi munhu anongozvifunga, anoita makwikwi, kana kuti anonetseka nezvaanoona zvichiiswa nevamwe pasocial media?

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Ngatiregei kuzvikudza, tichimutsa makwikwi pakati pedu, tichiitirana shanje.”—VaGaratiya 5:26.

Mwana wenyu achashandisa sei indaneti?

 Social media inogona kuita kuti munhu ashungurudzwe nevamwe paindaneti uye atumirwe kana kuona zvinhu zvinonyadzisira. Mwana wenyu angava asina chinangwa chekuita zvinhu izvozvo asi anogona kusangana nazvo.

 “Ndakaona kuti kunyange uchiona zvinhu zvakanaka, pasocial media panogona kungoerekana pabuda zvinhu zvisina kunaka. Pakazara vanhu vanotaura zvinyadzi uye panobuda mimhanzi inokurudzira kuita zvinhu zvakaipa.”—Linda, 23.

  Zvibvunze kuti: Mwana wangu akura mupfungwa here zvekuti anokwanisa kushandisa indaneti zvakanaka? Mwana wangu anozokwanisa here kuzvidzora kuti asaona zvinhu zvisina kunaka?

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Upombwe nezvinhu zvisina kuchena zvemarudzi ese kana makaro ngazvirege kumbotaurwa pakati penyu, . . . kana kuzvibata zvinonyadzisa kana kutaura kweupenzi kana kusetsa vamwe nezvinhu zvinonyadzisira.”—VaEfeso 5:3, 4.

Mwana wenyu anotofanira kuenda pasocial media here?

 Kuva pasocial media hakukoshi muupenyu uye hakusi iko kunoita kuti munhu afare. Vechidiki vakawanda, kusanganisira vaya vaimboishandisa vakazoirega, vanotoda kurarama vasingashandisi social media.

 “Pandakaona kukanganiswa kwakaitwa sisi vangu nekushandisa social media, ndakabva ndasarudza kusiyana nayo. Kubvira ipapo, ndiri kufara uye ndiri kutowedzera kunakidzwa muupenyu.”—Nathan, 17.

 Pfungwa inokosha ndeiyi: Musati mabvumira mwana wenyu kuti ashandise social media, ivai nechokwadi chekuti akura mupfungwa zvekuti anoziva kuti anoishandisa kwenguva yakareba sei, anokwanisa kuva neshamwari dzechokwadi uye anokwanisa kuzvidzora kuti asaona zvinhu zvisina kunaka.

  Zvinotaurwa neBhaibheri: “Munhu ane njere anofungisisa nhanho imwe neimwe.”—Zvirevo 14:15.