Enda pane zvauri kuda

MAZANO EKUBATSIRA MHURI | KURERA VANA

Vana Nemafoni—Chikamu 2: Kudzidzisa Vana Kushandisa Mafoni Zvakanaka

Vana Nemafoni—Chikamu 2: Kudzidzisa Vana Kushandisa Mafoni Zvakanaka

 Foni inoenda paIndaneti inogona kubatsira asiwo inogona kukanganisa munhu, zvichienderana nekuti iri kushandiswa sei. Mungadzidzisa sei vana venyu kushandisa mafoni zvakanaka? Semuenzaniso, munofanira kuvabvumira kushandisa mafoni avo kwenguva yakareba sei zuva rega rega? a

 Zvamunofanira kuziva

  •   Foni inoenda paIndaneti inogona kukanganisa munhu. Sezvakataurwa munyaya yakanzi “Vana Nemafoni—Chikamu 1: Mwana Wangu Anofanira Kuva Nefoni Inoenda paIndaneti Here?” foni inoenda paIndaneti inopa munhu mukana wekuwana zvinhu zvese zviri paIndaneti, zvingava zvakanaka kana zvakaipa.

     “Zviri nyore kukanganwa kuti mafoni anoenda paIndaneti anogona kupa vana vedu mukana wekuzivana nevanhu vakaipa uyewo wekuwana mazano akaipa.”—Brenda.

  •   Vana vanoda kubatsirwa. Vechidiki vakawanda vakazvarwa kwatova nezvinhu zvakaita semafoni asi vanhu vakuru vakawanda vachiri kutodzidza kushandisa zvinhu izvi. Asi izvi hazvirevi kuti vabereki havana zvavanoziva nezvemafoni kana kuti vana vanofanira kuzvisarudzira vega kuti vanoshandisa mafoni avo riini uye sei.

     Ichokwadi kuti vana venyu vanogona kunge vari nyanzvi pakushandisa mafoni kukupfuurai, asi izvi hazvirevi kuti vanogona kuashandisa neuchenjeri. Kunyange vana vari nyanzvi pakushandisa mafoni vanoda kubatsirwa nevabereki vavo kuti vaashandise zvakanaka.

     “Kupa mwana foni usina kumbomudzidzisa kuti anoishandisa sei kwakafanana nekumupa makiyi emota kuti adhiraivhe uye wobva wamuti ‘Ungwarire handiti’ asi usina kumbomudzidzisa kuti anoidhiraivha sei.”—Seth.

 Zvamunogona kuita

  •   Zivai zvinogona kuitwa nefoni yemwana wenyu. Zivai zvinhu zviri pafoni yemwana wenyu zvinogona kumubatsira kuti aishandise nekuchenjera. Semuenzaniso:

     Masettings api amunogona kuisa kuti mwana wenyu asashandisa foni kwenguva yakareba uye kuti asavhura mamwe mawebsite?

     Munoziva here kuti masettings epamafoni anobatsira kuti mwana wenyu asaona zvinhu zvisina kukodzera haashandi nguva dzese?

     Kana mukaziva zvakawanda nezvefoni yemwana wenyu muchazivawo kuti mungamubatsira sei kuishandisa zvakanaka.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Ruzivo runoita kuti munhu awedzere simba rake.”—Zvirevo 24:5.

  •   Isai mitemo. Taurai kuti ndezvipi zvamuchabvumira nezvamusiri kuzobvumira. Semuenzaniso:

     Muchabvumidza mwana wenyu kuva nefoni panguva yekudya here kana kuti kuishandisa pamunenge mashanyira hama neshamwari?

     Muchabvumidza mwana wenyu kurara nefoni here?

     Mapurogiramu api amuchamubvumidza kuisa pafoni?

     Muchamubvumidza kushandisa foni kwenguva yakareba sei?

     Muchamuudza nguva yaanogona kuishandisa pazuva here?

     Itai kuti azive mitemo yamaisa uye garai makaronga kuti muchamuranga sei kana akasaitevedzera.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Usarega kuranga mwana.’—Zvirevo 23:13.

  •   Garai muchitarisa foni yemwana wenyu. Zivai pasiwedhi yake, uye tarisai zvinhu zviri mufoni yake kusanganisira mameseji, mapurogiramu aakaisa, mapikicha uye zvaanoona paIndaneti.

     “Takaudza mwanasikana wedu kuti taizopota tichitarisa zviri mufoni yake tisina kumbotanga tamuudza.Takamuudzawo kuti kana tikaona kuti haasi kuishandisa zvakanaka tinogona kuderedza nguva yaanoishandisa.”—Lorraine.

     Semubereki, mune kodzero yekuziva kuti mwana wenyu ari kushandisa sei foni yake.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Mwana anozivikanwa nemabasa ake, kuti tsika dzake dzakachena uye dzakarurama.”—Zvirevo 20:11.

  •   Mudzidzisei tsika dzakanaka. Batsirai mwana wenyu kuti ade kuita zvakanaka. Nei izvozvo zvichikosha? Nekuti kana mwana achida kuhwandisa chimwe chinhu, anototsvaga nzira yekuzviita pasinei nezvamuchaedza kuita. b

     Saka dzidzisai mwana wenyu kuti ave neunhu hwakanaka hwakadai sekutendeseka, kuzvidzora, uye kunzwisisa zvaanotarisirwa kuita. Kazhinji mwana ane unhu hwakanaka anoitawo zvisarudzo zvakanaka paanenge achishandisa foni yake.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Vanhu vakuru, . . . vanoita kuti simba ravo rekunzwisisa ridzidziswe kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.”—VaHebheru 5:14.

a Munyaya ino, shoko rekuti “foni” rinoreva foni inoenda paIndaneti. Tingangoti, foni iyi yakaita sekakombiyuta kadiki.

b Semuenzaniso, vamwe vechidiki vanoviga zvinhu zvavanenge vasingadi kuti vabereki vavo vaone vachishandisa mapurogiramu anonzi maghost app. Mapurogiramu aya anenge achiratidza zvinhu zvakanaka zvakadai secalculator asi kuseri kunenge kuine zvinhu zvisina kunaka.