Enda pane zvauri kuda

Bhaibheri Rine Mashoko Angandinyaradza Here?

Bhaibheri Rine Mashoko Angandinyaradza Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Ehe. (VaRoma 15:4) Ona mienzaniso yemavhesi emuBhaibheri akanyaradza vakawanda vari kusangana nematambudziko uye vari kushushikana.

Zviri munyaya ino

 Kutambura

 Pisarema 23:4: “Kunyange ndichifamba mumupata werima gobvu, hapana chandinotya, nekuti imi muneni.”

 Zvazvinoreva: Kana ukanyengetera kuna Mwari uye ukabvuma kutungamirirwa neshoko rake Bhaibheri, uchava neushingi paunosangana nematambudziko.

 VaFiripi 4:13: “Ndine simba rekuita zvinhu zvese nekuti pane anondipa simba.”

 Zvazvinoreva: Mwari anogona kukupa simba rekuti ukunde chero dambudziko ripi zvaro.

 Kufirwa nemunhu waunoda

 Muparidzi 9:10: ‘KuGuva hakuna basa rinoitwa kana kuronga zvekuita kana ruzivo kana uchenjeri.’

 Zvazvinoreva: Vakafa havasi kutambura uye havakwanisi kutikuvadza. Havana kana chavanoziva.

 Mabasa 24:15: “Kuchava nekumuka.”

 Zvazvinoreva: Mwari anogona kuita kuti hama neshamwari dzedu dzakafa dzirarame zvakare.

 Kunyanya kuzvipa mhosva

 Pisarema 86:5: “Nekuti makanaka uye makagadzirira kukanganwira, haiwa Jehovha; a rudo rwenyu rusingachinji kune vese vanodana kwamuri rwakakura.”

 Zvazvinoreva: Mwari anoregerera vaya vanonyatsopfidza zvepachokwadi pazvikanganiso zvavakaita uye vakatsunga kusazvidzokorora zvakare.

 Pisarema 103:12: “Sekuva kure kwakaita kumabvazuva kubva kumavirira, saizvozvowo akaisa zvitadzo zvedu kure nesu.”

 Zvazvinoreva: Mwari paanotiregerera, anobva aisa zvivi zvedu kure kwatisingambokwanisi kufungidzira. Haarambi achingotiyeuchidza nezvazvo kuti atipomere mhosva kana kutiranga.

 Kusuruvara

 Pisarema 31:7: “Makaona kutambudzika kwangu; munoziva zvinondinetsa mumwoyo mangu.”

 Zvazvinoreva: Mwari anonyatsoziva matambudziko ese auri kusangana nawo. Anonyatsonzwisisa manzwiro ako kunyange kana vamwe vanhu vakasakunzwisisa.

 Pisarema 34:18: “Jehovha ari pedyo nevaya vakaora mwoyo; anoponesa vaya vakasuruvara.”

 Zvazvinoreva: Mwari anovimbisa kukutsigira paunenge wakasuruvara. Anogona kukupa simba rekutsungirira marwadzo ako.

 Urwere

 Pisarema 41:3: “Jehovha achamutsigira paanenge achirwara ari pamubhedha wake.”

 Zvazvinoreva: Mwari anogona kukubatsira paunenge uchirwara zvakanyanya. Achaita kuti ugadzikane mupfungwa, uve nesimba, utsungirire uye uve neuchenjeri hwekuita zvisarudzo zvakanaka.

 Isaya 33:24: “Hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’”

 Zvazvinoreva: Mwari anovimbisa kuti kuchava nenguva yekuti vanhu vese vanenge vava neutano hwakanaka.

 Kuzvidya mwoyo

 Pisarema 94:19: “Pandakawandirwa nezvaindidya mwoyo, makandinyaradza uye makandizorodza.”

 Zvazvinoreva: Kana tikanyengetera kuna Mwari patinenge tichizvidya mwoyo, anogona kutibatsira kuti tirambe takadzikama.

 1 Petro 5:7: ‘Kandai zvese zvinokudyai mwoyo paari, nekuti iye ane hanya nemi.’

 Zvazvinoreva: Mwari ane hanya nekutambura kwedu. Anotikumbira kuti tinyengetere kwaari tichimuudza zvese zvinotinetsa.

 Hondo

 Pisarema 46:9: “Ari kugumisa hondo munyika yese.”

 Zvazvinoreva: Pasina nguva, Umambo hwaMwari huchagumisa hondo dzese.

 Pisarema 37:11, 29: “Vanyoro vachagara nhaka yenyika, uye vachafara zvikuru vaine rugare rwakawanda. . . . Vakarurama vachagara nhaka yenyika, uye vachagara mairi nekusingaperi.”

 Zvazvinoreva: Vanhu vakanaka vachava nerugare panyika nekusingaperi.

 Kunetseka nezveramangwana

 Jeremiya 29:11: “‘Ndinonyatsoziva pfungwa dzandiri kukufungirai,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘pfungwa dzerugare, kwete dzedambudziko, kuti ndikupei ramangwana rakanaka netariro.’”

 Zvazvinoreva: Mwari anoudza vanhu vake kuti vanogona kutarisira kuzova neramangwana rakanaka.

 Zvakazarurwa 21:4: “Achapukuta misodzi yese pamaziso avo, uye hapazovi nerufu, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa. Zvinhu zvekutanga zvapfuura.”

 Zvazvinoreva: Mwari anovimbisa kuti achagumisa zvinhu zvakaipa zvese zvauri kuona zvichiitika mazuva ano.

a Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:18) Ona nyaya inoti “Jehovha Ndiani?