Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MAZANO OKUBATSIRA MHURI | KURERA VANA

Kutaura Nemwana Nezvekutumira Mameseji Anonyadzisira

Kutaura Nemwana Nezvekutumira Mameseji Anonyadzisira

DAMBUDZIKO

Zvimwe makambonzwa kuti vana vari kuyaruka vari kutumirana mameseji anonyadzisira. Munogona kuzvibvunzawo kuti ‘Kuti wanguwo angava achizviita?’

Munoda kutaura nemwana wenyu nezvenyaya iyi, asi muri kushayiwa kuti moitanga sei. Chokutanga chamunofanira kuziva ndechokuti sei vamwe vana vachitumirana mameseji anonyadzisira uye sei imi somubereki muchifanira kunetseka nezvazvo. *

CHINOZVIKONZERA

  • Vamwe vana vanotumira mameseji anonyadzisira kumukomana kana musikana wavanenge vachida kudanana naye asi vasina pfungwa yokuzoroorana naye.

  • Musikana anogona kutumira pikicha yake akashama nokuti anenge achimanikidzwa nemukomana.

  • Dzimwe nguva mukomana anogona kutumira shamwari dzake mapikicha omusikana wake akashama nechinangwa chokufadza shamwari dzake kana kunyadzisa musikana anenge amuramba.

Pasinei nokuti chikonzero chokutumira zvinonyadzisira ndechei, vana vane mafoni vanogona kupinda muna taisireva. “Kungobaya bhatani rokutumira meseji, kunochinja upenyu zvakanyanya,” rinodaro bhuku rinonzi CyberSafe.

Vanhu vakawanda havazivi kuti kana pikicha yavo yangova paIndaneti, haisisiri mumaoko avo uye kuti vanhu vanogona kuita zvavada nayo. Imwe nyaya yakabudiswa munhau neU.S. Federal Bureau of Investigation (FBI), yakati mumwe musikana ane makore 18 “akazviuraya pashure pokunge pikicha yake akashama yaakanga atumira mukomana wake pafoni yatumirwa kune vamwe vana vakawanda vepachikoro chaaidzidza. Vamwe vana pavaitumira pikicha yacho vane zvimwe zvavaiita vachitowedzera kumunyadzisa.”

Kutumira mameseji anonyadzisira kunosungisa. Somuenzaniso kune dzimwe nyika vana vanotumira mapikicha anonyadzisira kune vamwe vana uye kuita kudaro imhosva inosungisa uye vana ivavo vanonyorwa pasi kuti vazivikanwe sevanhu vanoshungurudza vamwe panyaya dzebonde. Semubereki kana mwana wenyu achishandisa foni iri muzita renyu uye mukasatora matanho okudzivirira mwana wenyu ndimi munozobvunzwa kana achitumira mameseji anonyadzisira.

ZVAMUNGAITA

Jekesai mitemo yenyu. Kunyange musingazoiti zvokufudza mwana wenyu pamashandisiro aanoita foni yake, munogona kuita kuti azive zvamunoda nezvamusingadi panyaya yokushandisa foni uye chirango chamunozomupa kana akatyora mitemo yenyu. Yeukaiwo kuti semubereki mune kodzero yokuona kuti mwana wenyu ari kushandisa sei foni yake.—Zvinotaurwa neBhaibheri: VaEfeso 6:1.

Batsirai mwana wenyu kuziva chazvakaipira. Munogona kuti: “Vanhu vakawanda vanotaura zvakasiyana-siyana panyaya yokutumira mameseji anonyadzisira. Iwe unofunga kuti kutumira mameseji anonyadzisira kunosanganisirei?” “Unofunga kuti mapikicha asingaiti ndeakaita sei?” “Mune dzimwe nyika zvinonzi imhosva kuti mwana atumire mumwe mwana mapikicha evanhu vasina kupfeka. Unofunga kuti pane chakaipa here nokutumira mapikicha akadaro?” “Sei uchifunga kuti kutumira mameseji anonyadzisira kunoratidza kuti munhu haana tsika?” Nyatsoteererai mwana wenyu muone pane pfungwa dzake uye mubatsirei kuti atange afunga asati atumira meseji.—Zvinotaurwa neBhaibheri: VaHebheru 5:14.

Funga usati watumira meseji

Itai kuti afungidzire zvimwe zvinhu zvinogona kuitika. Munogona kuudza mwanasikana wenyu kuti: “Ngatitii musikana ari kumanikidzwa nemukomana kuti atumire mameseji anonyadzisira. Musikana uyu anofanira kuita sei? Ongoita zviri kudiwa nomukomana kuitira kuti varambe vari shamwari neshamwari here? Oramba kutumira asi oramba achiita zvinhu zvinoratidza senge vanodanana asi vasiri kuzoroorana here? Odimbura ushamwari hwacho here? Oudza munhu mukuru here?” Batsirai mwana wenyu kuti ashandise pfungwa dzake panyaya iyi. Munogona kushandisa mazano aya kunyange kumwana wenyu mukomana.—Zvinotaurwa neBhaibheri: VaGaratiya 6:7.

Batsirai mwana wenyu kuti aone chazvakanakira kuita zvakanaka. Mubvunzei mibvunzo yakaita seiyi: Unofunga kuti zvakakosherei kuva netsika dzakanaka? Unoda kuzivikanwa semunhu akaita sei? Waizonzwa sei kana ukanyadzisa mumwe munhu nokutumira pikicha yake akashama? Unonzwa sei ukaita zvakanaka? Batsirai mwana wenyu kuti ave “nehana yakanaka.”—1 Petro 3:16.

Gadzai muenzaniso wakanaka. Bhaibheri rinoti uchenjeri hunobva kuna Mwari hwakachena uye hahunyengeri. (Jakobho 3:17) Mararamiro amunoita anoratidza here kuti munobvuma mashoko achangobva kutaurwa? “Tinofanira kugadza mienzaniso yakanaka uye kurega kuona zvinhu zvisina unhu kana kuti zvinosungisa zvinobuda paIndaneti,” rinodaro bhuku rinonzi CyberSafe.

^ ndima 5 Kutumira mameseji anonyadzisira kunosanganisira kutumira mashoko chaiwo, mapikicha, kana mavhidhiyo ane chokuita nebonde. Kuti munzwe zvakawanda nezvenyaya iyi endai paIndaneti pajw.org monoverenga nyaya iripo inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti—Zvii Zvandinofanira Kuziva Nezvekutumira Mameseji Anonyadzisira?”—Endai pachikamu chakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI > VARI KUYARUKA.