Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhaibheri Rinotibatsira Kusiyanisa Zvakanaka Nezvakaipa

Bhaibheri Rinotibatsira Kusiyanisa Zvakanaka Nezvakaipa

Kana tikaita zvisarudzo zvichibva pamaonero edu chete kana kuti evamwe, hatigoni kuva nechokwadi chekuti zvisarudzo izvozvo zvichatibatsira here. Bhaibheri rinotiudza chikonzero chacho. Rinotiudzawo kuti zvakanaka ndezvipi uye zvakaipa ndezvipi, izvo zvinoita kuti tifare uye tigutsikane muupenyu.

TINODA KUTUNGAMIRIRWA NAMWARI

MuBhaibheri, Jehovha a Mwari anotiudza kuti aida kuti vanhu vatsvage kutungamirirwa naye kwete kuti vazvitungamirire. (Jeremiya 10:23) Ndosaka muBhaibheri achitiudza kuti zvakanaka ndezvipi uye zvakaipa ndezvipi. Jehovha anoda vanhu uye haadi kuti tiite zvisarudzo zvakaipa zvinoita kuti tizvirwadzise kana kuti tizvipinze mumatambudziko. (Dheuteronomi 5:29; 1 Johani 4:8) Sezvo ari Musiki wedu ane ruzivo neuchenjeri, anokwanisa kutipa mazano akanaka. (Pisarema 100:3; 104:24) Asi Mwari haamanikidzi vanhu kuti vateerere mitemo yake.

Jehovha akapa vanhu vaviri vekutanga, Adhamu naEvha, zvese zvavaida kuti vafare muupenyu. (Genesisi 1:​28, 29; 2:​8, 15) Akavapawo mitemo isina kumbooma yaaida kuti vateerere. Asi akaita kuti vazvisarudzire vega kuti vaida kutevedzera mitemo iyoyo here kana kuti kwete. (Genesisi 2:​9, 16, 17) Zvinosuwisa kuti Adhamu naEvha vakasarudza kuita zvavaida pane kutevedzera mitemo yaMwari. (Genesisi 3:6) Zvavakasarudza izvozvo zviri kuita kuti vanhu vafare here? Vanhu vari kufara here pavanosarudza kuita chero zvavanofunga kuti ndizvo zvakanaka? Aiwa. Tiri kunyatsozvionera tega kuti vanhu pavanoramba kuteerera mitemo yaMwari, havambovi nerugare nemufaro.—Muparidzi 8:9.

Bhaibheri rinotipa mazano anotibatsira kuita zvisarudzo zvakanaka pasinei nekuti tinobva kupi. Ona kuti rinozviita sei. (2 Timoti 3:​16, 17; ona bhokisi rakanzi “ Bhuku Rakanyorerwa Vanhu Vese.”)

Dzidza zvakawanda nezvekuti nei tichiti Bhaibheri ‘ishoko raMwari.’—1 VaTesaronika 2:13. Ona vhidhiyo inonzi Ndiani Akanyora Bhaibheri? pajw.org.

BHAIBHERI RINOTIUDZA ZVINODIWA NAMWARI KUTI TIITE

Bhaibheri rinotiudza chokwadi nezvekuti Jehovha aitungamirira sei vanhu kubvira pakutanga. Rinotibatsira kunzwisisa zvinoonekwa naMwari sezvakanaka uye zvaanoona sezvakaipa. Bhaibheri rinoitawo kuti tizive zvinhu zvinotibatsira kana kuti zvinotikuvadza. (Pisarema 19:​7, 11) Rinotidzidzisa zvinhu zvechokwadi zvinotibatsira kuita zvisarudzo zvakanaka mazuva ese.

Semuenzaniso, funga nezvezano riri pana Zvirevo 13:20: “Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera, asi uya anoshamwaridzana nemapenzi zvichamuipira.” Zano iri richiri kungoshanda mazuva ano sekushanda kwaraiita kare. Bhaibheri rakazara nemazano akadai anoshanda uye anokosha.—Ona bhokisi rakanzi “ Mazano Ari muBhaibheri Achiri Kushanda.”

Asi unogona kunetseka kuti, ‘Ndingava sei nechokwadi chekuti mazano ari muBhaibheri anogona kundibatsira iye zvino?’ Nyaya inotevera ichataura zvakaitika kune vamwe.

a Jehovha ndiro zita raMwari.—Pisarema 83:18.