Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhaibheri Ringatibatsira Sei Kuti Tiremekedze Maonero Evamwe?

Bhaibheri Ringatibatsira Sei Kuti Tiremekedze Maonero Evamwe?

 “Kuti panyika pave nerugare vanhu vanotofanira kuremekedza maonero evamwe.”—UNESCO Declaration of Principles on Tolerance, 1995.

 Asi kusaremekedza maonero evamwe kunogona kuita kuti vanhu vatarisirane pasi uye vavengane. Kana vanhu vakava nemanzwiro akadaro, vanogona kutanga kutaura mashoko anoratidza ruvengo, kusarurana, uye kuita zvemhirizhonga.

 Vanhu vane maonero akasiyana-siyana panyaya yekuti kuremekedza maonero evamwe kunomborevei. Vamwe vanofunga kuti munhu anoremekedza maonero evamwe anofanira kubvumirana nezvese zvinoitwa nevanhu. Vamwewo vane maonero anotsigirwa neBhaibheri, ekuti munhu anoremekedza maonero evamwe anonzwisisa kuti munhu wese ane kodzero yekusarudza zvinhu zvaanokoshesa uye zvaanoda kutenda mazviri, kunyange zvazvo iye pachake asingabvumirani nezvinhu izvozvo.

 Mazuva ano, Bhaibheri ringabatsira here kuti vanhu varemekedze maonero evamwe?

Zvinotaurwa neBhaibheri nezvekuremekedza maonero evamwe

 Bhaibheri rinokurudzira kuti vanhu varemekedze maonero evamwe. Rinoti: “Kunzwisisa kwenyu ngakuzivikanwe nevanhu vese.” (VaFiripi 4:5) Bhaibheri rinotikurudzira kuti tifungewo zvakanakira vamwe vanhu, tivabate zvakanaka tichivaremekedza, uye tisingavasaruri. Vaya vanoshandisa zano iri vanogona kunge vasingabvumirani kana kuti vasingaiti zvinenge zvichiitwa nemumwe munhu, asi vanorega munhu iyeye achiita maererano nezvaanenge asarudza.

 Zvisinei, Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari ane mararamiro aanotarisira kuti vanhu vaite. Rinoti: “Mwari akakuudza kuti zvakanaka ndezvipi, iwe munhu.” (Mika 6:8) Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari anoda kuti vanhu vararame sei. Kana vakatevedzera zvinhu izvozvo, vanorarama upenyu hwakanaka.—Isaya 48:17, 18.

 Mwari haana kutipa kodzero yekutonga vamwe. Maererano neBhaibheri, “Pane mumwe chete anopa mitemo uye Mutongi . . . Ndiwe ani kuti utonge hama yako?” (Jakobho 4:12) Mwari anopa munhu wese rusununguko rwekusarudza zvaanoda asi tinozvidavirira pane zvatinenge tasarudza.—Dheuteronomi 30:19.

Zvinotaurwa neBhaibheri nezvekuremekedza vamwe

 Bhaibheri rinoti tinofanira ‘kukudza vanhu vese.’ (1 Petro 2:17) Saka vaya vanosarudza kurarama maererano nezvinotaurwa neBhaibheri vanobata vanhu vese neruremekedzo, pasinei nezvavanotenda kana mararamiro avo. (Ruka 6:31) Izvi hazvirevi kuti vaya vanotevedzera zvinotaurwa neBhaibheri vachabvumirana nezvese zvinotendwa nevanhu, mafungiro avo, kana kuti vachatsigira zvese zvavanosarudza. Asi pane kuti vaite zvinhu zvinoratidza kusaremekedza vamwe, vanoedza nepese pavanogona kutevedzera Jesu uyo aibata vamwe zvakanaka.

 Semuenzaniso, pane imwe nguva Jesu akasangana nemumwe mukadzi aipinda chimwe chitendero. Uyezve mukadzi wacho aigara nemurume waakanga asina kuroorana naye. Jesu aisatsigira mararamiro akadaro. Kunyange zvakadaro, akataura nemukadzi wacho zvine ruremekedzo.—Johani 4:9, 17-24.

 Kufanana naJesu, vaKristu vanogara vakagadzirira kutsanangura zvavanotenda kune vaya vanoda kuteerera, asi vanozviita “neruremekedzo rukuru.” (1 Petro 3:15) Bhaibheri rinorayira vaKristu kuti vasamanikidza vamwe kugamuchira maonero avo. Rinotaura kuti vateveri vaKristu, ‘havafaniri kukakavara, asi vanofanira kuva vanyoro kuvanhu vese,’ kusanganisira vaya vanotenda zvakasiyana navo.—2 Timoti 2:24.

Zvinotaurwa neBhaibheri nezveruvengo

 Bhaibheri rinotiudza kuti tive “nerugare nevanhu vese.” (VaHebheru 12:14) Munhu anoda rugare haavengi vamwe. Kunyange zvazvo asingaiti chero chii zvacho chinopesana nezvaanotenda, anoita zvese zvaanogona kuti ave nerugare nevamwe. (Mateu 5:9) Bhaibheri rinotokurudzira vaKristu kuti vade vavengi vavo. Vanoita izvi pavanoratidza mutsa kune vaya vanovabata zvisina kunaka.—Mateu 5:44.

 Ichokwadi kuti Bhaibheri rinotaura kuti Mwari ‘anovenga,’ kana kuti ‘anosemeswa,’ nemaitiro anosiya vamwe vasisina chiremerera kana kuti anovakuvadza. (Zvirevo 6:16-19) Asi pano Bhaibheri riri kushandisa shoko rekuti ‘anovenga’ richireva kusatombofarira zvachose maitiro akaipa. Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari anoda kuregerera uye kubatsira vanhu vanoda kuchinja mararamiro avo kuti aenderane nemitemo yake.—Isaya 55:7.

Mavhesi eBhaibheri anoenderana nenyaya yekuremekedza maonero evamwe

 Tito 3:2: ‘lvai vanhu vanonzwisisa, vanonyatsoratidza unyoro kuvanhu vese.’

 Munhu anonzwisisa anopindura zvine unyoro vanhu pavanotaura maonero akasiyana neake uye izvozvo zvinoita kuti vanhu varemekedzane.

 Mateu 7:12: “Saka zvinhu zvese zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo izvozvo.”

 Tese tinoda kuti vanhu vatiremekedze uye varatidze kuti vanokoshesawo maonero edu nemanzwiro edu. Kuti udzidze zvakawanda nezvekuti ungashandisa sei mashoko akataurwa naJesu, ona nyaya yakanzi, “Jesu Akati Tinofanira Kubata Sei Vamwe?

 Joshua 24:15: “Zvisarudzirei nhasi wamuchashumira.”

 Patinoremekedza kodzero yevamwe yekuzvisarudzira zvavanoda, tinoita kuti pave nerugare.

 Mabasa 10:34: “Mwari haasaruri.”

 Mwari haasaruri chero munhu upi zvake. Haanei nekuti tinobva kupi, tiri munhurume here kana kuti munhukadzi, tine ruvara rweganda rwakaita sei kana kuti makuriro atakaita. Vaya vanoda kutevedzera Mwari vanoremekedza vanhu vese.

 Habhakuki 1:12, 13: ‘Mwari haagoni kungosiya zvakaipa zvichiitika.’

 Mwari anoremekedza kodzero yedu yekusarudza zvatinoda asi haasi kuzongosiya vanhu vachiita zvakaipa nekusingaperi. Kuti udzidze zvakawanda, ona vhidhiyo yakanzi Nei Mwari Achibvumira Kutambura?

 VaRoma 12:19: “Zvisiyirei kuna Mwari kuti aratidze hasha; nekuti zvakanyorwa kuti: ‘Kutsiva ndekwangu; Ndichatsividza,’ anodaro Jehovha.” a

 Jehovha Mwari haana waanobvumira kuti atsive. Achagadzirisa zvinhu panguva yake yakakodzera. Kuti udzidze zvakawanda verenga nyaya yakanzi, “Zvichazomboitika Here Kuti Vanhu Vatongwe Zvakarurama?

a Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:18) Ona nyaya yakanzi, “Jehovha Ndiani?