Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Maonero edu akarurama nguva dzese here?

Vanhu Vanowanzoita Sei Zvisarudzo?

Vanhu Vanowanzoita Sei Zvisarudzo?

Anenge munhu wese anobvuma kuti pane zvimwe zvinhu zvakanaka nezvimwe zvakatoipa. Semuenzaniso, vakawanda vanoshora zvinhu zvakadai sekuuraya, kubata chibharo, uye kushungurudza vana pabonde. Uyewo vakawanda vanoyemura zvinhu zvakadai sekunzwira vamwe tsitsi, kuratidza mutsa uye kubata vamwe zvakanaka. Asi vanhu vakawanda vanofunga kuti munhu anogona kungosarudza zvaada panyaya dzakadai sekurera vana, kutendeseka, kana panyaya dzepabonde. Vanofunga kuti hazvina basa kuti munhu asarudza zvipi panyaya idzodzo. Kazhinji vanhu vanowanzoita zvisarudzo zvichibva pamaonero avo uye pakuti vamwe vakavapoteredza vanoonawo sei nyaya yacho. Asi kuita izvozvo nguva dzese kwakanaka here?

MAONERO EDU

Kazhinji tinowanzoita zvisarudzo zvichibva pakuti hana yedu iri kutiudza kuti kudii. (VaRoma 2:​14, 15) Kunyange vachiri vadiki, vana vanokwanisa kuzviona kana vakasabatwa zvakanaka uye vanogona kunetseka kana vakaita chinhu chakaipa. Patinenge tichikura, tinodzidza kuti ndezvipi zvakanaka kana kuti ndezvipi zvakaipa kubva kune vanhu vemumhuri medu, vezera redu, vadzidzisi, vemunharaunda, chitendero chedu, kana tsika dzedu. Patinozoita zvisarudzo, hana yedu inotiudza kuti chisarudzo chacho chinoenderana nezvatakadzidza kuti ndizvo zvakanaka here kana kuti kwete.

Kukwanisa kwedu kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa kunoita kuti tinzwire vamwe tsitsi, titende zvatinoitirwa nevamwe uye tibate vamwe zvakanaka. Kunoitawo kuti tisaita zvinhu zvinorwadzisa vanhu vatinoda kana kuti zvingaita kuti tinyare kana kuzvipa mhosva.

Kuita zvisarudzo zvinoenderana nemaonero edu kunobatsira nguva dzese here? Achitaura nezveujaya hwake Garrick akati: “Ndaiita chero zvandaida.” Asi akazoona kuti kuita zvaaiona sekuti ndizvo zvakanaka hakuna kuita kuti afare. Pava paya, akazotaura kuti “aisafara muupenyu nekuti aiita zveupombwe, zvemadhiragi, aidhakwa uye aigara achirwisana nevanhu.”

MAONERO EVAMWE

Kazhinji tinoitawo zvisarudzo zvinoenderana nemaonero evamwe. Izvozvo zvinoita kuti tibatsirwe neruzivo rwavo uye uchenjeri hwavo. Hama neshamwari dzedu nevanhu vemunharaunda vanotiremekedza patinoita zvinhu zvavanoona sezvakanaka.

Kuita zvisarudzo uchingotevedzera maonero evamwe kunobatsira nguva dzese here? Paainge ayaruka, Priscila aingoita zvaiitwa nevamwe vezera rake zvekuita zvepabonde asi asina kuroorwa. Asi akazoona kuti kuita zvaionekwa nevamwe sezvakanaka hakuna kuita kuti afare. Akati: “Kuita zvaingoitwa nemunhu wese hakuna kundipa mufaro. Kwakaita kuti ndiite zvisarudzo zveupenzi zvaigona kutondiurayisa.”

PANE NZIRA YAKANAKA INGATIBATSIRA KUITA ZVISARUDZO HERE?

Patinenge tichisarudza kuti zvakanaka ndezvipi uye kuti zvakaipa ndezvipi, maonero edu uye maonero evamwe anobatsira chaizvo. Asi izvozvo zvingasabatsira nguva dzese. Dzimwe nguva tinozvipinza mumatambudziko kana kurwadzisa vamwe nekuti tinenge tatadza kuona kuti zvisarudzo zvatiri kuita zvichaguma nei. (Zvirevo 14:12) Uye kunyange isu kana kuti vamwe vanhu vachiona sekuti chimwe chinhu chakanaka, chinhu ichocho chinogona kunge chichitotikuvadza. Uyewo maonero edu kana evamwe anogona kungochinja. Semuenzaniso, mamwe maitiro aionekwa seakaipa ava kunzi akanaka, uye aya aionekwa seakanaka ava kunzi akaipa.

Kutevedzera maonero evamwe vanhu kwakatinakira nguva dzese here?

Saka pane nzira yakanaka ingatibatsira kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa here? Pane here mitemo ingatitungamirira iye zvino ichatibatsira kuti tisazozvidemba?

Zvinofadza kuti pane chimwe chinhu chinogona kubatsira munhu wese pasi rese kuti azive kuti zvakanaka ndezvipi uye kuti zvakaipa ndezvipi. Nyaya inotevera ichakurukura nezvechimwe chinhu chatinogona kuvimba nacho chinotibatsira kuziva kuti zvakanaka ndezvipi uye kuti zvakaipa ndezvipi.