Enda pane zvauri kuda

Bhaibheri Rinozvipikisa Here?

Bhaibheri Rinozvipikisa Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Aiwa, zvose zvinotaurwa muBhaibheri zvinopindirana. Kunyange zvazvo mamwe mavhesi ari muBhaibheri achiita sokunge anozvipikisa, kana tikashandisa zvinhu zviri pasi apa tinogona kujekerwa nemavhesi acho:

  1.   Ziva nyaya iri kutaurwa. Kana ukasatarisa kuri kubva nenyaya nekwairi kuenda unogona kuona sokuti munyori ari kuzvipikisa.

  2.   Ziva mafungiro emunyori. Vanhu vanogona kurondedzera zvakarurama chiitiko chimwe chete nemashoko akasiyana uye vamwe vanogona kutaura zvimwe vachisiya zvimwe.

  3.   Ziva zvinhu zvaiitika panguva iyoyo uye tsika dzacho.

  4.   Ziva kuti mamwe mashoko anotorwa sezvaari uye mamwe ane zvaanenge achimirira.

  5.   Ziva kuti chimwe chinhu chinogona kunzi chakaitwa nanhingi, kunyange zvazvo asiri iye akanyatsochiita. a

  6.   Shandisa shanduro yeBhaibheri yakarurama.

  7.   Usaedza kunzwananisa zvinotaurwa neBhaibheri nenhema dzinotaurwa muzvitendero.

 Pazasi apa pane mienzaniso inoratidza kuti pfungwa dzataurwa pamusoro dzingabatsira sei pakutsanangura zvinhu zvinoita sokunge zvinopikisana muBhaibheri.

1: Nyaya iri kutaurwa

  Kana Mwari akazorora pazuva rechinomwe, sei zvichinzi achiri kushanda? Nyaya inotaura nezvekusikwa kwezvinhu iri muna Genesisi inoratidza kuti mashoko okuti Mwari “akatanga kuzorora pazuva rechinomwe pabasa rake rose raakanga achiita” anoreva basa rake rokusika zvinhu panyika. (Genesisi 2:​2-4) Jesu paakataura kuti Mwari ‘achiri kushanda kusvikira iye zvino’ akanga asiri kupikisa mashoko ari muna Genesisi asi kuti akanga achitaura nezvemamwewo mabasa aMwari. (Johani 5:17) Mabasa aMwari anosanganisira kufemera kwaakaita vanhu kuti vanyore Bhaibheri, kutungamirira uye kuchengetedza vanhu.​—Pisarema 20:6; 105:5; 2 Petro 1:21.

2 uye 3: Mafungiro omunyori uye zvaiitika panguva yacho

  Jesu aiva kupi paakarapa bofu? Bhuku raRuka rinoti Jesu akarapa bofu paakanga “ava kusvika kuJeriko,” asi muna Mateu munotaurwa nezvemapofu maviri uye kuti nyaya yacho yakaitika Jesu paakanga ava “kubuda muJeriko.” (Ruka 18:35-43; Mateu 20:29-34) Panyaya mbiri idzi nyaya imwe neimwe ine zvimwe zvaisina kutaura, asi dzikabatanidzwa dzinobudisa chinhu chimwe chete. Bhuku raMateu rinotaura kuti paiva nemapofu maviri, asi bhuku raRuka rinotaura nezvebofu rimwe chete nokuti ndiro raitaura naJesu. Panyaya yokuti chishamiso ichi chakaitikira kupi, vanhu vanoongorora zvakaitika kare vakaona kuti panguva yakararama Jesu kwaiva nemaguta maviri ainzi Jeriko. Rimwe racho raiva guta rekare rechiJudha raiva kiromita nehafu kubva kune rimwe guta idzva reRoma. Jesu anofanira kunge aiva pakati pemaguta maviri aya paakaita chishamiso ichi.

4: Mashoko anotorwa sezvaari uye mamwe ane zvaanenge achimirira

  Nyika ichaparadzwa here? MuBhaibheri Rinoera pana Munzwisisi Wouchenjeri (Muparidzi) 1:4, panoti “pasi panogara pakangodaro kusvikira rini narini,” uye mashoko aya kune vamwe anoita sokuti anopikisana neokuti “zvinhu zvose zvirimo nenyika zvichaparadzwa.” (2 Pita 3:10, Bhaibheri Rinoera) MuBhaibheri shoko rokuti “nyika” rinoshandiswa kureva zvinhu zviviri, pasi ratinogara uye vanhu pachavo. (Genesisi 1:1; 11:1) Kuparadzwa kwe“nyika” kunotaurwa pana 2 Petro 3:​10 kunoreva “kuparadzwa kwevanhu vasingadi Mwari,” kwete kupiswa kwenyika ino yatinogara.—2 Petro 3:7.

5: Munhu aita chinhu

  MuKapenaume, ndiani akasvitsa chikumbiro chemukuru weuto kuna Jesu? Mateu 8:​5, 6 inoti mukuru weuto ndiye akaenda kuna Jesu, asi Ruka 7:3 inoti mukuru weuto akatuma varume vakuru vevaJudha kuti vasvitse chikumbiro chake kuna Jesu. Kunyange zvazvo zvichiita sokuti vhesi idzi dzinopikisana nyaya iripo ndeyekuti mukuru weuto ndiye akatuma vanhu kuna Jesu vachimumiririra.

6: Shanduro yakarurama

  Munhu wose anotadza here? Bhaibheri rinodzidzisa kuti tose tine chivi chakabva kuna Adhamu. (VaRoma 5:12) Dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzinoita sokuti dzinopikisa pfungwa iyi padzinoti munhu akanaka “haaiti zvivi” kana kuti “haatadzi.” (1 Johani 3:6, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona; King James Version) Asi mumutauro warakatanga kunyorwa shoko rechiGiriki rokuti “chivi” riri pana 1 Johani 3:6 rinoratidza chinhu chiri kutoitika uye chicharamba chichiitika. Pane musiyano pakati pechivi chatakaberekwa tiinacho nechivi chinoramba chichiitwa nemunhu asingateereri mitemo yaMwari. Saka dzimwe shanduro dzinojekesa vhesi iyi zvakarurama nokushandisa mashoko okuti “haana tsika yokuita chivi” kana kuti ‘haarambi achitadza.’​—Shanduro yeNyika Itsva; Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.

7: Dzidziso yeBhaibheri, kwete dzidziso dzechitendero

  Jesu akaenzana naMwari here? Jesu akamboti: “Ini naBaba tiri vamwe,” asi zvinoita sokuti zvinopikisana nemashoko aakataura okuti “Baba vakuru kwandiri.” (Johani 10:30; 14:28) Kuti tinyatsonzwisisa mavhesi aya, tinofanira kunzwisisa zvinonyatsotaurwa neBhaibheri pamusoro paJehovha naJesu panzvimbo pokuedza kunzwananisa mavhesi acho nedzidziso yeUtatu, iyo isingatsigirwi neBhaibheri. Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovha haasingori Baba vaJesu asiwo kuti ndiMwari waJesu, uye kuti Jesu anotonamata kwaari. (Mateu 4:10; Mako 15:34; Johani 17:3; 20:17; 2 VaKorinde 1:3) Jesu haana kuenzana naMwari.

 Mashoko okuti “tiri vamwe” haarevi kuti Jehovha naJesu munhu mumwe chete asi kuti vanoshanda vakabatana pakuzadzisa zvinangwa zvavo. Bhaibheri parinoti “ini naBaba tiri vamwe,” rinenge richinyatsoratidza kuti Jesu aitevedzera zvaidiwa naJehovha. Jesu nevateveri vake vaiita zvinhu pamwe chete ndokusaka akavanyengeterera kuna Mwari achiti: “Ndakavapa kukudzwa kwamakandipa, kuti vave vamwe sesu tiri vamwe. Ini ndiri pamwe navo uye imi muri pamwe neni.”—Johani 17:22, 23.

a Somuenzaniso imwe nyaya iri muEncyclopædia Britannica inotaura kuti chivako chinonzi Taj Mahal “chakavakwa namambo wePezhiya anonzi Shah Jahān.” Asi handiye akachivaka, nokuti nyaya yacho inoenderera mberi ichiti “paiva nevanhu vanopfuura 20 000” vakachivaka.