Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chokwadi nezvaJehovha naJesu

Chokwadi nezvaJehovha naJesu

Vanhu vanonamata vanamwari vakawanda, asi kuna Mwari mumwe chete wechokwadi. (Johani 17:3) Ndiye Mwari mukurusa, uye ndiye ‘akasika zvinhu zvese.’ Saka ndiye chete anofanira kunamatwa.—Dhanieri 7:18; Zvakazarurwa 4:11.

Mwari Ndiani?

Pakatanga kunyorwa Bhaibheri zita raMwari raiwanika KANENGE KA7 000

JEHOVHA Ndiro zita raMwari

ISHE, MWARI, BABA​—Mamwe mazita aMwari ekuremekedza

Zita raMwari Ndiani? Mwari pachake akati: “Ndini Jehovha. Ndiro zita rangu.” (Isaya 42:8) Zita raMwari rinowanika muBhaibheri kanenge ka7 000. Asi mumaBhaibheri akawanda zita racho rakabviswa rikatsiviwa nemazita ekuremekedza akadai sekuti “Ishe.” Mwari anoda kuti uve shamwari yake, saka anokukurudzira kuti ‘udane zita rake.’—Pisarema 105:1.

Mazita aJehovha Ekuremekedza. Bhaibheri rinotaura nezvaJehovha richimuti “Mwari,” “Wemasimbaose,” “Musiki,” “Baba,” “Ishe,” uye “Changamire.” MuBhaibheri mune vanhu vakawanda vakanyengetera kuna Mwari vachimushevedza nezita rake chairo rekuti Jehovha uye nemazita ake ekuremekedza.—Dhanieri 9:4.

Mwari Akaita Sei? Mwari mweya uye haaoneki. (Johani 4:24) Bhaibheri rinotaura kuti ‘hapana munhu akaona Mwari.’ (Johani 1:18) Rinotaurawo nezvemanzwiro ake. Vanhu vanogona kumurwadzisa kana ‘kumufadza.’—Zvirevo 11:20; Pisarema 78:40, 41.

Mwari Ane Unhu Hwakaita Sei? Mwari haasaruri, anoda vanhu vemarudzi ese. (Mabasa 10:34, 35) “Ane ngoni netsitsi, anononoka kutsamwa uye azere nerudo rusingachinji, nechokwadi.” (Eksodho 34:6, 7) Asi ane unhu 4 hunonyanya kutiswededza pedyo naye.

Simba. Sezvo ari “Mwari Wemasimbaose” haambotadzi kuzadzisa zvese zvaanovimbisa.—Genesisi 17:1.

Uchenjeri. Mwari ndiye akachenjera kupfuura vanhu vese. Bhaibheri parinoti ndiye “ega akachenjera” ndizvo zvarinenge richireva.—VaRoma 16:27.

Akarurama. Mwari anoita zvakanaka nguva dzese. Zvaanoita ‘zvakakwana’ uye ‘haaiti zvisina kururama.’—Dheuteronomi 32:4.

Rudo. Bhaibheri rinoti “Mwari rudo.” (1 Johani 4:8) Hakusi kungoti ane rudo chete asi iye wacho ndiye rudo. Zvese zvaanoita zvinobva parudo rwake, uye runotibatsira pane zvakawanda.

Tinogona Kuva Pedyo naMwari Here? Mwari ndiBaba vedu vari kudenga vane rudo. (Mateu 6:9) Kana tikatenda maari tinogona kuva shamwari dzake. (Pisarema 25:14) Mwari anotokukoka kuti uswedere pedyo naye nekunyengetera uye kuti ‘ukande zvese zvinokudya mwoyo paari, nekuti iye ane hanya newe.’—1 Petro 5:7; Jakobho 4:8.

Mwari naJesu Munhu Mumwe Chete Here?

Jesu naMwari Havasi Munhu Mumwe Chete. Jesu ndiye akatanga kusikwa naMwari. Ndokusaka Bhaibheri richimuti Mwanakomana waMwari. (Johani 1:14) Jehovha akazoshandisa dangwe rake ‘semhizha’ pakusika vamwe vanhu vese nezvimwe zvinhu zvese.—Zvirevo 8:30, 31; VaKorose 1:15, 16.

Jesu Kristu haana kumboti aiva Mwari. Asi akatoti: ‘Ndiri mumiririri akabva kuna Mwari, uye ndiye akandituma.’ (Johani 7:29) Achitaura nemumwe wevadzidzi vake, Jesu akashevedza Jehovha kuti “Baba vangu naBaba venyu” uye “Mwari wangu naMwari wenyu.” (Johani 20:17) Jesu paakafa, Jehovha akamumutsa kuti araramezve kudenga uye akamupa simba ari kuruoko rwake rwerudyi.—Mateu 28:18; Mabasa 2:32, 33.

Jesu Kristu Anogona Kukubatsira Kuswedera Pedyo naMwari

Jesu akauya panyika kuti azotidzidzisa nezvaBaba vake. Jehovha akati nezvaJesu: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa. Muteererei.” (Mako 9:7) Jesu ndiye anonyatsoziva Mwari. Akati: “Hapana anoziva kuti Baba ndiani, kunze kweMwanakomana nemunhu wese uyo Mwanakomana anenge achida kuratidza zvavakaita.”—Ruka 10:22.

Jesu ane unhu hwakafanana nehwaMwari. Jesu ainyatsotevedzera unhu hwaBaba vake zvekuti akataura kuti: “Munhu wese anenge aona ini aonawo Baba.” (Johani 14:9) Jesu airatidza rudo runa Baba vake pane zvaaitaura uye zvaaiita, izvo zvakaita kuti vanhu vade kuva pedyo naMwari. Akati: “Ndini nzira nechokwadi neupenyu. Hapana anouya kuna Baba asina kusvika nekwandiri.” (Johani 14:6) Akatiwo: ‘Vanamati vechokwadi vachanamata Baba mumweya nemuchokwadi, nekuti zvechokwadi, Baba vari kutsvaga vanhu vakadaro kuti vavanamate.’ (Johani 4:23) Chimbozvifunga! Jehovha ari kutsvaga vanhu vakaita sewe vanoda kuziva chokwadi nezvake.