Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinonyatsoita Here Kuti Tizive Mwari?

Zvinonyatsoita Here Kuti Tizive Mwari?

“Mwari haanzwisisiki.”—Philo wekuAlexandria, nyanzvi yekutsanangura nyaya dzeupenyu yakararama munguva yevaKristu vepakutanga.

‘[Mwari] haasi kure nomumwe nomumwe wedu.’—Sauro wekuTaso, achitaura nenyanzvi dzekutsanangura nyaya dzeupenyu muAtene, munguva yevaKristu vepakutanga.

PAMITSARA miviri iri pamusoro apa, ndeupi unobudisa maonero ako? Vanhu vakawanda vanofunga kuti mashoko aSauro wekuTaso, uyo anonziwo muapostora Pauro, anonyaradza uye anofadza. (Mabasa 17:26, 27) Uyewo Bhaibheri rine mamwe mashoko evimbiso akafanana neakataurwa naPauro. Semuenzaniso, Jesu akanyengetera achitaura mashoko anovimbisa vateveri vake kuti vanokwanisa kusvika pakuziva Mwari vokomborerwa naye.—Johani 17:3.

Zvisinei, nyanzvi dzekutsanangura nyaya dzeupenyu dzakadai saPhilo dzakataura zvakasiyana naizvozvo. Dzakataura kuti hatitombokwanisi kuziva Mwari nekuti haanzwisisike zvachose. Saka chokwadi ndechipi?

Bhaibheri rinotaura zviri pachena kuti pane zvimwe zvinhu pamusoro paMwari zvakaoma kuti vanhu vanzwisise. Semuenzaniso, hatikwanisi kuyera kana kunzwisisa kureba kweupenyu hweMusiki, kupinza kwakaita pfungwa dzake, uye kuti akachenjera zvakadini. Munhu haangambozvinzwisisi. Zvisinei, zvinhu izvi hazvititadzisi kuziva Mwari. Kufungisisa nezvezvinhu izvozvo kunototibatsira kuti ‘tiswedere pedyo naMwari.’ (Jakobho 4:8) Ngatimboonai zvishoma zvacho. Uye tichazoona zvinhu zvine chekuita naMwari zvatinokwanisa kunzwisisa.

Zvinhu Zvipi Zvatisingakwanisi Kunzwisisa?

MWARI HAANA MAVAMBO KANA MAGUMO: Bhaibheri rinodzidzisa kuti Mwari agara ariko “kubvira narini kusvikira narini.” (Pisarema 90:2) Izvi zvinoreva kuti Mwari haana paakatangira uye haana paachagumira. “Kuwanda kwemakore ake hakugoni kuongororwa (kana kuti kunzwisiswa)” nevanhu zvachose.—Jobho 36:26.

Zvinokubatsira sei? Mwari anokuvimbisa kuti ukasvika pakumuziva, achakupa upenyu husingaperi. (Johani 17:3) Taizokwanisa kuva nechokwadi nevimbiso iyoyo here kudai Mwari wacho asingararami nekusingaperi? “Mambo asingagumi” chete ndiye anogona kuzadzisa vimbiso yakadaro.—1 Timoti 1:17.

PFUNGWA DZAMWARI: Bhaibheri rinodzidzisa kuti “kunzwisisa kwake hakugoni kuongororwa” nekuti pfungwa dzake dzakakwirira zvakanyanya kupfuura dzedu. (Isaya 40:28; 55:9) Ndokusaka Bhaibheri riine mubvunzo usingadi hawo mhinduro wekuti: “Ndianiko akaziva pfungwa dzaTenzi kuti agomudzidzisa?”—1 VaKorinde 2:16, Bhaibheri rine Apokirifa.

Zvinokubatsira sei? Mwari anokwanisa kuteerera minyengetero inoitwa nevanhu vakawanda panguva imwe chete. (Pisarema 65:2) Anoona kunyange shiri duku inenge yawira pasi. Pfungwa dzaMwari dzingawandirwa here zvekuti anotadza kukuona kana kuteerera minyengetero yako? Kwete, nekuti pfungwa dzake hadzina padzinogumira. Chinotopfuura zvese ndechekuti, Mwari ‘anokukoshesa kupfuura shiri duku zhinji.’—Mateu 10:29, 31.

NZIRA DZAMWARI: Bhaibheri rinodzidzisa kuti munhu haakwanisi “kumboziva basa rakaitwa naMwari wechokwadi kubvira pakutanga kusvikira pakupedzisira.” (Muparidzi 3:11) Saka hatizombofi takaziva zvese nezvaMwari. Uchenjeri huri munzira dzaMwari haugoni “kurondwa.” (VaRoma 11:33) Zvisinei, Mwari ane chido chekuita kuti vaya vanoda kumufadza vazive nzira dzake.—Amosi 3:7.

Hatikwanisi kuyera kana kunzwisisa kureba kweupenyu hweMusiki, kupinza kwakaita pfungwa dzake, uye kuti akachenjera zvakadini

Zvinokubatsira sei? Kudzidza uye kuverenga Bhaibheri kuchakubatsira kuti urambe uchiziva zvinhu zvitsva nezvaMwari uye nzira dzake. Izvi zvinoreva kuti tinokwanisa kuramba tichiswedera pedyo naBaba vedu vekudenga nekusingaperi.

Zvaunokwanisa Kuziva

Kusakwanisa kwedu kunzwisisa zvimwe zvinhu nezvaMwari hakurevi kuti hatikwanisi zvachose kusvika pakumuziva. Bhaibheri rine mashoko akawanda anotibatsira kuti tiwedzere kuziva Mwari. Ona mienzaniso inotevera:

ZITA RAMWARI: Bhaibheri rinodzidzisa kuti Mwari akazvipa zita. Anoti: “Ndini Jehovha. Ndiro zita rangu.” Zita raMwari rinowanika muBhaibheri kanenge ka7 000, uye ndiro rinowanika kakawanda kupfuura mamwe mazita ese.—Isaya 42:8.

Zvinokubatsira sei? Jesu paaidzidzisa vadzidzi vake kunyengetera, akataura kuti: “Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe.” (Mateu 6:9) Ungashandisawo here zita raMwari muminyengetero yako? Jehovha anoda kuponesa vese vanoremekedza zita rake zvechokwadi.—VaRoma 10:13.

KUNOGARA MWARI: Bhaibheri rinodzidzisa kuti kune ‘nzvimbo’ mbiri, nzvimbo ine nyika yatinogara nezvimwe zvinhu zvatinokwanisa kuona uye nzvimbo yokumusoro inogara zvisikwa zvine miviri yatisingagoni kuona. (Johani 8:23; 1 VaKorinde 15:44) MuBhaibheri, shoko rekuti ‘matenga’ rinowanzoreva nzvimbo iri kumusoro yatisingakwanisi kuona. ‘Nzvimbo inogara’ Musiki iri “kumatenga” iwayo.—1 Madzimambo 8:43.

Zvinokubatsira sei? Unokwanisa kuziva Mwari zviri nani. Musiki haasi simba risinganzwisisiki riri pese pese uye muzvinhu zvese. Jehovha Munhu chaiye anotova nekwaanogara. Asi “hapana chisikwa chaasingaoni.”—VaHebheru 4:13.

MAITIRO AMWARI: Bhaibheri rinotidzidzisa nezvekunaka kwemaitiro aMwari. “Mwari rudo.” (1 Johani 4:8) Haamborevi nhema. (Tito 1:2) Haasaruri, ane nyasha uye haakurumidzi kutsamwa. (Eksodho 34:6; Mabasa 10:34) Uye, pane chimwe chinhu chinogona kushamisa vanhu vakawanda. Ndechokuti Musiki anoda chaizvo kuti vaya vanomuremekedza vave ‘shamwari dzake dzepedyo.’—Pisarema 25:14.

Zvinokubatsira sei? Unogona kuva shamwari yaJehovha. (Jakobho 2:23) Zvadaro, paunosvika pakuziva unhu hwaJehovha, uchawedzera kunzwisisa nyaya dziri muBhaibheri.

‘TSVAKA MWARI’

Bhaibheri rinobudisa pachena kuti Jehovha ndiMwari akaita sei. Musiki anotoda kuti usvike pakumuziva nekuti haasi Mwari asinganzwisisiki. Shoko rake Bhaibheri rinovimbisa kuti: “Kana ukamutsvaka, achaita kuti umuwane.” (1 Makoronike 28:9) Ngativerengei nekufungisisa nyaya dziri muBhaibheri kuti tisvike pakuziva Mwari. Bhaibheri rinovimbisa kuti kana ukaita izvozvo, Mwari ‘achaswedera pedyo newe.’—Jakobho 4:8.

Kudzidza uye kuverenga Bhaibheri kuchakubatsira kuti urambe uchidzidza zvinhu zvitsva nezvaMwari uye nzira dzake

Ungashamisika kuti: ‘Ndingava sei shamwari yeMusiki ini ndisingakwanisi kunzwisisa zvose nezvake?’ Chimbofunga izvi, kuti munhu ave shamwari yepedyo yachiremba anofanira kunge aine dhigirii rezvekurapa here? Aiwa! Shamwari yachiremba inogona kunge ichitoita zvimwe zvakatosiyana nezvekurapa. Asi izvozvo hazvingavatadzisi kuva shamwari dzepedyo. Chinonyanya kukosha ndechekuti shamwari yachiremba izive unhu hwachiremba wacho, uyewo zvaanofarira nezvaasingafariri. Saizvozvowo, unogona kudzidza kubva muBhaibheri kuti Jehovha ndiMwari akaita sei, uye izvozvo ndizvo chaizvo zvaunofanira kuziva kuti uve shamwari yake.

Pane kungotiudza zvinhu zvishomanana zvisinganzwisisiki nezveMusiki, Bhaibheri rinotiudza zvinhu zvinotibatsira kuti tizive Mwari. Ungada kudzidza zvakawanda nezvaJehovha Mwari here? Zvapupu zvaJehovha zvinodzidza nevanhu Bhaibheri vasingabhadhari. Tinokukurudzira kuti utaure neZvapupu zvekwaunogara kana kuti uende pawww.pr418.com.