Enda pane zvauri kuda

Mwari Ane Zita Here?

Mwari Ane Zita Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Vanhu vose vane mazita. Mwari angatadzawo here kuvawo nezita rake? Kuva nemazita uye kuashandisa kunokosha kana tichida kuti ushamwari husimbe. Zvinofanira kusiyana here kana pava panyaya yokuva neushamwari naMwari?

 MuBhaibheri, Mwari anoti: “Ndini Jehovha. Ndiro zita rangu.” (Isaya 42:8) Kunyange zvazvo aine mazita akawanda okuremekedza, akadai seokuti “Mwari Wemasimbaose,” “Changamire Ishe,” uye “Musiki,” anoremekedza vanamati vake nekuvaudza kuti vashandise zita rake.​—Genesisi 17:1; Mabasa 4:​24; 1 Petro 4:19.

 MaBhaibheri akawanda ane zita raMwari pana Eksodho 6:3. Mashoko acho anoti: “Ndaimbozviratidza kuna Abrahamu, Isaka naJakobho saMwari Wemasimbaose, asi handina kuzvizivisa kwavari nezita rangu rokuti Jehovha.”

 Zita raMwari rokuti Jehovha rava nemazana emakore richishandiswa. Kunyange zvazvo dzimwe nyanzvi dzakadzidza dzichifarira rokuti “Yahweh,” zita rokuti Jehovha ndiro rinonyanya kushandiswa. Chikamu chokutanga cheBhaibheri hachina kunyorwa muChirungu asi muchiHebheru, unova mutauro unoverengwa uchibva kurudyi uchienda kuruboshwe. Mumutauro uyu, zita raMwari rinoratidzwa nemavara mana aya, יהוה. Mavara aya mana echiHebheru, kana akashandurwa anobudisa rokuti YHWH uye anozivikanwa seTetragrammaton.