Enda pane zvauri kuda

Bhaibheri Rinotii Nezveushamwari?

Bhaibheri Rinotii Nezveushamwari?

Mhinduro yeBhaibheri

 Kuva neshamwari kunobatsira kuti munhu afare uye zvinhu zvimufambire zvakanaka muupenyu. Shamwari dzakanaka dzinokubatsira kuti uwedzere kuita zvinhu zvakanaka.—Zvirevo 27:17.

 Bhaibheri rinotaura kuti zvinokosha kuti munhu asarudze shamwari dzake zvakanaka. Rinoyambira kuti kana munhu akatadza kusarudza shamwari dzakanaka, zvichamupinza mumatambudziko. (Zvirevo 13:20; 1 VaKorinde 15:33) Shamwari dzakaipa dzinogona kuita kuti munhu aite zvisarudzo zvakaipa uye kuti arase tsika dzake dzakanaka.

Zviri munyaya ino

 Shamwari yakanaka yakaita sei?

 Bhaibheri rinotaura kuti pane zvimwe zvinhu zvinodiwa kuti vanhu vave shamwari dzakanaka zvinopfuura kungofarira zvinhu zvakafanana. Semuenzaniso, Pisarema 119:63 inoti: “Ndiri shamwari yevaya vese vanokutyai a neyevaya vanochengeta mirayiro yenyu.” Pavhesi iyi, munyori weBhaibheri akataura kuti akasarudza shamwari dzinoda kufadza Mwari uye dzinoda kurarama maererano nemitemo yake.

 Bhaibheri rinotiudzawo unhu hwakasiyana-siyana hunofanira kuva neshamwari yakanaka. Semuenzaniso:

  •   “Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzese uye ihama yakaberekerwa kubatsira panguva yekutambudzika.”—Zvirevo 17:17.

  •   “Kune shamwari dzinongogara dzichiitirana zvakaipa, asi kune shamwari iri pedyo kupfuura mukoma.”—Zvirevo 18:24.

 Mavhesi aya anotidzidzisa kuti munhu anonzi shamwari yakanaka anofanira kunge akavimbika, aine rudo, aine mutsa, uyewo aine rupo. Shamwari yechokwadi munhu watinoziva kuti tinogona kuenda kwaari tichida kubatsirwa patinenge tiri mumatambudziko. Shamwari yakanaka inewo ushingi hwekupa mumwe wake zano paanoona kuti ari kurasika kana kuti ari kuita zvisarudzo zvakaipa.—Zvirevo 27:6, 9.

 Ndevapi vamwe vanhu vanotaurwa muBhaibheri vaiva shamwari dzepedyo?

 Bhaibheri rinotaura nezvevanhu vaiva shamwari dzakanaka. Vanhu vacho vaiva vakasiyana pazera, kwavaibva, tsika uyewo zvinzvimbo zvavaiva nazvo. Vamwe vacho ndeava:

  •   Rute naNaomi. Rute aiva muroora waNaomi, uye Naomi akanga ari mukuru chaizvo kuna Rute. Rute aiva werudzi rwechiMoabhi, Naomi ari muIsraeri. Kunyange zvakadaro, vakava shamwari dzepedyo uye vaiwirirana chaizvo.—Rute 1:16.

  •   Dhavhidhi naJonatani. Kunyange zvazvo Jonatani anogona kunge aiva mukuru kuna Dhavhidhi nemakore 30, Bhaibheri rinotaura kuti Dhavhidhi naJonatani vaiva “shamwari dzepedyo.”—1 Samueri 18:1.

  •   Jesu nevaapostora vake. Jesu aiva nechinzvimbo chakakwirira kupfuura vaapostora vake nekuti aiva mudzidzisi uye akanga ari tenzi wavo. (Johani 13:13) Asi izvozvo hazvina kuita kuti afunge kuti vaisakodzera kuva shamwari dzake. Jesu aiva neushamwari hwepedyo nevaya vese vaiteerera zvaaidzidzisa. Akati: “Ndava kukutii shamwari nekuti ndakakuzivisai zvinhu zvese zvandakanzwa kuna Baba vangu.”—Johani 15:14, 15.

 Zvinoita here kuti munhu ave shamwari yaMwari?

 Hongu, zvinoita kuti vanhu vave shamwari dzaMwari. Bhaibheri rinoti: “[Mwari] ishamwari yepedyo yevakarurama.” (Zvirevo 3:32) Izvi zvinoreva kuti Mwari anoshamwaridzana nevanhu vane unhu hwakanaka, vakavimbika, vanozvibata uye vanoedza kurarama zvinoenderana nemitemo yake. Semuenzaniso, Magwaro anoti murume aiva nekutenda anonzi Abrahamu aiva shamwari yaMwari.—2 Makoronike 20:7; Isaya 41:8; Jakobho 2:23.

a Munhu ari kurehwa apa ndiMwari.