Enda pane zvauri kuda

TEVEDZERA KUTENDA KWAVO | JONATANI

Vaiwirirana Chaizvo

Vaiwirirana Chaizvo

 Hondo payakapera, mupata waEraa wakabva wati zii. Panguva iyi yemasikati waingonzwa karuzha kematende kaikonzerwa nekamhepo kaivako. Mambo Sauro vakanga vachikurukura nemasoja avo. Mwanakomana wavo mukuru, Jonatani, aivapowo uye paivawo nechikomana chaifudza makwai chakanga chichitaura nyaya yacho chichifara. Mukomana uyu ainzi Dhavhidhi, uye Sauro ainyatsoteerera, zvese zvaitaurwa nemukomana uyu. Jonatani akanzwa sei? Akanga ava nemakore akawanda achishumira Jehovha uye ane hondo dzakawanda dzaakakunda. Asi nhasi haasi iye akunda; chikomana ichi ndicho chakunda. Dhavhidhi akanga akunda zirume rainzi Goriyati! Jonatani angave ari kunzwira Dhavhidhi godo here nekurumbidzwa kwese kwaari kuitwa?

 Zvinoitwa naJonatani zvinogona kukushamisa. Nyaya yacho inoti: “Zvino paakanga angopedza kutaura naSauro, mweya waJonatani wakanamatirana nomweya waDhavhidhi, Jonatani akatanga kumuda sokuda kwaaiita mweya wake.” Jonatani akapa Dhavhidhi zvombo zvake zvaaishandisa pakurwa kusanganisira uta hwake. Jonatani naDhavhidhi vakasvika pakutoita chibvumirano chekuti vaizoramba vari shamwari uye vachitsigirana.—1 Samueri 18:1-5.

 Jonatani naDhavhidhi vaiwirirana chaizvo uye muBhaibheri munewo vamwe vaiwirirana seizvi. Kuziva vanhu vekushamwaridzana navo kunokosha. Kana tikasarudza shamwari dzakanaka uye toramba tichitsigirana, tinogona kusimbisa kutenda kwedu munguva dzino dzakaoma. (Zvirevo 27:17) Ngatichionai kuti tinodzidzei kubva paushamwari hwaiva naDhavhidhi naJonatani.

Chakaita Kuti Vaviri Ava Vawirirane

 Chii chakaita kuti vaviri ava vakurumidze kuwirirana? Pane zvinhu zvakanga zvakafanana pauviri hwavo. Ngatimboonai zvakanga zvaitika. Upenyu hwaJonatani hwakanga hwakaoma. Baba vake, Mambo Sauro, vakanga vari kuramba vachichinja unhu hwavo vachiva neunhu hwakaipa. Pakutanga vaimbova munhu aizvininipisa, aiteerera uye aiva nekutenda. Asi iye zvino vakanga vava mambo aizvikudza uye asingateereri.—1 Samueri 15:17-19, 26.

 Zvakanga zvava kuitwa naSauro izvi zvinofanira kunge zvakarwadza Jonatani nekuti aida baba vake. (1 Samueri 20:2) Zvimwe Jonatani akafunga kuti zviri kuitwa nababa vake zvaigona kuzoita kuti Jehovha apedzisire asiya rudzi rwevaIsraeri. Kusateerera kwamambo kwaisazoita kuti vanhu vese vaaitonga vapedzisire vasingachafarirwi naJehovha here? Zvechokwadi iyi yakanga iri nguva yakaoma kumunhu aida Mwari saJonatani.

 Kuziva izvi kunogona kutibatsira kuti tinzwisise kuti chii chakaita kuti Jonatani afarire Dhavhidhi uyo aiva mudiki kwaari nekure. Jonatani akaona kuti Dhavhidhi aiva nekutenda kwakasimba. Yeuka kuti Dhavhidhi akanga akasiyana nemasoja aSauro, pakuti haana kubvuma kutyisidzirwa nezirume rechiFiristiya rainzi Goriyati. Aiziva kuti kuenda kunorwa achishandisa zita raJehovha kwaizoita kuti akunde Goriyati uyo aiva nezvombo zvinotyisa.—1 Samueri 17:45-47.

 Makore akanga apfuura, ndiwo mafungiro aivawo naJonatani. Aiva nechokwadi chekuti varume vaviri kureva iye nemunhu aimutakurira zvombo, vaigona kukunda masoja ese aiva nezvombo zvinotyisa. Chii chakaita kuti asatya? Anoti: “Hapana chinotadzisa Jehovha.” (1 Samueri 14:6) Saka Jonatani naDhavhidhi vaiva nezvinhu zvakanga zvakafanana pavari. Vaiva nekutenda kwakasimba muna Jehovha uye vaimuda zvakadzama. Izvi ndizvo zvakaita kuti varume vaviri ava vawirirane. Jonatani aiva musoja ane unyanzvi uye zvekare ari mwana wamambo. Pazera, akanga ava kusvitsa makore 50. Dhavhidhi aiva mufudzi uye akanga asati atombosvitsa makore 20. Varume vaviri ava vakava neushamwari hwakasimba pasinei nekusiyana kwavakanga vakaita. a

 Chibvumirano chavakaita ndicho chakachengetedza ushamwari hwavo. Sei? Dhavhidhi aiziva zvakanga zvataurwa naJehovha kuti ndiye aizova mambo weIsraeri! Akavanzira here Jonatani nyaya iyi? Aiwa! Shamwari dzechokwadi dzinobudirana pachena kwete kuvanzirana kana kunyeperana. Jonatani aizonzwa sei paaizoziva kuti Dhavhidhi ndiye aizova mambo? Ko kana aitofungirawo kuti nerimwe zuva ndiye aizova mambo, ogadzirisa zvinhu zvaikanganiswa nababa vake? Bhaibheri harina zvarinotaura nezvazvo; rinongotiudza zvinonyanya kukosha zvacho, kuvimbika kwake nekutenda kwake. Aiona kuti mweya mutsvene waiva naDhavhidhi. (1 Samueri 16:1, 11-13) Saka Jonatani akazadzisa mhiko yake akaramba achiona Dhavhidhi seshamwari yake kwete muvengi. Chaingodiwa naJonatani ndechekuti kuda kwaJehovha kuitwe.

Jonatani naDhavhidhi vaiva nekutenda kwakasimba muna Jehovha uye vaimuda zvakadzama

 Pane zvakanaka zvakazoitika pakati pavo. Tinodzidzei pakutenda kwaiva naJonatani? Tinodzidza kuti kuva neshamwari kunokosha, asi hadzifaniri kungova dzezera redu kana kuti dzekwatinobva. Chinonyanya kukosha ndechekuti dzine kutenda kwakasimba here. Jonatani naDhavhidhi vakasimbisana nekukurudzirana kakawanda. Vane zvakawanda zvavaizosangana nazvo mberi, zvaitozoda kuti vabatsirane.

Dambudziko Rekuti Wovimbika Kuna Ani

 Sauro akatanga achida Dhavhidhi, akabva amuita kuti ave komanda wemasoja. Dhavhidhi akaramba achingokunda vaFiristiya, uye vanhu vakatanga kumurumbidza nekumuyemura. Vamwe vakadzi vakatoimba vachiti: ‘Sauro akauraya zviuru, uye Dhavhidhi makumi ezviuru.’ Asi Sauro akatadza kuita zvakaitwa nemwana wake Jonatani. Godo ndiro rakamukunda. Kubvira pazuva iroro “akaramba achitarira Dhavhidhi achinyumwira.” (1 Samueri 18:7, 9) Aityira kuti Dhavhidhi aizomutorera umambo. Sauro akaratidza kusafunga. Kunyange zvazvo Dhavhidhi aizviziva kuti ndiye aizotsiva Sauro, haana kumbobvira apindwa nekapfungwa kekumubvisa pachigaro!

 Sauro akaronga kuti Dhavhidhi aurayiwe muhondo, asi hazvina kushanda. Dhavhidhi akaramba achingokunda muhondo uye vanhu vakawedzera kumuda. Saka Sauro akafunga rimwe zano rekuti iye, nevashandi vake nemwana wake mukuru vabatane vauraye Dhavhidhi! Fungidzira kurwadziwa kwakaita Jonatani achiona baba vake vachidaro! (1 Samueri 18:25-30; 19:1) Jonatani aiva mwana akavimbika, asi akanga akavimbikawo kushamwari yake. Saka aizovimbika kuna ani pavaviri ava?

 Jonatani akaudza baba vake kuti: “Musaita kuti mambo atadzire mushandi wake Dhavhidhi, nokuti haana kukutadzirai uye mabasa ake ave akanaka kwazvo kwamuri. Akaisa mweya wake pangozi, akauraya muFiristiya, zvokuti Jehovha akaponesa vaIsraeri kwazvo. Makazviona, mukafara. Saka mungatadzireiko ropa risina mhosva nokuita kuti Dhavhidhi aurayirwe pasina?” Sauro akaita senge anzwisisa, akateerera Jonatani achibva atopika kuti akanga asiri kuzokuvadza Dhavhidhi. Asi pasina nguva akabva achinja pfungwa. Dhavhidhi paakaramba achibudirira, Sauro akawedzera kumuitira shanje zvekusvika pakuedza kumubayira kumadziro nepfumo! (1 Samueri 19:4-6, 9, 10) Asi Dhavhidhi akatiza.

 Wati wamboshaya here kuti wovimbika kuna ani? Zvinogona kurwadza. Vamwe vanogona kukuti unofanira kuvimbika kumhuri yako nguva dzese. Asi haasiwo mafungiro aiva naJonatani. Zvakanga zvisingaiti kuti atsigire baba vake nekuti Dhavhidhi akanga ari mushumiri waJehovha akavimbika uye aiteerera. Saka Jonatani akatsvaga kuti ndezvipi zvinodiwa naJehovha achibva asarudza zvinoenderana naizvozvo. Ndosaka akaramba akamira naDhavhidhi. Kunyange zvazvo aiva akavimbika kuna Jehovha, akaratidzawo kuti akanga akavimbika kuna baba vake nekuvatsiura. Dai mumwe nemumwe wedu akatevedzera kuvimbika kwaiva naJonatani.

Zvakanakira Kuva Akavimbika

 Jonatani akaedza zvekare kuti Sauro naDhavhidhi vawirirane asi haana kubudirira. Dhavhidhi akaenda kuna Jonatani muchivande akamuudza kuti: “Panongova nenhanho imwe chete pakati pangu norufu!” Jonatani akabvuma kuti anoona pane pfungwa dzababa vake uye ozoudza Dhavhidhi. Dhavhidhi paainge akahwanda, Jonatani aizopfura miseve kuti Dhavhidhi azive zvekuita. Jonatani akakumbira Dhavhidhi kuti: ‘Usabvisa mutsa wako worudo paimba yangu nokusingagumi, kunyange Jehovha paanoparadza vavengi vako.’ Dhavhidhi akabvuma kuti aizoramba achichengeta vanhu veimba yaJonatani.—1 Samueri 20:3, 13-27.

 Jonatani akaedza kumiririra Dhavhidhi pamberi paSauro, asi Sauro akatotsamwa nazvo! Akati Jonatani aiva “mwanakomana womushandikadzi anopandukira” uye kuti ainyadzisa mhuri yake nekutsigira kwaaiita Dhavhidhi. Akaedza kutaura mashoko aaifunga kuti achatora mwoyo waJonatani achiti: “Mazuva ose ayo mwanakomana waJese anenge ari mupenyu panyika, iwe noumambo hwako hamuzosimbiswi kwazvo.” Jonatani haana kuchinja pfungwa dzake, akabva akumbirazve baba vake achiti: “Anofanira kuurayirwei? Akaitei?” Sauro akabva aputika nehasha! Kunyange zvazvo Sauro akanga akura, akanga achine simba. Akaedza kuda kuuraya mwana wake nepfumo, achibva amupotsa! Arwadziwa, Jonatani akabva abuda akatsamwa chaizvo.—1 Samueri 20:24-34

Jonatani akaramba akavimbika, haana kutsvaga zvakamunakira

 Mangwana acho mangwanani, Jonatani akaenda kusango pedyo nekwaiva kwakahwanda Dhavhidhi. Akapfura museve sezvavakanga varangana, achiratidza Dhavhidhi kuti Sauro akanga achiri kuda kumuuraya. Jonatani akabva adzosa mushandi wake muguta. Iye naDhavhidhi vakanga vari vega, saka vakabva vawana mukana wekumbotaura. Vese vakachema, uye Jonatani akarwadziwa pavakaparadzana achiona kuti shamwari yake Dhavhidhi yakanga yava kutorarama upenyu hwemupoteri.—1 Samueri 20:35-42.

 Zvinhu pazvaiva zvakaoma kudai, Jonatani akaramba akavimbika, haana kutsvaga zvakamunakira. Satani, uyo anovenga vanhu vese vakavimbika, chido chake chaiva chekuti Jonatani atevedzere Sauro ova nepfungwa dzekutsvaga mukurumbira. Yeuka kuti Satani anoda kuti vanhu vaite zvinhu zvakangovanakira. Akakwanisa kuzviita kuna Adhamu naEvha, vabereki vedu vekutanga. (Genesisi 3:1-6) Asi kuna Jonatani haana kubudirira. Satani anofanira kunge akasvotwa chaizvo! Uchakwanisawo here kukunda miedzo yakadaro? Tiri kurarama munguva izere nevanhu vanongozvifunga ivo chete. (2 Timoti 3:1-5) Uchatevedzerawo here Jonatani woramba wakavimbika kunyange zviome sei?

Jonatani aiva akavimbika nekuti akapa shamwari yake Dhavhidhi chiratidzo chekuti atize kuti asaurayiwa

“Waindifadza kwazvo”

 Pese paakanga ari, Sauro akanga ava kungovenga Dhavhidhi. Jonatani haana chaakanga okwanisa kuita achiona baba vake vava kungopengereka, vachiwedzera uto ravo vachida kuuraya murume akanga asina mhosva. (1 Samueri 24:1, 2, 12-15; 26:20) Jonatani akabatana navo here? Hapana kana panotaurwa muMagwaro kuti akaitawo zvinhu izvozvo zvisina musoro. Kuvimbika kwaJonatani kuna Jehovha uye kuna Dhavhidhi, uye kukoshesa mhiko yavakanga vavimbisana ndiko kwakaita kuti adaro.

 Kuda kwaaiita shamwari yake hakuna kumbochinja. Nekufamba kwenguva akatsvaga nzira yekuti aonane naDhavhidhi zvekare. Vakasangana kuHoreshi, shoko rinoreva kuti “Sango Remiti.” Horeshi raiva sango raiva mumakomo pedyo nekumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweHebroni. Chii chakaita kuti Jonatani aise upenyu hwake pangozi achienda kunoona munhu aitsvagwa nemaziso matsvuku? Bhaibheri rinotiudza kuti aida kubatsira Dhavhidhi ‘kuti awane simba muna Jehovha.’ (1 Samueri 23:16) Jonatani akazviita sei?

 Akaudza Dhavhidhi kuti: “Usatya nokuti ruoko rwababa vangu Sauro haruzokuwani.” Nei Jonatani akataura kudaro? Nekuti aiva nekutenda kwakasimba kuti zvakanga zvataurwa naJehovha zvaizoitika. Akaenderera mberi achiti: “Uchava mambo waIsraeri.” Muprofita Samueri akanga ambotaura mashoko iwayo, uye Jonatani akanga ava kumuyeuchidza kuti Jehovha akanga asiri kuzotadza kuzadzisa zvaakavimbisa. Jonatani aiona sei ramangwana rake? Akati: “Ini ndichava wechipiri kwauri.” Chokwadi murume uyu aizvininipisa! Akanga achigutsikana nekuzova mutevedzeri wemukomana uyu aiva mudiki kwaari nemakore 30, uye aizomutsigira! Akabva apedzisa achiti: “Baba vangu Sauro vanozviziva izvozvo.” (1 Samueri 23:17, 18) Sauro ainyatsozviziva kuti akanga asiri kuzokunda hondo iyi nekuti munhu waairwisana naye akanga achitsigirwa naJehovha!

Jonatani akakurudzira Dhavhidhi paakanga achinetseka

 Mumakore akazotevera, Dhavhidhi anofanira kunge akaramba achifunga nezvemusi uyu wavakakurukura naJonatani. Ndiwo waiva musi wekupedzisira kuonana. Zvinosuwisa kuti zvaishuvirwa naJonatani zvekuva mutevedzeri waDhavhidhi hazvina kuzobudirira.

 Jonatani akaenda kuhondo nababa vake kuti anorwisa vaFiristiya. Akatsigirana nababa vake kurwisa vaFiristiya, uye haana kubvumira zvikanganiso zvababa vake zvichimukanganisa pakushumira Jehovha. Saka akarwa zvekurwa zviya, akavimbika sezvaakanga agara ari. Asi musi wacho zvinhu hazvina kufambira zvakanaka vaIsraeri. Sauro akanga aipa zvekusvika pakutoita zvemidzimu, mhosva yaiita kuti munhu aurayiwe pasi peMutemo waMwari. Zvakaitwa naSauro zvakaita kuti Jehovha abvise chikomborero chake paari. Vanakomana vake vatatu, kusanganisira Jonatani, vakafira muhondo yacho. Sauro akakuvadzwa zvisingaiti achibva azozviuraya.—1 Samueri 28:6-14; 31:2-6

Jonatani akati: “Iwe uchava mambo waIsraeri, ini ndichava wechipiri kwauri.”—1 Samueri 23:17

 Dhavhidhi akarwadziwa chaizvo. Akachemawo kunyange naSauro uyo akanga ari kumuonesa chitsvuku! Dhavhidhi akanyorera Sauro naJonatani rwiyo rwemariro. Mashoko anonyanya kurwadza aanoimba, ari kuimbira shamwari yake yaaida uye yaimutsigira: “Ndiri kutambudzika pamusoro pako, Jonatani hama yangu, waindifadza kwazvo. Rudo rwako kwandiri rwaishamisa kupfuura rudo rwevakadzi.”—2 Samueri 1:26.

 Dhavhidhi haana kumboputsa chirangano chaakanga aita naJonatani. Papera makore, akatsvaga mwanakomana waJonatani akanga akaremara, Mefibhosheti, achibva amuchengeta. (2 Samueri 9:1-13) Dhavhidhi akanga adzidza chaizvo kubva pakuvimbika kwaJonatani, kuramba akanamatira kwaari seshamwari kunyange pazvaigona kumupinza pangozi. Tinokwanisawo here kuvatevedzera? Hatingadiwo here kutsvaga shamwari dzakaita saJonatani? Tingaratidzanawo here ushamwari hwakadaro? Kana tikabatsira shamwari dzedu kuti dzisimbise ushamwari hwadzo naJehovha, toita kuti kuvimbika kwedu kuna Jehovha kuve pekutanga, uye toramba takavimbika tisingatsvagi zvinhu zvakangotinakira, tichava shamwari dzechokwadi sezvaiva zvakaita Jonatani. Uye tichatevedzera kutenda kwake.

a Jonatani paanotanga kutaurwa nezvake muBhaibheri, baba vake Sauro vanenge vari mambo, iye anenge ari komanda uye zvinoratidza kuti akanga apfuura makore 20. (Numeri 1:3; 1 Samueri 13:2) Sauro akatonga kwemakore 40. Saka panguva yakafa Sauro, Jonatani akanga ava nemakore anenge 60. Dhavhidhi akanga aine makore 30 panguva yakafa Sauro. (1 Samueri 31:2; 2 Samueri 5:4) Saka zvinoratidza sekuti Jonatani akanga ari mukuru kuna Dhavhidhi nemakore anenge 30.