Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA

Shamwari Yechokwadi Yakaita Sei?

Shamwari Yechokwadi Yakaita Sei?

MUSI wa25 December 2010, mumwe mukadzi wokuBritain ane makore 42 akanyora mashoko paIndaneti (social network) achiti akanga ava kuzozviuraya. Mashoko ake airatidza kuti aida chaizvo kubatsirwa. Kunyange zvazvo mukadzi uyu aiva neshamwari dzinopfuura 1 000 dzakanga dzichitova paIndaneti panguva iyoyo, hapana kana akamubatsira. Zuva rakatevera racho, akawanikwa nemapurisa akafa. Akanga anwa mushonga wakawandisa.

Mafoni emazuva ano nezvimwewo, zvinotibvumira kuva nemazana kana zviuru zveshamwari dzepaIndaneti nokungowedzera mazviri mazita evanhu vatinoda kutaura navo. Uye kana pane watisisade kutaura naye, tinongobvisa zita rake. Asi nyaya yomukadzi wokuBritain ataurwa, inoratidza chinhu chinovhundutsa chokuti vanhu vakawanda havana shamwari dzechokwadi. Imwe ongororo ichangobva kuitwa yakaratidzawo kuti pasinei nokuva neshamwari dzakawanda paIndaneti shamwari dzechokwadi dziri kuita shoma.

Iwewe unogonawo kunge uchibvumirana nevamwe kuti kuva neshamwari dzechokwadi kunokosha. Unogona kuzvionawo kuti ushamwari hwechokwadi hahungogumiri pakutumirana mameseji pafoni kana pakombiyuta. Unoda shamwari yakaita sei? Iwe ungave sei shamwari yechokwadi? Zvii zvinodiwa kuti pave noushamwari hunogara?

Ongorora zvinhu 4 zvinotevera, woona kuti mazano eBhaibheri angakubatsira sei kuti uve munhu anofarirwa nevamwe.

1. Ratidza Kuti Une Hanya Nevamwe

Ushamwari hwechokwadi hunoda kuzvipira. Zvichireva kuti shamwari yechokwadi ine hanya newe uye inoda kukubatsira. Kuti izvi zviitike, mose muri vaviri munotofanira kushanda nesimba uye kuzvipira. Kana mukaita izvi muchange mashandira zviripo. Zvibvunze kuti, ‘Ndakazvipira here kushandisa nguva yangu, zvinhu zvangu nezvimwewo ndichiitira shamwari yangu?’ Usakanganwe kuti, kuti uve neshamwari yakanaka, iwe tanga kuva shamwari yakanaka.

ZVINHU ZVINOTARISIRWA PASHAMWARI

Irene: “Kuti muumbe ushamwari zvinoda nguva yakawanda uye kuva hanya sezvazvaizongoita pakutarisira gadheni. Chokutanga iwe iva shamwari yakanaka. Itira vamwe zvakanaka uye ratidza kuti unovafarira uchizvipira kushandisa nguva yako.”

Luis Alfonso: “Nyika inokurudzira vanhu kuti vangozvifunga panzvimbo pokuva nehanya nevamwe. Izvi zvinoreva kuti unofanira kuratidza kuonga kana mumwe munhu akakufarira zvepachokwadi pasina chaari kutarisira kwauri.”

BHAIBHERI RINOTI KUDINI?

“Zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo. Garai muchipa, uye vanhu vachakupaiwo.” (Ruka 6:31, 38) Jesu akanga achikurudzira vanhu kuti vave norupo kwete kungozvifunga. Kuva nerupo ndiko kunoita kuti ushamwari hwechokwadi huvepo. Kana ukagara uchiitira shamwari dzako zvinhu zvakanaka usingatarisiri kuzowana chimwe chinhu, zvichaita kuti vakufarire.

2. Nyatsoteerera Kana Mumwe Achitaura

Kuti ushamwari husimbe zvinoda kuti mugare muchikurukura. Saka taurai nezvezvinhu zvamunofarira. Teerera zviri kutaurwa neshamwari yako, uye remekedza maonero ake. Pose pazvinoita, rumbidza shamwari yako uye ikurudzire. Pane dzimwe nguva, uchatofanira kupa shamwari yako mazano kana kuitsiura uye kuzviita hakusi nyore. Asi shamwari yechokwadi ichava noushingi hwokutaura zvakanganiswa nomumwe wayo uyewo ichapa rubatsiro runenge ruchidiwa.

ZVINHU ZVINOTARISIRWA PASHAMWARI

Juan: “Shamwari yechokwadi yakasununguka kutaura maonero ayo, asi isingazogumbuki kana iwe usingawirirani nazvo.”

Eunice: “Ndinonyanya kuda shamwari dzinoda kuva neni dzichiteerera zvandinenge ndichitaura, kunyanya kana ndiine zviri kundinetsa.”

Silvina: “Shamwari dzechokwadi dzinokuudza chokwadi, kunyange kana dzichiziva kuti zvichakurwadza, nokuti dzinoda kuti zvikufambire zvakanaka.”

BHAIBHERI RINOTI KUDINI?

“Munhu wose anofanira kukurumidza kunzwa, anonoke kutaura, anonoke kuva nehasha.” (Jakobho 1:19) Shamwari dzechokwadi dzinopanana mukana wokutaura. Tikasapa vamwe mukana wokuti vataurewo, zvichaita sokuti zvatinofunga ndizvo zvinonyanya kukosha kudarika zvavo. Saka nyatsoteerera kana shamwari yako ichikuudza zviri pamwoyo kana kuti zviri kuinetsa. Uye usagumbuka kana ikakuudza chokwadi chinorwadza. Zvirevo 27:6 inoti, “Maronda anokonzerwa nomunhu anokuda ndeokutendeka.”

3. Usatarisire Zvakawandisa

Patichawedzera kuwirirana neshamwari yedu ndipo patichazivawo zvaanokanganisa. Shamwari dzedu dzinokanganisa sezvatinongoitawo. Saka hatifaniri kutarisira vanhu vatinoda kushamwaridzana navo kuti vaite zvinhu zvose nenzira yakanaka pasina kukanganisa. Chinodiwa kukoshesa zvakanaka zvavanoita torega kuti nanga nanga nezvavanokanganisa.

ZVINHU ZVINOTARISIRWA PASHAMWARI

Samuel: “Tinowanzotarisira kuti vamwe vagone kuita zvimwe zvinhu asi dai taizonzi tizviite isusu taizozvitadza. Kana tikaziva kuti isuwo tinokanganisa uye kuti tinodawo kukanganwirwa, zvichava nyore kuti tikanganwire vamwe.”

Daniel: “Gara waziva kuti shamwari dzako dzichatokanganisa chete. Kana pakava nokusawirirana, zvakanaka kukurumidza kutaurirana mobva maedza kuzvikanganwa.”

BHAIBHERI RINOTI KUDINI?

Unoda kukanganwira here?—VaKorose 3:13, 14

“Tose tinokanganisa kazhinji. Kana munhu asingakanganisi pakutaura, iyeyu munhu akakwana, anokwanisawo kudzora muviri wake wose.” (Jakobho 3:2) Kuziva izvi kunotibatsira kuva vanhu vanonzwisisa, zvoita kuti kana shamwari dzedu dzatikanganisira kana kuti dzatiitira zvinhu zvinotigumbura tidziregerere. Bhaibheri rinoti: “Rambai muchishivirirana nokukanganwirana nomwoyo wose kana paine munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe. . . . Asi, kunze kwezvinhu zvose izvi, pfekai rudo, nokuti irwo chisungo chakakwana chokubatana.”VaKorose 3:13, 14.

4. Wedzera Shamwari Dzako

Ichokwadi kuti hatifaniri kungoshamwaridzana nomunhu wose wose. Asi hazvirevi kuti tongoshamwaridzana nevashoma-shoma, vangava vezera redu kana kuti vane tsika dzakafanana nedzedu. Kushamwaridzana nevanhu vemazera ose uye vemarudzi akasiyana-siyana kuchaita kuti tinakidzwe noupenyu.

ZVINHU ZVINOTARISIRWA PASHAMWARI

Unai: “Kungoshamwaridzana nezera rako chete uye iro rinofarira zvaunofarirawo kwakafanana nokugara uchipfeka mbatya dzine ruvara rwaunofarira. Ungave uchida ruvara rwacho chaizvo, asi kuramba uchipfeka mbatya idzodzo kuchapedzisira kwakufinha.”

Funke: “Kuwedzera shamwari dzandinotamba nadzo kwakandipa mukana wokuti ndikure mupfungwa. Ndakadzidza kuwirirana nevanhu vemazera ose uye vane tsika dzakasiyana-siyana, uye izvi zvakaita kuti ndive munhu akasununguka uye asingaomereri pane zvaanoda. Uye shamwari dzangu dzinondidira izvozvo.”

Uri kuedza kushamwaridzana nevanhu vemarudzi ose here?—2 VaKorinde 6:13

BHAIBHERI RINOTI KUDINI?

“Naizvozvo, kuti mudzorerewo—ndinotaura sendiri kutaura nevana—imiwo, wedzerai.” (2 VaKorinde 6:13) Bhaibheri rinotikurudzira kushamwaridzana nevanhu vemarudzi ose. Kusasarura kwakadai kuchaita kuti tive neshamwari dzemarudzi ose, uye kuchaita kuti tidiwe nevamwe.