Enda pane zvauri kuda

Dhiyabhorosi Munhu Chaiye Here?

Dhiyabhorosi Munhu Chaiye Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Hongu, Dhiyabhorosi munhu chaiye. Ingirozi yaiva kudenga asi akazopandukira Mwari uye anonzi “mutongi wenyika.” (Johani 14:30; VaEfeso 6:11, 12) Bhaibheri rinoratidza zvakaita unhu hwaDhiyabhorosi mumazita anotevera:

Haasi uipi huri muvanhu

 Vamwe vanofunga kuti Satani Dhiyabhorosi hungori uipi huri mumwoyo yevanhu. Asi Bhaibheri rinotaura nezveimwe nyaya yaitaurwa naMwari naSatani. Mwari haana chitadzo saka hazvingaiti kuti zvinzi aitaura nechimwe chinhu chakaipa chaiva mumwoyo wake. (Dheuteronomio 32:4; Jobho 2:1-6) Pane imwe nguva Jesu akambokurukura naSatani paaiedzwa, asi Jesu akanga asina chitadzo. (Mateu 4:8-10; 1 Johani 3:5) Ndokusaka Bhaibheri richiratidza kuti Dhiyabhorosi munhu chaiye kwete kuti uipi huri mumwoyo yevanhu.

 Tinofanira kushamisika here kana vanhu vakawanda vachiramba kuti Dhiyabhorosi munhu chaiye? Aiwa, nokuti Bhaibheri rinotaura kuti Satani anoshandisa unyengeri kuti azadzise zvido zvake. (2 VaTesaronika 2:9, 10) Humwe unyengeri hwaanoshandisa ndehwokupofumadza vanhu vakawanda kuti vasafunga kuti munhu chaiye.—2 VaKorinde 4:4.

Dzimwe nhema dzinotaurwa nevanhu nezvaDhiyabhorosi

 

 Chokwadi: Shoko rechiHebheru rakashandurwa nemamwe maBhaibheri kuti “Lucifer” rinoreva “anopenya.” (Isaya 14:12) Kana tikatarisa kuri kubva nenyaya nekwairi kuenda zvinoratidza kuti shoko iri rakanga richireva dzinza roumambo kana kuti madzimambo eBhabhironi, ayo Mwari aizonyadzisa nemhaka yokuzvikudza kwawo. (Isaya 14:4, 13-20) Shoko rokuti “anopenya” rakashandiswa kunyadzisa umambo hweBhabhironi pashure pokunge hwakundwa.

 

 Chokwadi: Dhiyabhorosi muvengi waMwari kwete mushumiri wake. Satani Dhiyabhorosi anopikisa uye anopomera nhema vanhu vanoshumira Mwari.​—1 Petro 5:8; Zvakazarurwa 12:10.