Enda pane zvauri kuda

Mwari Ndiye Akasika Dhiyabhorosi Here?

Mwari Ndiye Akasika Dhiyabhorosi Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari haana kusika Dhiyabhorosi. Asi kuti akasika munhu akazopedzisira ava Dhiyabhorosi. Bhaibheri richirondedzera zvakaita Mwari rinoti: “Basa rake rakakwana, nokuti nzira dzake dzose ndedzokururamisira. NdiMwari akatendeka, asina kusaruramisira; iye akarurama uye akatendeseka.” (Dheuteronomio 32:​3-5) Kubva pamashoko aya, Satani Dhiyabhorosi aimbova ngirozi yaMwari yakarurama.

 Pana Johani 8:​44, Jesu akati Dhiyabhorosi “haana kumira zvakasimba muchokwadi,” kuratidza kuti pane imwe nguva Satani akanga ari munhu akarurama aitaura chokwadi.

 Asi kungofananawo nezvimwe zvisikwa zvaJehovha zvinogona kusarudza kuti zvomunamata here kana kuti kwete, ngirozi iyi yakazopedzisira yava kunzi Satani yakanga iinewo rusununguko irworwo. Kuita zvinhu zvakanga zvakapesana nezvaidiwa naMwari uye kunyengera murume nomukadzi vokutanga kwakaita kuti azviite Satani kureva kuti “Mudzivisi.”​—Genesisi 3:​1-5; Zvakazarurwa 12:9.