Enda pane zvauri kuda

Dhiyabhorosi Anogona Kutsausa Vanhu Here?

Dhiyabhorosi Anogona Kutsausa Vanhu Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Dhiyabhorosi nemadhimoni vanotsausa vanhu zvakanyanya zvokuti Bhaibheri rinoti: “Satani ndiye anotonga pasi pano.” (1 Johani 5:19, Bhaibheri Rinoera) Bhaibheri rinoratidza nzira dzinoshandiswa naDhiyabhorosi kuti atsause vanhu.

  •   Unyengeri. Bhaibheri rinokurudzira vaKristu kuti ‘vamirisane nemazano aSatani akaipa vachirwa nawo.’ (VaEfeso 6:11, Bhaibheri Rinoera) Umwe unyengeri hwaanoshandisa ndehwokuita kuti vanhu vafunge kuti vanhu vaanoshandisa vashumiri vaMwari.​—2 VaKorinde 11:13-15.

  •   Zvemidzimu. Dhiyabhorosi anotsausa vanhu achishandisa masvikiro, vafemberi, vanoshopera uye vanofembera vachishandisa nyeredzi. (Dheuteronomio 18:10-12) Kushandisa madhiragi, kuitwa kuti urare asi uchiita zvimwe zvinhu zvinoda kushandisa pfungwa (hypnotism), uye kunyanya kudzamisa pfungwa kunoitwa nomunhu zvokuti pfungwa dzinosara dzisisina chinhu (meditation techniques) zvinoitawo kuti munhu atsauswe nemadhimoni.​—Ruka 11:24-26.

  •   Chitendero chenhema. Zvitendero zvinodzidzisa zvenhema zvinotsausa vanhu kuti vasateerera Mwari. (1 VaKorinde 10:20) Bhaibheri rinoti dzidziso dzakadaro dzenhema ‘idzidziso dzemadhimoni.’—1 Timoti 4:1.

  •   Kugarwa nemadhimoni. Bhaibheri rinotaura nezvevanhu vainetswa nemidzimu yakaipa. Dzimwe nguva vanhu vaigarwa nemadhimoni vaiitwa mapofu kana kutadza kutaura kana kutozvikuvadza.​—Mateu 12:22; Mako 5:2-5.

Zvii zvaungaita kuti usatsauswa naDhiyabhorosi?

 Haufaniri hako kugara uchitya madhimoni, nokuti Bhaibheri rinoratidza zvaungaita kuti ukunde Dhiyabhorosi:

  •   Ziva nzira dzinoshandiswa naDhiyabhorosi kuitira kuti uzive ‘mazano ake.’​—2 VaKorinde 2:11.

  •   Dzidza Bhaibheri, woita zvaunenge wadzidza. Kutevedzera zvinotaurwa neBhaibheri kuchakudzivirira kuti usatsauswa naDhiyabhorosi.​—VaEfeso 6:11-18.

  •   Rasa chinhu chose chine chokuita noudhimoni. (Mabasa 19:19) Izvi zvinosanganisira nziyo, mabhuku, magazini, zvikwangwani, uye mavhidhiyo anokurudzira kuita zvechidhimoni.