Enda pane zvauri kuda

BHAIBHERI RINOCHINJA UPENYU

Ndakawana Pfuma Chaiyo

Ndakawana Pfuma Chaiyo
  • Gore Rekuberekwa: 1968

  • Nyika: United States

  • Nhoroondo Yeupenyu: Basa rake raimupa mari asi akanyengeterera kuti awane yakatowanda

MARARAMIRO ANDAIITA

 Ndakakurira muRochester kuNew York. Taipinda chechi yeRoma. Vabereki vangu vakaparadzana pandaiva nemakore 8. Saka pakati pevhiki ndaigara naamai mudzimba dzaigara vanhu vakanga vasina mari uye pakupera kwevhiki ndaigara nababa mudzimba dzaigara vanhu vainge vakapfuma. Pandaiona kutamburira kwaiita amai kuti vatichengete tese tiri 6, ndakatanga kufunga kuti ndaifanira kuva nepfuma yakawanda kuti ndizokwanisa kubatsira mhuri yangu.

 Baba vangu vaida kuti ndibudirire saka vakaronga kuti ndishanyire chimwe chikoro chaiva nemukurumbira chaidzidzisa kumaneja mahotera. Ndichifunga kuti ndiMwari akanga anzwa munyengetero wangu wekuti ndaida kuva nepfuma uye mufaro, ndakazvifarira saka ndakabva ndatsvaga nzvimbo. Ndakaita makore 5 ndichidzidza mashandiro anoita zvinhu pamahotera, mitemo yemabhizinesi uye zvemari. Panguva imwe chete ndaitoshandawo panoitwa zvekubheja muLas Vegas kuNevada.

Basa rangu raisanganisira kuita kuti vapfumi vaiuya kuzobheja vawane zvese zvavaida

 Pandakanga ndava nemakore 22, ndakanga ndatova mutevedzeri wemukuru wepandaishanda paiitwa zvekubheja. Vanhu vaindiona semunhu akapfuma uye akabudirira, zvekuti ndaiwanzodya chikafu chemhando yepamusoro uye ndainwawo waini inodhura. Vanhu vandaishanda navo vaigara vachitaura kuti, “Usakanganwa kuti mari ndiyo inonyanya kukosha muupenyu.” Vaiona sekuti, kuva nemari ndiko kunoita kuti munhu afare zvechokwadi.

 Basa rangu raisanganisira kuita kuti vapfumi vaiuya kuLas Vegas kuzobheja vawane zvese zvavaida. Kunyange zvazvo vakanga vakapfuma, zvaioneka kuti vakanga vasiri kufara. Ndakatangawo kuona kuti ndakanga ndisiri kufara. Zvaitoita sekuti kuramba ndichiwana mari kwaiita kuti ndiwedzere kunetseka uye yaitondishayisa hope. Ndakatanga kufunga nezvekuzviuraya. Upenyu hwangu hwaisandigutsa saka ndakabvunza Mwari kuti, “Ndingawana kupi mufaro wechokwadi?”

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI

 Panguva iyoyo, hanzvadzi dzangu mbiri dzakanga dzava Zvapupu zvaJehovha dzakatamira kuLas Vegas. Ndairamba hangu mabhuku avo asi ndakabvuma kuti tiverenge Bhaibheri pamwe chete, ini ndichishandisa rangu. MuBhaibheri rangu, mashoko ese akataurwa naJesu akanga akanyorwa neruvara rutsvuku. Ndaitenda zvinhu zvese zvakataurwa naJesu, saka hanzvadzi dzangu dzainyanya kutaura neni nezvemashoko aJesu. Ndaiverengawo Bhaibheri ndiri ndega.

 Zvinhu zvakawanda zvandaiverenga zvaitondishamisa. Semuenzaniso, Jesu akati: “Pamunonyengetera musangoramba muchidzokorora zvimwe chetezvo sezvinoitwa nevasingatendi nekuti vanofunga vachanzwikwa nekuda kwemashoko avo mazhinji.” (Mateu 6:7, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi) Mupristi akanga andipa pikicha yaJesu, akandiudza kuti kana ndaizonamata ndakaibata, Mwari aizondipa chero mari yandaida. Asi ndakatozoona kuti nekutaura mashoko akafanana nguva dzese ndakanga ndiri kutodzokorora-dzokorora. Ndakaverengawo mashoko akataurwa naJesu ekuti: “Musadana ani zvake ari panyika muchiti, ‘Baba’ nekuti munongova naBaba mumwe chete uye vari kudenga.” (Mateu 23:9, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi) Ndakanetseka kuti, ‘Sei kwedu kuRoma tichishevedza vapristi tichiti “Baba”?’

 Pandakazoverenga bhuku remuBhaibheri raJakobho ndipo pandakazonyanya kufunga nezveupenyu hwandairarama. Muchitsauko 4, Jakobho akanyora kuti: “Hamuzivi kuti ushamwari nenyika hunovengana naMwari here? Ani naani anosarudza kushamwaridzana nenyika anova muvengi waMwari.” (Jakobho 4:4, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi) Vhesi 17 ndiyo yakanyanya kundibaya mwoyo: “Ani naani, zvino, anoziva zvakanaka zvaanofanira kuita uye akasazviita, ari kutadza.” Ndakafonera hanzvadzi dzangu ndichivaudza kuti ndakanga ndava kusiya basa nekuti raiita kuti ndiite zvinhu zvandakanga ndava kuona kuti zvakaipa zvakadai sekubheja uye kuva nemakaro.

“Pandakazoverenga bhuku remuBhaibheri raJakobho ndipo pandakazonyanya kufunga nezveupenyu hwandairarama”

 Saka ndakasarudza kuva neupenyu husina zvakawandawanda kuitira kuti ndiwane nguva yekugadzirisa ukama hwangu naMwari uye kuti ndive pedyo nevanhu vemumhuri mangu. Asi zvakanga zvisiri nyore. Semuenzaniso, ndakabva ndawana vanhu vakawanda vaida kundipa mabasa ekubheja ari nani, aizondiwanisa mari yakapetwa katatu pane yandaitambira. Ndakanyengetera nezvenyaya yacho ndichibva ndazosarudza kuti ndakanga ndisingachadi upenyu hwakadaro. Ndakasiya basa rangu, ndichibva ndatama ndikanogara naamai vangu. Ndakagadzirisa mugaraji kuti ndikwanise kuitira bhizinesi rangu rekugadzira mapepa anoratidza zvinodyiwa muresitorendi.

 Kunyange zvazvo Bhaibheri rakanga randibatsira kuchinja upenyu hwangu, ndaisaenda kumisangano yeZvapupu zvaJehovha. Hanzvadzi dzangu dzakazondibvunza kana paine chinhu chaiita kuti ndisafarira Zvapupu. Ndakabva ndati “Nekuti Mwari wenyu, Jehovha anoparadzanisa mhuri. Nguva yega yandinokwanisa kuva pamwe chete nemhuri yese, paKrisimasi uye patinopemberera mazuva ekuberekwa. Imimi hamupembereri mazuva iwayo.” Mumwe wavo akabva atanga kuchema uye akandibvunza kuti: “Ko pane mamwe mazuva ese aya egore unenge uri kupi? Tinoda kuva newe pane mamwe mazuva ese aya, asi iwewe unoda kungouya chete pamazuva iwayo nekuti ndipo paunofunga kuti unofanira kunge uripo.” Zvaakataura zvakandibata, ndichibva ndatangawo kuchema.

 Pandakaona kuti ndini ndakanga ndakarasika uye kuti Zvapupu, vanhu vanoda mhuri dzavo, ndakasarudza kumboendawo pane mumwe wemisangano yavo paImba yeUmambo yaiva pedyo. Pandakaenda, ndipo pandakasangana naKevin akanga atova nenguva yakareba achidzidza nevanhu Bhaibheri, akabva atangawo kudzidza neni.

 Kevin nemudzimai wake vairarama upenyu husina zvakawandawanda zvekuti vaiwana nguva yakawanda yekubatsira vanhu kunzwisisa zviri muBhaibheri. Vaiwana mari yaikwanirana nezvavaida kuti vakwanise kuenda kuAfrica uye kuCentral America vachinobatsira kuvaka mapazi eZvapupu. Vairatidza kuti vaifara uye kuti vainyatsodanana. Ndakazviudza kuti, ‘Upenyu hwakadai ndihwo hwandinodawo.’

 Kevin akazondiratidza vhidhiyo yaitaura nezvemufaro unowanikwa nevanoita basa reumishinari, ndakabva ndasarudza kuti ndizvo zvandaidawo kuita. Pashure pekunge ndadzidza Bhaibheri kwemwedzi 6, ndakabhabhatidzwa muna 1995. Pane kukumbira kuti ndipfume, ndava kuti: “Musandipa urombo kana upfumi.”—Zvirevo 30:8.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA

 Iye zvino ndanyatsopfuma. Kwete pakuti ndine mari yakawanda asi ndine ukama hwakanaka naMwari uye kuti ndiri kufara. Ndakawana mudzimai akanaka kuHonduras anonzi Nuria uye takashumira Jehovha pamwe chete semamishinari kuPanama uye kuMexico. Mashoko aya ari muBhaibheri ndeechokwadi, ekuti: “Kukomborera kwaJehovha ndiko kunoita kuti munhu apfume, uye haaiti kuti kuuye nemarwadzo”!—Zvirevo 10:22.