Enda pane zvauri kuda

Mari Ndiyo Mudzi Wezvinhu Zvese Zvakaipa Here?

Mari Ndiyo Mudzi Wezvinhu Zvese Zvakaipa Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Aiwa. Bhaibheri haritauri kuti mari yakaipa, kana kuti mari ndiyo inokonzera zvinhu zvese zvakaipa. Mashoko anowanzotaurwa ekuti “mari ndiyo mudzi wezvinhu zvese zvakaipa” mashoko anotorwa muBhaibheri asi pachisiyiwa rimwe shoko. Zvinonyatsotaurwa neBhaibheri ndezvekuti “kuda mari ndiwo mudzi wezvinhu zvese zvakaipa.”—1 Timoti 6:10.

 Bhaibheri rinotii nezvemari?

 Bhaibheri rinobvuma kuti mari painoshandiswa zvakanaka, inogona kubatsira, kana ‘kutodzivirira’ chaiko. (Muparidzi 7:12) Uyezve rinorumbidza vanhu vane rupo, kusanganisira vanobatsirawo vamwe nemari.—Zvirevo 11:25.

 Panguva imwe chete, Bhaibheri rinoti tingwarire kuti upenyu hwedu husangova hwekungotsvaga mari chete. Rinoti: “Mararamiro enyu ngaarege kuva ekuda mari, uye gutsikanai nezvinenge zviripo.” (VaHebheru 13:5) Chidzidzo chacho ndechekugona kushandisa mari zvakanaka. Pane kungotsvaga kupfuma chete ngatigutsikanei nezvinhu zvinokosha, zvakadai sezvekudya, zvekupfeka nepekugara.—1 Timoti 6:8.

 Nei Bhaibheri richiyambira nezvekuda mari?

 Vanhu vanokara havazowani upenyu husingaperi. (VaEfeso 5:5) Chikonzero ndechekuti makaro ndeimwe nzira yekunamata zvidhori, kana kuti kunamata kwenhema. (VaKorose 3:5) Chimwe chikonzero ndechekuti munhu anokara paanenge achiedza kuwana zvinorwarirwa nemwoyo wake, anopedzisira apira gotsi mazano akanaka. Uya “anomhanyirira kuda kupfuma haazorambi asina mhosva,” inodaro Zvirevo 28:20. Vangatoedza kupara mhosva dzakadai sekushandisa mashoko avanoziva nezvemunhu kuti vawane mari, kutorera munhu mari nechisimba, kutsotsa, kupamba vanhu nechinangwa chekubhadharwa, kana kutoponda chaiko.

 Kunyange munhu anodisa mari akasaita chimwe chinhu chakaipa, pane zvimwe zvinhu zvisina kunaka zvinogona kupedzisira zvaitika. Bhaibheri rinoti “vaya vane shungu dzekupfuma vanowira mumuedzo nemumusungo nemukuchiva zvinhu zvizhinji zvisina musoro uye zvinokanganisa.”—1 Timoti 6:9.

 Zano reBhaibheri pamusoro pemari rinotibatsira sei?

 Kana tikaramba kuita zvinopesana nemitemo yaMwari panyaya yemari, tichava vanhu vanozviremekedza uyewo Mwari achatifarira nekutitsigira. Kune vanoedza nemwoyo wese kumufadza, Mwari anovimbisa kuti: “Handizokusiyi, uye handizokurasi.” (VaHebheru 13:5, 6) Anotivimbisawo kuti “munhu akatendeka achawana makomborero akawanda.”—Zvirevo 28:20.