Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA

Zvinhu Zvitatu Zvisingakwanisi Kutengwa Nemari

Zvinhu Zvitatu Zvisingakwanisi Kutengwa Nemari

VANHU pavanoona kuti basa ringangopera, vangangorasikirwa neimba kana nemari yepenjeni, vakawanda vacho havaregi kutenga chose chinenge chavatora mwoyo. Zvinhu izvi zvingaita sezvinoshamisa asi ndizvo zvinoitika.

Vanhu vakadaro vari nyore kuwira kuvanhu vanoshambadzira zvinhu avo vanotaura kuti tinotofanira kuva neimba yakakura, motokari yekwamberi, kana kuti hembe dziri mufashoni. Hauna mari here? Usanetseka, tenga nechikwereti! Chinenge chichidiwa nevanhu vakawanda kuzviita vanhu vemari kunyange zvichizovanyudza muzvikwereti.

Asi hazvizombotori nguva refu chokwadi chisati chabuda pachena. “Kutenga zvinhu nechikwereti uchida kushamisira kwakafanana nokusvuta dhiragi rinonzi cocaine kuti pfungwa dzigadzikane,” rinodaro bhuku rinonzi The Narcissism Epidemic. “Kuchipa zvinenge zvakachipa uye zvinogona kukushandira asi kwenguva pfupi chete. Nokufamba kwenguva unosara usisina kana nesendi muhomwe uye zvinokuita kuti uzova nechirwere chekunyanya kusuwa (depression).”

Bhaibheri rinoratidza kuti ufuza “kushamisira nezvinhu zvoupenyu zvomunhu.” (1 Johani 2:16) Kuda zvinhu zviri munyika kunoita kuti titadze kuona zvinhu zvinonyanya kukosha muupenyu izvo zvisingakwanisi kutengwa nemari. Ona zvinhu zvacho zvitatu.

1. MHURI YAKABATANA

Brianne, * musikana ari kuyaruka wokuUnited States, anoti baba vake vanonyanya kukoshesa basa ravo uye kutenga-tenga zvinhu. Anowedzera kuti: “Hatina chatinoshayiwa, asi baba hauvaoni kumba vanongogara vari parwendo. Ndinozviziva kuti basa ravo ndizvo zvariri asi ndinofunga kuti vanofanira kuwanirawo mhuri yavo nguva!”

Zvokufunga nezvazvo: Nokufamba kwenguva baba vaBrianne vachazodemba chii? Ukama hwavo nemwanasikana wavo huri kukanganisika papi nemhaka yokunyanya kuda zvinhu zvenyika? Mhuri yavo inonyanya kuda chii kudarika mari?

Zvinotaurwa neBhaibheri zvokufunga nezvazvo:

  • ‘Kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose; vamwe vakati vachiida zvikuru, vakazvibaya neshungu zhinji.’—1 Timoti 6:10, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

  • ‘Zviri nani kudya muriwo paine rudo, pane kudya mhuru yakakodzwa paine ruvengo.’—Zvirevo 15:17, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.

Chinonyanya kukosha: Mhuri yakabatana haikwanisi kutengwa nemari. Chinongodiwa chete kuva nenguva nemhuri yako uye kuipa rudo rwakakodzera.—VaKorose 3:18-21.

2. RAMANGWANA RAKACHENGETEKA

“Amai vangu vanogara vachinditi ndinofanira kuroorwa nomurume ane mari yakawanda uye ndinofanira kudzidza kuti ndigowana basa rine mari kuitira kuti ndizokwanisa kurarama kana pasisina mari yomurume,” anodaro musikana ane makore 17 anonzi Sarah. “Zvinoratidza kuti chinhu chinenge chiri mupfungwa dzavo ndechokuti vangaramba sei vaine mari.”

Zvokufunga nezvazvo: Zvinhu zvipi zvine musoro zvaunofunga paunenge uchifunga nezveramangwana? Zvinhu zvaunenge uchifunga nezvazvo zvinozonzi hazvina musoro kana wava kuita sei? Zvii zvingaitwa namai vaSarah kuti vabatsire mwana wavo kuti aone mari zviri pakati nepakati?

Zvinotaurwa neBhaibheri zvokufunga nezvazvo:

  • “Regai kuzviunganidzira pfuma panyika, pane chitemamachira nengura zvinodya, uye pane mbavha dzinopaza dzoba.”—Mateu 6:19.

  • ‘Hamuzivi zvichange zvakaita upenyu hwenyu mangwana.’—Jakobho 4:14.

Chinonyanya kukosha: Kuita makomo nemakomo emari hakusi iko kunoita kuti uve neramangwana rakachengeteka. Mari inogona kubiwa uye haikwanisi kubvisa urwere kana kuita kuti usafa. (Muparidzi 7:12) Bhaibheri rinodzidzisa kuti ramangwana rakachengeteka unogona kuriwana kana ukaziva Mwari nezvaanoda.—Johani 17:3.

3. KUGUTSIKANA

“Vabereki vangu vakandidzidzisa kurarama upenyu husina tunhu twakawanda-wanda,” anodaro musikana ane makore 24 anonzi Tanya. “Ini nasisi vangu takakura tichifara kunyange zvazvo taingova nezvinhu zvishoma zvokurarama nazvo.”

Zvokufunga nezvazvo: Sei zvisiri nyore kuti munhu agutsikane nokungova nezvinhu zvishoma zvinokosha pakuita kuti munhu ararame? Panyaya yemaonero aunoita mari uri kudzidzisa mhuri yako kuti kudii?

Zvinotaurwa neBhaibheri zvokufunga nezvazvo:

  • “Kana tiine zvokudya nezvokupfeka nepokugara, tichagutsikana nezvinhu izvi.”—1 Timoti 6:8.

  • “Vanofara vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.”—Mateu 5:3.

Chinonyanya kukosha: Pane zvinokosha chaizvo kudarika mari uye zvinhu. Bhaibheri rinototi: “Kunyange kana munhu aine zvizhinji upenyu hwake hahubvi pazvinhu zvaainazvo.” (Ruka 12:15) Kutaura chokwadi, chinoita kuti munhu agutsikane muupenyu kuziva mhinduro dzemibvunzo yakaita seiyi:

  • Tinoraramirei?

  • Ramangwana rakamira sei?

  • Ndingaziva sei zvinodiwa naMwari?

Zvapupu zvaJehovha zvinobudisa magazini ino zvichafara chaizvo kukubatsira kuti uwane mhinduro dzemibvunzo iyi.

^ ndima 8 Mazita ari munyaya ino akachinjwa.