Enda pane zvauri kuda

BHAIBHERI RINOCHINJA UPENYU

“Kupara Mhosva Uye Kuda Mari Kwakaita Kuti Ndirwadziwe Zvakanyanya”

“Kupara Mhosva Uye Kuda Mari Kwakaita Kuti Ndirwadziwe Zvakanyanya”
  • Gore Rekuberekwa: 1974

  • Nyika: Albania

  • Nhoroondo Yeupenyu: Kuba, kutengesa madhiragi, kumbogara mujeri

MARARAMIRO ANDAIITA

 Ndakaberekerwa muTiranë, guta guru reAlbania. Takanga tiri varombo. Baba vangu vaiva munhu akanaka uye vaishanda maawa akawanda kuti variritire mhuri, asi taisawana mari yaikwana zvese zvataida. Kunyange pandaiva mudiki, ndaitonyatsoziva kuti taiva varombo. Pandaikura, kazhinji ndaisava nebhutsu uye ndaisawana chikafu chakakwana.

 Ndakatanga kuita zvekuba ndichiri mudiki ndichifunga kuti ndaitobatsirawo kuriritira mhuri yedu. Ndakazopedzisira ndabatwa nemapurisa. Saka muna 1988, pandakanga ndava nemakore 14, baba vangu vakandiendesa kuchikoro chinobatsira munhu kuti achinje mararamiro ake. Ndakaita makore maviri ndiriko uye ndakadzidza kugadzira zvinhu zvesimbi. Pandakabva pachikoro pacho ndaida kushandawo ndichirarama upenyu hwakanaka asi ndakabva ndashaya basa. Vanhu vakawanda vaishaya mabasa muAlbania nekuti zvematongerwo enyika zvakanga zvisina kugadzikana. Zvakandiodza mwoyo uye ndakatanga kushamwaridzana nevanhu vandaimbotamba navo ndikatangazve kuba. Ini neshamwari dzangu takazopedzisira tasungwa tikatongerwa kugara mujeri kwemakore matatu.

 Pandakasunungurwa ndakaramba ndichingopara mhosva. Zveupfumi zvakanga zvaderera munyika yedu uye nyika yakanga isina kugadzikana. Panguva iyoyo, ndakaita mari yakawanda nekuita zvinhu zvisiri pamutemo. Pane imwe nguva takaenda kunoba tiine zvombo, varume vaviri vandaiva navo vakabatwa uye ini ndakabva ndatiza munyika ndichiitira kuti ndisazovharirwe mujeri kwenguva yakareba. Panguva iyi ndakanga ndaroora Julinda, uye takanga tatova nemwana mukomana.

 Takazopedzisira tava kugara kuEngland. Ndaida kutanga upenyu hutsva nemudzimai wangu uye nemwana wedu asi zvakanga zvakaoma kusiya tsika dzakaipa. Ndakatangazve kupara mhosva, ndichiita zvekutengesa madhiragi uye ndaibata mari yakawanda.

 Julinda aiona sei basa rekutengesa madhiragi randaiita? Regai akuudzei: “Pandaikura ndiri muAlbania, ndaingoda zvekutiza nhamo. Ndainge ndakazvipira kuita chero chandaikwanisa kuti ndive neupenyu huri nani. Ndaifunga kuti kuva nemari kwaizoita kuti ndive neupenyu hwakanaka saka ndainyatsotsigira zvese zvaiitwa naArtan kuti tiwane mari kungava kuri kunyepa, kuba kana kutengesa madhiragi.”

“Ndainyatsotsigira zvese zvaiitwa naArtan zvakadai sekunyepa, kuba kana kuita zvemadhiragi.”—Julinda

 Muna 2002, upenyu hwedu hwakachinja uye zvese zvataironga kuti tiwane mari zvakangoerekana zvaparara. Ndakabatwa ndiine madhiragi akawanda uye ndakabva ndavharirwa mujeri zvakare.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI

 Bhaibheri rakatanga kuchinja upenyu hwangu ndisati ndava kutombozviziva. Muna 2000, Julinda akasangana nezvimwe Zvapupu zvaJehovha uye akatanga kudzidza Bhaibheri navo. Ndaifunga kuti kudzidza Bhaibheri kunobhowa saka handina kumbobatana navo. Asi Julinda akazvifarira. Akati: “Ndakakurira mumhuri yaiita zvekunamata, saka ndaifarira uye ndairemekedza Bhaibheri. Ndaida kuziva zvarinotaura uye ndainakidzwa nekudzidza neZvapupu zvaJehovha. Zvinhu zvakawanda zvandaidzidza zvaiva nemusoro uye zvakandibatsira kuti ndichinje zvimwe zvinhu muupenyu hwangu. Asi ndakanga ndisina kuchinja maonero andaiita mari kusvikira Artan azosungwa. Ipapo ndipo pandakazopepuka. Ndakatanga kuona kuti zvaitaurwa neBhaibheri nezvemari ndezvechokwadi. Takanga tichimhanyisana nekutsvaga mari asi takanga tisiri kufara. Ndakabva ndaona kuti ndaitofanira kunyatsoteera mitemo yaMwari yese.”

 Muna 2004, ndakabudiswa mujeri uye ndakaedza kudzokera kubasa rangu rekutengesa madhiragi. Asi Julinda akanga achinja uye akandiudza zvinhu zvakaita kuti ndichinje mafungiro angu. Akati, “Handichadi mari yako. Ndiri kuda murume wangu uye ndiri kuda kuti baba vevana vangu vawane nguva nevana vavo.” Ndakashamisika, asi zvaaitaura zvaiva zvechokwadi. Ndakanga ndapedza makore akawanda ndiri kure nemhuri yangu. Ndakafungawo nezvekutambura kwandakanga ndaita nemhaka yekutsvaga mari nenzira dzakaipa. Saka ndakasarudza kuchinja mararamiro angu uye kusiyana neshamwari dzandaiva nadzo.

 Maonero angu akanyatsochinja pandakaenda kumisangano yeZvapupu zvaJehovha nemudzimai wangu nevana. Ndakabayiwa mwoyo neushamwari hwaiva nevanhu vacho uye kuratidzana kwavaiita rudo. Nekufamba kwenguva, ndakazotanga kudzidza Bhaibheri.

Ndaimbofunga kuti kuva nemari yakawanda kwaizoita kuti tifare

 

 MuBhaibheri ndakadzidza kuti “kuda mari ndiwo mudzi wezvinhu zvese zvakaipa, uye vachivavarira kuzadzisa chido ichocho, vamwe . . . vakazvibaya pese pese nemarwadzo akawanda.” (1 Timoti 6:9, 10) Zvakanga zvaitika muupenyu hwangu zvainyatsoratidza kuti rugwaro urwu rwaiva rwechokwadi! Kuona kuti zvisarudzo zvandakanga ndaita zvakanga zvarwadzisa sei ini nemhuri yangu kwakaita kuti ndizvidembe. (VaGaratiya 6:7) Pandakadzidza nezverudo rwatinoratidzwa naJehovha neMwanakomana wake, Jesu, ndakabva ndatanga kuchinja unhu hwangu. Ndakarega kuramba ndichiisa zvandinoda pekutanga ndichibva ndatanga kufunga zvinodiwawo nevamwe, kusanganisira kuwana nguva nemhuri yangu.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA

 Ndakabatsirwa nezano rinotaurwa neBhaibheri rekuti: “Mararamiro enyu ngaarege kuva ekuda mari, uye gutsikanai nezvinenge zviripo.” (VaHebheru 13:5) Ndava nerugare rwemupfungwa nehana yakachena. Izvi zviri kuita kuti ndiwane mufaro wandakanga ndisina. Wanano yedu yawedzera kusimba uye tawedzera kuswedera pedyo semhuri.

 Ndaimbofunga kuti kuva nemari yakawanda kwaizoita kuti tifare. Iye zvino ndava kunyatsoona kuti kupara mhosva uye kuda mari kwakaita kuti ndirwadziwe zvakanyanya. Hatina kupfuma asi tava nechimwe chinhu chinonyatsokosha muupenyu hwedu, tine ushamwari naJehovha Mwari. Kumunamata takabatana semhuri kuri kuita kuti tinyatsofara.

Ndiine mhuri yangu tiri pagungano reZvapupu zvaJehovha