Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhaibheri Rinogona Kukubatsira Here Kana Wakapindwa Muropa Nemadhiragi?

Bhaibheri Rinogona Kukubatsira Here Kana Wakapindwa Muropa Nemadhiragi?

 Nei tichifanira kutsvaga mazano muBhaibheri anogona kutibatsira kusiya tsika yakatipinda muropa?

 Vanoongorora vakacherechedza kuti kazhinji vanhu vanowanzopindwa muropa nemadhiragi vanenge vagara vaine rimwe dambudziko ravainaro. Semuenzaniso, vanogona kunge vachigara vakasurukirwa, vachinetseka mupfungwa kana kuti vaine chirwere chedepression. Bhaibheri rinogona kukubatsira kuti uve nekutenda kwekuti unogona kukurira matambudziko anogona kuzopedzisira aita kuti upindwe muropa nemadhiragi. Rinokudzidzisa zvaungaita kuti uve neushamwari hwepedyo naMwari. (Pisarema 25:14) Uchibatsirwa naMwari unogona kukurira matambudziko anoita seasingambofi akakundika.—Mako 11:22-24.

 Zvinhu 4 zvinotaurwa neBhaibheri zvinogona kukubatsira kusiya tsika yakakupinda muropa

  1.  1. Dzidza nezvaJehovha Mwari uye nyatsomuziva. b (Johani 17:3) Ndiye Musiki uye simba rake harigumi. Uyewo ndiBaba vako vekudenga vane rudo. Vanoda kuva neushamwari hwepedyo newe uye vanoda kushandisa simba ravo kuti vakubatsire. (Isaya 40:29-31; Jakobho 4:8) Vachaita kuti uve neramangwana rakanaka kana ukasarudza kuvateerera.—Jeremiya 29:11; Johani 3:16.

  2.  2. Kumbira Jehovha kuti akubatsire. Nyengetera kuna Mwari uye mukumbire kuti akubatsire kusiya zvemadhiragi kuitira kuti uve munhu ‘mutsvene [kana kuti, akachena] waanogamuchira.’ (VaRoma 12:1) Achishandisa mweya wake mutsvene achakupa ‘simba rakawedzerwa pane rawagara uinaro.’ (2 VaKorinde 4:7; Ruka 11:13) Simba iroro richakubatsira kuti usiye zvemadhiragi, wova ‘neunhu hutsva’ hunoenderana nekuda kwake.—VaKorose 3:9, 10.

  3.  3. Iva nemafungiro aMwari. (Isaya 55:9) Achakubatsira kuti urambe ‘uchiitwa mutsva pamafungiro ako,’ kana kuti uchinje mafungiro ako, izvo zvichakubatsira kuti usiye zvemadhiragi. (VaEfeso 4:23) Tinowana mafungiro aMwari muBhaibheri saka zvinokosha kuti ugare uchiriverenga. (Pisarema 1:1-3) Vanhu vakawanda vakabatsirwa nekuita kuti mumwe munhu adzidze navo Bhaibheri. (Mabasa 8:30, 31) Zvapupu zvaJehovha zvinoitisa vanhu kosi yekudzidza Bhaibheri. Tinokukokawo kuti upinde misangano yedu, uko kwatinoongorora kuti Bhaibheri rinombotaura nezvei uye kuti tingashandisa sei zvarinodzidzisa muupenyu hwedu.

  4.  4. Sarudza shamwari dzakanaka. Shamwari dzako dzinogona kukubatsira kusiya zvemadhiragi, kana kuti dzinotogona kukutadzisa kuzvisiya. (Zvirevo 13:20) Mwari anotipa shamwari dzakanaka, shamwari idzi tinodziwana pakati pevanhu vanomunamata uye Jehovha anoda kuti dzitibatsire. (Pisarema 119:63; VaRoma 1:12) Zvakakoshawo kuti usarudze nekuchenjera zvinhu zvinokuvaraidza nekuti unenge uchitoita sekuti uri kutandara nevanhu vaunenge uchiona, uchiteerera uye uchiverenga nezvavo. Siyana nechinhu chero chipi zvacho chingakutadzisa kuti usiye zvemadhiragi.—Pisarema 101:3; Amosi 5:14.

 Mavhesi eBhaibheri anogona kukubatsira kusiya tsika yakakupinda muropa

 Pisarema 27:10: “Kunyange kana baba vangu naamai vangu vakandisiya, Jehovha pachake achanditora.”

 “Ndakakura ndisingazivi baba vangu uye izvozvo zvakaita kuti ndishushikane mumwoyo. Asi pandakatanga kuziva kuti Jehovha Mwari munhu chaiye uye kuti anondida, upenyu hwangu hwakava nechinangwa uye izvozvo zvakandibatsira kuti ndisiye zvemadhiragi.”—Wilby, wekuHaiti.

 Pisarema 50:15: “Ndishevedze panguva yekutambudzika. Ndichakununura.”

 “Vhesi iyi yaigara ichindipa simba rekuti ndirambe ndichiedza kusiya zvemadhiragi kunyange zvazvo dzimwe nguva ndaimbotanga kumashandisa zvakare. Ndakanyatsoona kuti Jehovha akandiitira zvaanovimbisa muvhesi iyi.”—Serhiy, wekuUkraine.

 Zvirevo 3:5, 6: “Vimba naJehovha nemwoyo wako wese, urege kuvimba nekunzwisisa kwako. Funga nezvake munzira dzako dzese, uye iye acharuramisa makwara ako.”

 “Mavhesi aya akandibatsira kuti ndisazvivimba asi kuti ndivimbe naJehovha. Akandipa simba rekuchinja mararamiro angu.”—Michele, wekuItaly.

 Isaya 41:10: “Usatya, nekuti ndinewe. Usanetseka nekuti ndiri Mwari wako. Ndichakusimbisa, chokwadi ndichakubatsira, chokwadi ndicharamba ndakakubata neruoko rwangu rwerudyi rwekururama.”

 “Pese pandaishaya madhiragi ndainetseka zvisingaiti. Rugwaro urwu rwakandipa chivimbo chekuti Jehovha aizondibatsira kuti ndisanyanya kunetseka, uye ndizvo zvaakaita.”—Andy, wekuSouth Africa.

 1 VaKorinde 15:33, mashoko emuzasi: “Musatsauswa. Ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka.”

 “Shamwari dzakaipa ndidzo dzakandidzidzisa zvemadhiragi uye ndakapedzisira ndapindwa muropa nawo. Ndakazongokwanisa kusiya zvemadhiragi pandakarega kushamwaridzana nadzo ndichibva ndatanga kushamwaridzana nevanhu vakachena vaiva nemararamiro andaiyemura.”—Isaac, wekuKenya.

 2 VaKorinde 7:1: “Ngatizvichenesei pazvinhu zvese zvinosvibisa nyama nemweya.”

 “Mashoko iwayo akandipa simba rekuti ndishinge kusiya zvinhu zvese zvinosvibisa zvandakanga ndakapindwa muropa nazvo.”—Rosa, wekuColombia.

 VaFiripi 4:13: “Ndine simba rekuita zvinhu zvese nekuti pane anondipa simba.”

 “Ndaiziva kuti ndaisambokwanisa kusiya zvemadhiragi ndiri ndega, saka ndakanyengetera kuti Mwari andibatsire. Akandipa simba randaida.”—Patrizia, wekuItaly.

 Zvimwe zvakaitika kune vamwe: Bhaibheri rakavabatsira kuti vasiye tsika dzakanga dzavapinda muropa

 Joseph Ehrenbogen akakurira munharaunda yaiva nevanhu vaigara vachingorwa uye akapedzisira apindwa muropa nedoro, fodya, mbanje nerimwe dhiragi rinonzi heroin. Dzimwe nguva aishandisa madhiragi zvakanyanya zvekuti akatombopotsa amuuraya kakawanda. Pane mamwe mavhesi ari muBhaibheri akamubatsira kuona kuti aigona kuchinja. Verenga zvakaitika kwaari munyaya inoti “Ndakadzidza Kuremekedza Vanhukadzi Uye Kuzviremekedza.”

 Dmitry Korshunov akaedza kusiya doro kakawanda asi dzimwe nguva aikundikana. Ona vhidhiyo inonzi, ‘Ndakatanga Kufinhwa Nemararamiro Andaiita’ kuti uone kuti chii chakamubatsira kubudirira.

 Bhaibheri rinorambidza munhu kuti aende kunotsvaga rubatsiro kuna vanachiremba kana achida kusiya tsika yakamupinda muropa here?

 Aiwa. Bhaibheri rinoti: “Vanhu vane utano hwakanaka havadi chiremba, asi vaya vanorwara vanomuda.” (Mateu 9:12) Uyewo sangano rinonzi U.S. National Institute on Drug Abuse rinoti: “Kupindwa muropa nemadhiragi chitori chirwere, uye kuti munhu azosiya madhiragi pane zvimwe zvakawanda zvinodiwa zvinopfuura kungova nechido chakasimba chekuasiya.” Ichokwadi kuti rubatsiro runobva kuna Mwari rune simba kupfuura chido chakasimba chinenge chiine munhu chekusiya madhiragi. Kunyange zvakadaro, vanhu vakawanda vakashandisa mazano ari muBhaibheri kuti avabatsire kusiya madhiragi vaitodawo kubatsirwa navanachiremba kuti vabudirire. c Semuenzaniso, mumwe murume anonzi Allen anoti: “Pandaiedza kusiya zvekunwa doro, muviri wangu wese wairwadza zvisingaiti. Ndipo pandakatozoona kuti kunyange zvazvo ndaiwana rubatsiro runobva pakudzidza Bhaibheri ndaitodawo kubatsirwa navanachiremba.”

 Bhaibheri rinorambidza kushandisa madhiragi pakurapa here?

 Aiwa. Bhaibheri rinototaura nezvekushandisa doro pakurapa uye kunwisa munhu anenge ava kufa doro kuti asanyanye kurwadziwa. (Zvirevo 31:6; 1 Timoti 5:23) Asi sezvinongoitawo doro, madhiragi anoshandiswa kuderedza marwadzo anogona kupinda muropa. Saka zvinokosha kuti uone njodzi iripo, wongwarira paunenge uchishandisa madhiragi pakuderedza marwadzo.—Zvirevo 22:3.

a Kunyange zvazvo nyaya ino iri kunyanya kutaura nezvekusiya madhiragi, mazano eBhaibheri ari munyaya ino anogona kubatsirawo vaya vari kuda kusiya tsika dzakavapinda muropa dzakadai sekunwisa doro, kuputa fodya, kudyisa, kubheja, kuona zvinhu zvinonyadzisira kana kugara vari pasocial media.

b Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:18) Verenga nyaya yakanzi “Jehovha Ndiani?

c Munhu anogona kuwana rubatsiro kuchipatara kana kuenda kunzvimbo dzinobatsirwa vanhu kusiya madhiragi kana kurehab. Munhu mumwe nemumwe anofanira kutanga aongorora nzira dzekurapwa dziripo ozosarudza yakamunakira.—Zvirevo 14:15.