Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhaibheri Rinogona Kubatsira Varume Vanozvidya Mwoyo

Bhaibheri Rinogona Kubatsira Varume Vanozvidya Mwoyo

 Paunofunga nezvemunhu ari kuzvidya mwoyo, a unogona kufunga kuti munhu wacho anenge achitya zvekutadza kana kuita chimwe chinhu, asingatokwanisi kumuka kana kuti achiramba achingotaura nezvezvinhu zviri kumunetsa.

 Vamwe ndizvo zvavanoita kana vaine zviri kuvadya mwoyo. Asi vaongorori vakaona kuti vamwe vanhu, kunyanya varume havadaro. Rimwe pepanhau rakataura kuti varume “vanowanzonwa doro kana kuita zvemadhiragi vachiitira kuti vasanyanya kuzvidya mwoyo, saka munhu anogona kuita kunge ane dambudziko rekunwa asi atori nedambudziko rakakura rekuzvidya mwoyo. Murume anenge achizvidya mwoyo anowanzoita hasha kana kukurumidza kugumbuka.”

 Zvinoitwa nevarume pavanenge vaine zviri kuvadya mwoyo zvinosiyana-siyana. Kunyange zvakadaro, vanhu vanozvidya mwoyo vari kuramba vachiwedzera sezvo tiri ‘munguva dzakaoma dzinonetsa kurarama madziri.’ (2 Timoti 3:1) Bhaibheri rinogona kukubatsira here kana uchimbozvidya mwoyo?

Mavhesi Anogona Kukubatsira Kuti Usazvidya Mwoyo

 Bhaibheri rine mazano akawanda, anoshanda uye anogona kutibatsira patinombozvidya mwoyo. Ngationei mamwe acho.

  1.  1. “Musambozvidya mwoyo pamusoro pezuva rinotevera, nekuti zuva rinotevera richava nekuzvidya mwoyo kwaro. Zuva rimwe nerimwe rinokwanirwa nematambudziko aro.”—Mateu 6:34.

     Zvazvinoreva: Zvinokosha kuti tisanyanye kunetseka nezvezvinhu zvatinofunga kuti zvinogona kuitika kana kusaitika mune ramangwana. Kakawanda kacho, zvinhu zvatinenge tichityira hazviwanzoitiki. Dzimwe nguva, zvinhu zvinotozofamba zvakanaka.

     Edza izvi: Edza kufunga nezveimwe nguva yawaifunga kuti zvinhu hazvisi kuzombofamba zvakanaka, asi pakupedzisira zvakafamba zvakanaka. Chifunga nezvezvinhu zviri kukunetsa iye zvino. Unofunga kuti zvingazova dambudziko rakakura here mune ramangwana?

  2.  2. “Simbi inorodza simbi, saizvozvo munhu anorodzawo shamwari yake.”—Zvirevo 27:17.

     Zvazvinoreva: Tinogona kukumbira vamwe kuti vatibatsire kuti tisanyanye kuzvidya mwoyo. Vanogona kutiudza mazano avakamboshandisa muupenyu hwavo. Vanogonawo kutibatsira kuti tive nemaonero akanaka nezvezvinhu zvinenge zvichitinetsa.

     Edza izvi: Funga nezvemumwe munhu anogona kukupa mazano anoshanda, akadai seshamwari yako yakambova nedambudziko rakafanana nerako. Mubvunze mazano aakaona kuti anoshanda uye kuti ndeapi asina kumushandira.

  3.  3. “Muchikanda zvese zvinokudyai mwoyo [kana kuti “zvese zvinokunetsai,” mashoko emuzasi] paari, nekuti iye ane hanya nemi.”—1 Petro 5:7.

     Zvazvinoreva: Mwari ane hanya nevanhu vanenge vaine zviri kuvanetsa. Anoda kuti tinyengetere kwaari kana tiine zviri kutidya mwoyo.

     Edza izvi: Nyora pasi zvinhu zviri kuita kuti uzvidye mwoyo. Nyengetera kuna Mwari uchimuudza zvinhu zvacho, uchinyatsotsanangura dambudziko rimwe nerimwe uye mukumbire kuti akubatsire kukurira dambudziko racho.

Ichasvika Nguva Yatichange Tisingachazvidyi Mwoyo

 Bhaibheri haringotipi chete mazano atinogona kushandisa kana tichizvidya mwoyo. Asi rinototivimbisa kuti munguva pfupi iri kuuya kunenge kusisina zvinhu zvinotinetsa. Zvichaitika sei izvozvo?

 Umambo hwaMwari huchabvisa zvinhu zvinokonzera kuzvidya mwoyo. (Zvakazarurwa 21:4) Kana Umambo ihwohwo hwava kutonga, hatizomboyeuki zvinhu zvakamboitika kare zvaiita kuti tizvidye mwoyo.—Isaya 65:17.

 Ndihwo upenyu hwauri kuvimbiswa ‘naMwari anopa rugare.’ (VaRoma 16:20) Anoti: “Ndinonyatsoziva pfungwa dzandiri kukufungirai, . . . pfungwa dzerugare, kwete dzedambudziko, kuti ndikupei ramangwana rakanaka netariro.”—Jeremiya 29:11.

a Munyaya ino, mashoko ekuti “kuzvidya mwoyo” haasi kureva dambudziko rakakura rinoda chiremba, asi pari kureva kunetseka kunoita munhu zuva rega rega nemhaka yezvinenge zvichiitika. Vaya vanenge vaine dambudziko rakakura rekuzvidya mwoyo vanogona kunoona chiremba.—Ruka 5:31.