Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

alfa27/stock.adobe.com

MUSHANDIRAPAMWE WEKUKOKA VANHU KUZOYEUKA RUFU RWAJESU

Jesu Ndiye Achapedza Kuparwa Kwemhosva

Jesu Ndiye Achapedza Kuparwa Kwemhosva

 Jesu anonzwisisa kutambura kunokonzerwa nekuparwa kwemhosva uye kubatwa zvisina kunaka. Akapomerwa zvenhema, akarohwa, akatongwa zvisiri pamutemo uye akaurayiwa zvinorwadza. Kunyange zvazvo ainge asina mhosva, akapa “upenyu hwake kuti adzikinure vanhu vazhinji.” (Mateu 20:28; Johani 15:13) Iye zvino, sezvo ava Mambo weUmambo hwaMwari, munguva pfupi iri kutevera achabvisa kusabatwa zvakanaka kwevanhu panyika, opedza kuparwa kwemhosva zvachose.—Isaya 42:3.

 Bhaibheri rinotsanangura zvichange zvakaita nyika kana Jesu agadzirisa zvinhu:

  •   “Vakaipa havazovipozve; uchatarisa pavaiva, asi vanenge vasisipo. Asi vanyoro vachagara nhaka yenyika, uye vachafara zvikuru vaine rugare rwakawanda.”—Pisarema 37:10, 11.

 Zvii zvaungaita kuti uratidze kuti unotenda zvatakaitirwa naJesu uye zvaachazotiitira mune ramangwana? Pana Ruka 22:19, Jesu akaudza vateveri vake kuti vayeuke kufa kwake. Ndosaka Zvapupu zvaJehovha zvichiungana gore negore zvichiyeuka zuva rekufa kwake. Tinokukoka kuti uzobatanawo nesu pakuyeuka kufa kwaJesu musi weSvondo 24 March, 2024.

Ona Kuchaitirwa Chirangaridzo