Enda pane zvauri kuda

Nei Maitiro Anoita Zvapupu zvaJehovha Chirayiro chaShe Achisiyana Nezvinoitwa Nemamwe Machechi?

Nei Maitiro Anoita Zvapupu zvaJehovha Chirayiro chaShe Achisiyana Nezvinoitwa Nemamwe Machechi?

 Tinonyatsotevedzera zvinotaurwa neBhaibheri patinoita Kudya kwaShe Kwemanheru, uko kunozivikanwawo ‘seChirayiro chaShe’ kana kuti Chirangaridzo cherufu rwaJesu. (1 VaKorinde 11:20; Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Asi zvinoitwa nemamwe machechi pavanenge vachiyeuka Kudya kwaShe Kwemanheru hazvibvi muBhaibheri.

Nei Tichiita Kudya kwaShe Kwemanheru?

 Tinoita Kudya kwaShe Kwemanheru kuti tiyeuke Jesu, tichiratidza kutenda kutifira kwaakatiitira. (Mateu 20:28; 1 VaKorinde 11:24) Kudya kwaShe Kwemanheru haisi sakaremende kana kuti tsika yechitendero inoitirwa kuti munhu anzwirwe nyasha kana kuti akanganwirwe zvivi. a Bhaibheri rinodzidzisa kuti kutenda muna Jesu chete ndiko kunoita kuti tikanganwirwe zvivi zvedu kwete kuita tutsika twechitendero.​—VaRoma 3:25; 1 Johani 2:1, 2.

Kudya kwaShe Kwemanheru Kunofanira Kuitwa Kangani?

 Jesu akarayira vadzidzi vake kuti vaite Kudya kwaShe Kwemanheru, asi haana kutaura kuti vaite kangani. (Ruka 22:19) Vamwe vanofunga kuti kunofanira kuitwa mwedzi nemwedzi, vamwe vhiki nevhiki, vamwe zuva nezuva, vamwewo kakawanda pazuva kana kuti munhu paanongoona zvakakodzera kuti adaro. Asi chimbofunga nezvezvinhu zvinotevera.

 Jesu akatanga Kudya kwaShe Kwemanheru musi wePaseka, uye maererano nekarenda yekare yechiJudha, akabva azofa musi iwoyo. (Mateu 26:​1, 2) Izvi hazvina kungoitika netsaona. Bhaibheri rinofananidza chibayiro chaJesu negwayana rePaseka. (1 VaKorinde 5:7, 8) Paseka yaiitwa kamwe chete pagore. (Eksodho 12:1-6; Revhitiko 23:5) Ndokusaka vaKristu vepakutanga vaingoyeukawo rufu rwaJesu kamwe chete gore roga roga, b uye ndizvo zvinotevedzerwawo neZvapupu zvaJehovha.

Musi nenguva

 Zvakaitwa naJesu zvinotibatsira kuziva musi wekuyeuka rufu rwake uye kuti runofanira kuyeukwa kangani. Akatanga Kudya kwaShe Kwemanheru zuva ranyura musi waNisani 14, 33 C.E., maererano nekarenda yaishandiswa panguva iyoyo. (Mateu 26:18-​20, 26) Tinoramba tichiyeuka rufu rwake pazuva iri gore negore tichitevedzera zvaiitwa nevaKristu vepakutanga. c

 Kunyange zvazvo Nisani 14, 33 C.E. waiva musi weChishanu, hazvirevi kuti gore negore uchangoramba uri musi weChishanu. Kuti tizive musi unoenderana naNisani 14, tinotevedzera maverengerwo aiitwa nguva munguva yaJesu, panzvimbo pekutevedzera karenda yechiJudha yemazuva ano. d

Chingwa newaini

 Jesu paakaita Kudya kwaShe Kwemanheru akashandisa chingwa chisina mbiriso newaini tsvuku zvakanga zvasara paPaseka. (Mateu 26:26-​28) Isu tinoshandisawo chingwa chisina mbiriso kana kuti zvimwe zvakawedzerwa uye waini tsvuku isina kuiswa tumwe tunoita kuti iwedzere kunaka. Haana kushandisa muto wemazambiringa kana kuti waini yakaiswa zvinotapira, zvinoita kuti iwedzere kunhuwirira kana kuti kudhaka.

 Mamwe machechi anoshandisa chingwa chine mbiriso kana kuti yisiti, asi mbiriso inowanzoshandiswa muBhaibheri sechiratidzo chechivi neuori. (Ruka 12:1; 1 VaKorinde 5:6-8; VaGaratiya 5:7-9) Saka chingwa chisina mbiriso chete uye chisina kuwedzerwa zvimwe zvinhu, ndicho chinonyatsokodzera kufananidzira muviri waKristu usina chivi. (1 Petro 2:22) Zvimwe zvisingatsigirwi neBhaibheri zvinoitwa nevamwe kushandisa muto wemazambiringa usina kuviriswa panzvimbo pewaini. Mamwe machechi anoita izvi achimonyanisa zvinotaurwa neBhaibheri panyaya yekunwa zvinodhaka.​—1 Timoti 5:​23.

Chingwa newaini ndezvokufananidzira

 Chingwa chisina mbiriso newaini tsvuku izvo zvinoshandiswa pakuyeuka rufu rwaJesu, zvinongova zvokufananidzira muviri wake neropa rake. Vamwe vanofunga kuti chingwa newaini zvinochinja kuva muviri neropa rake, asi izvozvo hazvisiri izvo. Inzwa zvinotaurwa neBhaibheri panyaya iyi.

  •   Dai Jesu akanga arayira vadzidzi vake kuti vanwe ropa rake, aizenge achivaudza kuti vatyore mutemo waMwari unorambidza kudya ropa. (Genesisi 9:4; Mabasa 15:28, 29) Asi hazvitomboiti kuti titi Jesu aizoudza vanhu kuti vatyore mutemo waMwari uyo unoti ropa idzvene.​—Johani 8:28, 29.

  •   Jesu akati ropa rake ‘richadururwa’ nokuti chibayiro chake chakanga chisati chapiwa. Saka hazviiti kuti titi vaapostora vaitonwa ropa rake chairo.​—Mateu 26:28.

  •   Jesu akapa chibayiro chake “kamwe chete zvachose.” (VaHebheru 9:25, 26) Saka kana tikati chingwa newaini zvakachinjwa kuva nyama neropa rake paKudya kwaShe Kwemanheru, zvinenge zvichireva kuti vanhu vanodya nekunwa vanenge vachiramba vachipazve chibayiro chake.

  •   Jesu akati: “Rambai muchiita izvi muchindiyeuka,” kwete kuti “muchindibayira.”​—1 VaKorinde 11:24.

 Vaya vanoti chingwa newaini zvinochinja kuva muviri neropa raJesu vanotora dzidziso iyi pamanyorerwo akaitwa mamwe mavhesi eBhaibheri. Somuenzaniso, maBhaibheri akawanda akadai seBhaibheri muNdimi yeUnion Shona uye Bhaibheri Dzvene muchiShona Chanhasi anoti Jesu akati: “Iri iropa rangu” achitaura nezvewaini. (Mateu 26:28) Asi mashoko aJesu anogonawo kushandurwa kuti: “Iyi inoreva ropa rangu,” “Iyi inomirira ropa rangu” kana kuti “Iyi inofananidzira ropa rangu.” e Jesu akanga achidzidzisa achishandisa fananidzo sezvaaigara achiita.​—Mateu 13:34, 35.

Ndivanaani vanodya nekunwa?

 Zvapupu zvaJehovha pazvinoyeuka Kudya kwaShe Kwemanheru, vanhu vashomanana chete ndivo vanodya chingwa chacho uye kunwa waini yacho. Nemhaka yei?

 Ropa raJesu rakadeurwa rakaita kuti pave ‘nesungano itsva’ iyo yakatsiva sungano yaiva pakati paJehovha Mwari nerudzi rwevaIsraeri. (VaHebheru 8:10-13) Vaya vari musungano itsva iyoyo ndivo vanodya chingwa nekunwa waini. Ava ndevaya “vakadanwa” naMwari, kwete vaKristu vose. (VaHebheru 9:15; Ruka 22:20) Vachatonga vari kudenga naKristu, uye Bhaibheri rinoti vanhu 144 000 chete ndivo vane chikomborero ichocho.​—Ruka 22:28-30; Zvakazarurwa 5:9, 10; 14:1, 3.

 Kunyange zvazvo vaya vachatonga naKristu kudenga vachingova “boka duku,” vazhinji vedu tiri pakati ‘peboka guru’ rinotarisira kuzorarama nekusingaperi pano panyika. (Ruka 12:32; Zvakazarurwa 7:9, 10) Isu tine tariro yokugara pano panyika hatidyi hedu chingwa chacho nekunwa waini yacho, asi tinobatana neboka duku pakutenda kufirwa kwatakaitwa naJesu.​—1 Johani 2:2.

a McClintock and Strong’s Cyclopedia, Volume IX, peji 212, inoti: “Shoko rokuti sakaramende hariwaniki muTestamende Itsva, kunyange shoko racho rechiGiriki rokuti μυστήριον [my·steʹri·on] hapana parinomboshandiswa richireva kubhabhatidzwa kana kuti chirayiro chaShe.”

b Ona The New Schaff-Herzog Encyclopedia of Religious Knowledge, Volume IV, mapeji 43-​44, uye McClintock and Strong’s Cyclopedia, Volume VIII, peji 836.

c Ona The New Cambridge History of the Bible, Volume 1, peji 841.

d Panonzi nevaJudha vemazuva ano ndipo panotanga mwedzi waNisani pakasiyana nepawaitanga munguva dzekare. Mazuva ano karenda yechiJudha inoti Nisani 1 anotanga musi chaiwo unogara mwedzi kunyange zvazvo unenge usati wava kuoneka mudenga. Asi munguva inotaurwa muBhaibheri, Nisani aitanga mwedzi pawaitanga kuoneka muJerusarema kuti wagara. Nisani wepakarenda yemazuva ano anogona kukurumidza kutanga nezuva rimwe chete kana kupfuura kana tichienzanisa naNisani wemunguva dzinotaurwa muBhaibheri. Ndicho chimwe chikonzero nei musi unoyeuka Zvapupu zvaJehovha rufu rwaJesu uchimbosiyana nemusi wePaseka yevaJudha mazuva ano.

e Ona A New Translation of the Bible, rakashandurwa naJames Moffatt; The New Testament​—A Translation in the Language of the People, raCharles B. Williams; uye The Original New Testament, raHugh J. Schonfield.