Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | MWARI ANOONA SEI HONDO?

Mwari Anoona Sei Hondo Mazuva Ano?

Mwari Anoona Sei Hondo Mazuva Ano?

Mazuva ano vanhu vari kudzvinyirirwa. Vakawanda vanogara vachichema kuna Mwari kuti avabatsire asi vanonetseka kuti vachanzwiwa here. Mwari anovanzwa here? Zvakadini nevaya vanorwira rusununguko? Ko Mwari anovatsigira, achivaona sevari kutoita zvakanaka here?

Amagedhoni ndiyo hondo ichapedza hondo dzose

Chimbotanga waona chokwadi ichi chinonyaradza: Mwari anoona kutambura kuri kuitika munyika, uye haasi kuzosiya zvakadaro. (Pisarema 72:13, 14) MuShoko rake Bhaibheri, Mwari anovimbisa kuti vaya ‘vanotambudzika, vachazorodzwa.’ Izvi zvichaitika riini? “Pacharatidzwa Ishe Jesu achibva kudenga aine ngirozi dzake dzine simba . . . sezvaanotsiva vaya vasingazivi Mwari nevaya vasingateereri mashoko akanaka pamusoro paShe wedu Jesu.” (2 VaTesaronika 1:7, 8) Sezvinotaurwa neBhaibheri, kuratidzwa uku kwaJesu kuchaitika pachasvika “hondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose,” iyo inonziwo Amagedhoni.—Zvakazarurwa 16:14, 16.

Muhondo iyoyo iri kuuya, Mwari haasi kuzoshandisa vanhu, asi achashandisa Mwanakomana wake Jesu Kristu nengirozi dzine simba pakurwisa vanoita zvakaipa. Mauto aya okudenga achaita kuti udzvinyiriri hwose hupere.—Isaya 11:4; Zvakazarurwa 19:11-16.

Nanhasi, maonero anoita Mwari hondo haana kuchinja. Achiri kuona hondo senzira yakakodzera yekupedza udzvinyiriri uye zvinhu zvakaipa. Asi kungofanana nezvaaingoita kare, Mwari pachake ndiye anotaura kuti hondo yacho icharwiwa riini uye naani. Sezvataona, Mwari akatoronga kuti hondo yokupedza zvakaipa uye yokutsividza vadzvinyiriri ichaitika munguva yemberi uye kuti icharwiwa noMwanakomana wake Jesu Kristu. Saka izvi zvinoreva kuti hondo dziri kurwiwa mazuva ano hadzisi kutungamirirwa naMwari, kunyange kana dzikarwiwa nezvikonzero zvinoita sezvine musoro.

Somuenzaniso: Chimbofunga nezvevana vaviri vemumba mumwe chete vanotanga kurwa baba vavo vasipo. Vanombomira kurwa vofonera baba vavo. Mumwe wacho anoti mumwe wake ndiye amutanga, mumwe achiti ndiye anga amudenha. Mumwe nemumwe wavo anotsvaga kutsigirwa nababa pane zvaari kutaura. Asi baba vavo pavanonzwa zvataurwa nevana vacho vose, vanovaudza kuti vasiye zvekurwa vomirira kusvikira vadzoka kuti vazogadzirisa nyaya yacho. Vana vacho vanombomira kwekanguva, votangazve kurwa. Baba vacho pavanodzoka vanogumbukira vana vacho vose, vobva vavaranga nokuti havana kuteerera.

Mazuva ano, nyika dzinenge dzichirwisana dzinowanzokumbira Mwari kuti adzitsigire. Asi Mwari haana divi raanotsigira muhondo mazuva ano. MuShoko rake Bhaibheri, anotaura zvakajeka kuti: “Musadzorera chakaipa nechakaipa kuna ani naani zvake,” uye, “Musatsiva.” (VaRoma 12:17, 19) Uyewo akaudza vanhu kuti vanofanira ‘kumumirira’ vasinganyunyuti kusvikira paachagadzirisa zvinhu paAmagedhoni. (Pisarema 37:7) Nyika padzinoramba kumirira Mwari, dzotanga kurwisana, Mwari anoona izvozvo sekuzvikudza uye anotsamwa nazvo. Saka paAmagedhoni, Mwari acharatidza hasha dzake uye achapedza magakava ari pakati penyika zvachose paachagumisa “hondo kusvikira kumugumo wenyika.” (Pisarema 46:9; Isaya 34:2) Saka Amagedhoni ndiyo hondo ichapedza hondo dzose.

Umambo hwaMwari huchaunza makomborero akawanda anosanganisira kupedza hondo. Jesu akataura nezvehurumende iyoyo mumunyengetero unozivikanwa nevakawanda unoti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.” (Mateu 6:10) Umambo hwaMwari huchapedza hondo dzose, uye huchabvisawo zvakaipa nekuti ndizvo zvinokonzera hondo. * (Pisarema 37:9, 10, 14, 15) Ndokusaka vateveri vaJesu vaitarisira chaizvo makomborero eUmambo hwaMwari.—2 Petro 3:13.

Asi kwasara nguva yakareba zvakadii kuti Umambo hwaMwari hubvise kutambura, udzvinyiriri uye zvakaipa zvose? Kuzadzika kuri kuita uprofita hweBhaibheri kunoratidza kuti tiri kurarama “mumazuva okupedzisira” enyika ino. (2 Timoti 3:1-5) * Pasina nguva, Umambo hwaMwari huchagumisa mazuva ekupedzisira pahondo yeAmagedhoni.

Sezvatamboona, vaya “vasingateereri mashoko akanaka pamusoro paShe wedu Jesu” ndivo vachaurayiwa muhondo iyi yokupedzisira. (2 VaTesaronika 1:8) Asi yeuka kuti Mwari haafariri kufa kwevanhu kunyange kwevaya vanoita zvakaipa. (Ezekieri 33:11) Sezvo pasina “waanoda kuti aparadzwe” muhondo iyi yekupedzisira, Mwari ari kuva nechokwadi chokuti mashoko akanaka pamusoro paShe wedu Jesu ari kuparidzwa “munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose” kuguma kusati kwasvika. (2 Petro 3:8, 9; Mateu 24:14; 1 Timoti 2:3, 4) Kuburikidza nebasa rekuparidza munyika yose riri kuitwa neZvapupu zvaJehovha, mazuva ano vanhu vari kuwana mukana wekuziva Mwari, wekuteerera mashoko akanaka pamusoro paJesu, uye wekuzorarama pakunenge kusisina hondo.

^ ndima 9 Umambo hwaMwari huchabvisa rufu, muvengi wevanhu. Sezviri munyaya iri magazini ino inoti “Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa,” Mwari achamutsa vanhu vakawanda, kusanganisira vazhinji vakafa nehondo makore ese akapfuura.

^ ndima 10 Kuti uwane mamwe mashoko, ane chokuita nemazuva ekupedzisira, ona chitsauko 9 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.