Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

TEVEDZERA KUTENDA KWAVO | TIMOTI

“Mwana Wangu Wandinoda, Akatendeka munaShe”

“Mwana Wangu Wandinoda, Akatendeka munaShe”

TIMOTI akakanda nhanho refu achibva pamba, maziso ake akatarira mberi kwaaienda. Shamwari dzake ndidzo dzaitungamirira nzira sezvavaipfuura nemumasango ainyatsozivikanwa naTimoti. Zvishoma nezvishoma vanosiya guta reRistra, iro raiva pakati pemakomo. Timoti anonyemwerera paanofunga amai vake naambuya vake, vachiita sevachabhururuka nemufaro ukuwo vachivanza tumisodzi pavari kumuona achienda. Achavasimudzira ruoko kekupedzisira here?

Pavaifamba, muapostora Pauro aipota achinyemwerera akatarisa Timoti, zvekuti Timoti ainzwa akurudzirwa. Aiziva kuti Timoti akanga achiri kuti nyarei, asi aifarira chido chaiva nemurume uyu wechidiki. Timoti akanga achiri wechidiki, zvimwe akanga ava kuda kusvitsa makore 20 kana kuti ati pfuurei, uye aida Pauro chaizvo uye aimuremekedza zvikuru. Iye zvino Timoti ainge atanga rwendo rwakareba achibva kumba nemurume uyu akatendeka uye aishingaira. Vaifanira kufamba netsoka uye nengarava, vachisangana nematambudziko akawanda munzira. Timoti aisaziva kuti aizowana mukana wekudzoka kumba here kana kuti kwete.

Chii chakaita kuti murume uyu wechidiki asarudze kuita izvi muupenyu hwake? Chii chaaizowana nekuzvipira uku? Tinodzidzei pakutenda kwaTimoti?

“KUBVIRA PAUCHECHE”

Zvinoita sekuti Timoti akakurira muguta reRistra. Saka ngatimbodzosai pfungwa dzedu pane zvakanga zvaitika imomo makore maviri kana matatu ainge apfuura. Iri rakanga riri guta diki, rainge risina kubudirira, uye raiva nemvura yakawanda. Vanhu vemo vaitaura mutauro wechiRikaoniya, asi vanofanirawo kunge vainzwa chiGiriki. Guta iri raigara riine runyararo asi rimwe zuva rakaita mheremhere. VaKristu vaviri avo vaiva mamishinari, muapostora Pauro nemumwe waaifamba naye, Bhanabhasi, vakasvika muRistra vachibva kuIkoniyumu, guta raiva pedyo rainge riri hombe pane reRistra. Pavakanga vachiparidza munzvimbo dzinoungana vanhu, Pauro akaona murume ainge akaremara uyo akaratidza kuti aiva nekutenda kwechokwadi. Saka Pauro akaita chishamiso chekurapa murume uyu!—Mabasa 14:5-10.

Vanhu vakawanda vekuRistra vanofanira kunge vaifunga kuti zvaitaurwa mungano dzeko zvaiva zvechokwadi zvekuti kare vamwe vanamwari vaizvichinja kuva vanhu vachiuya kuRistra. Saka vakafunga kuti Pauro aiva Hemesi uye Bhanabhasi aiva Zeusi! Varume ava vaviri vaizvininipisa uye vakaita zvese zvavaigona kuti vadzivise vanhu kuvapa zvibayiro, asi zvakanga zvakavaomera.—Mabasa 14:11-18.

Asi paivawo nevamwe vashoma vasina kuvaona savanamwari. Vakaziva kuti ava vaiva vanhu vainge vauya nemashoko akanaka. Semuenzaniso, Yunisi, mukadzi wechiJudha uyo ainge akaroorwa nemurume wechiGiriki, * uyewo amai vake, Roisi, vakanyatsoteerera Pauro naBhanabhasi nemufaro. Vakanzwa mashoko ainge akamirirwa nevaJudha vose vakatendeka ekuti Mesiya akanga auya, uye ainge azadzisa uprofita hwakawanda hwakanyorwa pamusoro pake muMagwaro!

Chimbofunga kuti Timoti akabatsirwa sei nekushanyirwa kwavakaitwa naPauro. Timoti ainge adzidziswa “kubvira paucheche” kuti ade zvinyorwa zvitsvene zveMagwaro echiHebheru. (2 Timoti 3:15) Kungofanana naamai naambuya vake, aitozvionawo kuti Pauro naBhanabhasi vaitaura chokwadi nezvaMesiya. Uye imbofunga nezvemurume ainge akaremara akaporeswa naPauro. Kubvira achiri mudiki, Timoti anofanira kunge aiona murume iyeye kakawanda mumigwagwa yemuRistra. Iye zvino Timoti akanga ava kuona murume iyeye achifamba kekutanga muupenyu hwake! Ndokusaka Yunisi naRoisi vakava vaKristu, pamwe chete naTimoti. Nanhasi vabereki navanaambuya vanodzidza zvakawanda kubva pana Roisi naYunisi. Munogonawo here kukurudzira vechidiki kuita zvakanaka?

“NOMUMATAMBUDZIKO MAZHINJI”

Vanhu vakava vaKristu muguta reRistra vanofanira kunge vakafara pavakadzidza nezvemubayiro uchapiwa vateveri vaKristu. Vakadzidzawo kuti kuva mudzidzi kwaireva kuti zvinhu zvaisazongova mutserendende. VaJudha vainge vakanyura muchitendero chavo vekuIkoniyumu nekuAndiyoki, avo vaisafarira chiKristu, vakauya muRistra, uye vakanyonganisa vanhu vekuRistra avo vakanga vasingatane kuchinja, vachivakurudzira kuti vapikise Pauro naBhanabhasi. Pasina nguva, mhomho yakauya kuna Pauro ichivhiriridza matombo. Vakaramba vachimutema zvekuti akasvika pakudonha. Mhomho yacho yakamuzvuzvurudza ichibuda muguta iri, ikamusiya ichifunga kuti ainge afa.—Mabasa 14:19.

Zvisinei, vadzidzi vemuRistra vakaenda kunze kwainge kwasiyiwa Pauro, vakamuunganira. Vanofanira kunge vakafara pavakaona achiti pfakanyu, achibva asimuka ndokuita ushingi hwekudzoka muRistra! Mangwana acho, Pauro naBhanabhasi vakaenda kuDhebhe kuti vanoparidza ikoko. Pashure pekunge vaitawo vadzidzi ikoko, vakava neushingi zvakare ndokudzokera kuRistra izvo zvaiva nengozi. Izvi zvakabatsira sei. Nhoroondo yacho inoti, ‘vakasimbisa vadzidzi vachivakurudzira kuti varambe vari mukutenda.’ Chimbofungidzira Timoti uyo ainge asati ava neruzivo, akatarisa Pauro naBhanabhasi, achivateerera vachidzidzisa vaKristu ivavo kuti zvose zvavakanga vachiita zvaizoita kuti vawane mubayiro wakakura mune ramangwana. Vakati: “Tinofanira kupinda muumambo hwaMwari nomumatambudziko mazhinji.”—Mabasa 14:20-22.

Timoti akagamuchira nomwoyo wose zvaidzidziswa nomuapostora Pauro

Timoti akaona Pauro achipinda mumatambudziko asi achiramba akashinga kuti aparidzire vamwe mashoko akanaka, zvichienderana nemashoko aakataura. Saka Timoti aiziva kuti kana akatevedzera Pauro, vanhu vemuRistra vaizomupikisa uye baba vake vaigona kuzomupikisawo. Asi Timoti aisazorega izvozvo zvichichinja zvaainge asarudza panyaya yekushumira Mwari. Mazuva ano kune vechidiki vakawanda vakafanana naTimoti. Vanoratidza kuti vakachenjera pavanosarudza shamwari dzine kutenda kwakasimba, dzinovakurudzira uye dzinovasimbisa. Uye havaregi kushumira Mwari wechokwadi nechikonzero chekuti pane vari kuvapikisa!

“AIPUPURIRWA ZVAKANAKA KWAZVO NEHAMA”

Sezvambotaurwa, Pauro akazoshanyirazve Ristra pashure pemakore anenge maviri kana kuti matatu. Chimbofungidzira kufara kwakaita mhuri yavanaTimoti pakasvika Pauro, iye zvino aperekedzwa naSirasi. Hapana mubvunzo kuti Pauro akafarawo. Akanga achizvionera ega kuti mbeu yechokwadi yaakadyara muRistra yainge yakura zvakadini. Roisi nemwanasikana wake Yunisi, vainge vava vaKristu vazere ‘nekutenda kusina unyengeri’ kwakayemurwa zvikuru naPauro. (2 Timoti 1:5) Ko Timoti ainge avawo papi panyaya dzekunamata?

Pauro akaona kuti murume iyeye wechidiki ainge awedzera kusimba pakunamata kubvira paakashanya kekutanga. Timoti “aipupurirwa zvakanaka kwazvo nehama” muRistra uyewo muguta reIkoniyumu iro raiva makiromita anenge 32 nechekumabvazuva kweRistra. (Mabasa 16:2) Akasvika sei pakuzivikanwa kwese ikoko?

“Zvinyorwa zvitsvene” zvakadzidziswa Timoti “kubvira paucheche” naamai vake nagogo vake zvaisanganisira mazano akanaka anobatsira vechidiki. (2 Timoti 3:15) Rumwe rugwaro rwacho nderwunoti: “Yeukawo Musiki wako Mukuru mumazuva oujaya hwako.” (Muparidzi 12:1) Timoti paakava muKristu akatanga kukoshesa mashoko iwayo kupfuura zvaaiita kare. Akaona kuti chimwe chezvinhu zvakanaka zvaaigona kuita pakuyeuka Musiki wake Mukuru, kwaiva kuparidza mashoko akanaka pamusoro paKristu, Mwanakomana waMwari. Zvishoma nezvishoma Timoti akakunda kunyara kwaaiita kwaimudzorera kumashure uye akadzidzawo kuva neushingi pakuudza vamwe mashoko akanaka pamusoro paJesu Kristu.

Varume vaitungamirira muungano vakaona kufambira mberi kwaiita Timoti. Hapana mubvunzo kuti vaifara chaizvo pavaiona Timoti achisimbisa uye achikurudzira vanhu vose. Uye chinotokosha ndechekuti Jehovha aicherechedza zvaiitwa naTimoti. Mwari akaita kuti pave neuprofita hwaitaura pamusoro paTimoti. Uprofita hwacho hunofanira kunge hwaiva nechekuita nebasa raaizoita muungano dzakawanda. Pauro paakashanyira Ristra, akaona kuti Timoti aigona kumubatsira chaizvo panzendo dzake dzaaiita ari mumishinari. Varume vaitungamirira ungano muRistra vakabvumiranawo naye. Vakaisa maoko avo pamurume uyu wechidiki, sechiratidzo chekuti ainge agadzwa kuti aite basa rinokosha pakushumira Jehovha Mwari.—1 Timoti 1:18; 4:14.

Tinogona kufungidzira kuti Timoti akashamiswa uye akanzwa seaita mutete pabasa guru raainge apiwa. Ainge azvipira kuita basa iri. * Ko baba vaTimoti avo vanga vasiri muKristu vakatambira sei chikumbiro chainge chaitwa chekuti mwanakomana wavo afambe achisimbisa ungano dzevaKristu? Vanofanira kunge vaitova nezvirongwa zvakatosiyana nezvaidiwa nemwanakomana wavo. Ko amai vaTimoti nagogo vake vakatiwo kudii nazvo? Sevanhuwo, vanofanira kunge vaidada naye ukuwo nechemukati vachityira kuti zvinhu zvaizomufambira sei.

Chatinonyatsoziva ndechekuti Timoti akabvuma kuenda naPauro naBhanabhasi. Ari mangwanani pazuva rambotaurwa patangira nyaya ino, ndipo paakatanga basa rekushanyira ungano nemuapostora Pauro. Pavakanga vachibuda muRistra, pose paaitsika, uye nhanho imwe neimwe yaaikanda yaimuendesa kure nekumba kwavo, kunzvimbo yaakanga asingazivi. Varume ava vatatu vakaswera vachifamba ndokuzosvika kuIkoniyumu. Timoti akabva atanga kucherechedza zvaiitwa naPauro naSirasi pakupa mirayiridzo yainge ichangobva kudare rinotungamirira raiva kuJerusarema uye akashanda nesimba kuti asimbise kutenda kwevaKristu vemuIkoniyumu. (Mabasa 16:4, 5) Asi uku kwaingova kutanga.

Pashure pekushanyira ungano dzaiva muGaratiya, mamishinari aya akabuda mumigwagwa yakafara yeRoma yainge yakagadzirwa nematombo uye vakafamba mazana emakiromita vachipfuura nemunharaunda dzakati sandara dzemuFrijiya. Vakatanga vakananga kumaodzanyemba ndokuzoenda kuchamhembe. Vachinyatsotevedzera kutungamirirwa kwavaiitwa nemudzimu mutsvene waMwari, vakaenda kuTroasi, ndokukwira chikepe vachienda kuMakedhoniya. (Mabasa 16:6-12) Kusvika panguva iyi, Pauro akanga atoona kuti Timoti aibatsira chaizvo. Saka Pauro akasiya Timoti aina Sirasi muBheriya. (Mabasa 17:14) Uye akatombotuma murume iyeye wechidiki kuTesaronika ari ega. Asvika, Timoti akatevedzera zvaainge anyatsocherechedza pana Pauro naSirasi uye akasimbisa vaKristu vakatendeka veikoko.—1 VaTesaronika 3:1-3.

Pauro akazonyora nezvaTimoti achiti: “Handina mumwezve ane kufunga kwakafanana nokwake achatarisira zvinhu zvine chokuita nemi nomwoyo wose.” (VaFiripi 2:20) Izvi hazvina kungoitika zvega. Timoti aishanda nesimba, aizvininipisa, uye akaramba achitsungirira matambudziko aaisangana nawo. Uyu muenzaniso wakazonaka kune vechidiki mazuva ano! Usambofa wakakanganwa kuti kakawanda vanhu vanokuziva zvichibva pane zvaunoita. Kana uchiri mudiki, une mukana wakanaka chaizvo wekuzivikanwa semunhu anokoshesa Jehovha Mwari kupfuura zvimwe zvose muupenyu uye anobata vamwe netsitsi neruremekedzo.

“ITA ZVOSE ZVAUNOGONA KUTI UKURUMIDZE KUUYA KWANDIRI”

Timoti akatanga kuzvipira kuita ushumiri hwechiKristu achiri mudiki

Mumakore anenge 14, Timoti akaita nguva yakawanda chaizvo achishanda neshamwari yake, muapostora Pauro. Panguva iyoyo vakasangana nematambudziko akawanda uye vaimbofarawo pamwe chete. (2 VaKorinde 11:24-27) Timoti akatombosungwa nenyaya yekuti aiva muKristu. (VaHebheru 13:23) Timoti aidawo vamwe vaKristu nemwoyo wose sezvaiita Pauro. Ndokusaka Pauro akambomunyorera achiti: “Ndinoyeuka misodzi yako.” (2 Timoti 1:4) Sezvaiitwa naPauro, Timoti anofanira kunge akadzidza ‘kuchema nevanhu vanochema,’ achivanzwira tsitsi kuti avasimbise uye avanyaradze. (VaRoma 12:15) Mumwe nemumwe wedu ngaadzidzewo kuita saizvozvo!

Saka hazvishamisi kuti nekufamba kwenguva Timoti akazova mutariri wechiKristu akanaka chaizvo. Pauro akamupa basa rekushanyira ungano kuti adzisimbise nekudzikurudzira uyewo kugadza varume vakakodzera kuti vave vakuru nevashumiri vanoshumira.—1 Timoti 5:22.

Pauro aida Timoti chaizvo uye aitomupa mazano akanaka uye aimutsiura achiita sababa vake. Akakurudzira Timoti kuti avandudze unyanzvi hwake pakuita zvinhu zvekunamata uye kuti arambe achifambira mberi. (1 Timoti 4:15, 16) Akakurudzira Timoti kuti asarega uduku hwake uye kakunyara kaangave aiva nako zvichimutadzisa kutsigira zvinhu zvakarurama. (1 Timoti 1:3; 4:6, 7, 11, 12) Pauro akatombopa mazano kune murume uyu wechidiki uyo airwara-rwara. Izvi zvinofanira kunge zvaikonzerwa nemudumbu make maigara muchirwadza.—1 Timoti 5:23.

Nguva yakazosvika yekuti Pauro akanga ava kuziva kuti ava pedyo nekufa. Anofanira kunge aizoita zvekuurayiwa. Akafemerwa naMwari kunyorera Timoti imwe tsamba kekupedzisira. Yaivawo nemashoko anobata-bata aiti: “Ita zvose zvaunogona kuti ukurumidze kuuya kwandiri.” (2 Timoti 4:9) Pauro aida Timoti chaizvo; akatomuti “mwana wangu wandinoda, akatendeka munaShe.” (1 VaKorinde 4:17; Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi) Regai Pauro azotaura kuti aida kuva neshamwari yake iyi sezvo ainge ava pedyo nekufa! Zvakanaka kuti tose tizvibvunze kuti, ‘Vanhu vakasununguka kundiudza matambudziko avo kuti ndivanyaradze here?’

Timoti akazokwanisa kusvika nenguva kuna Pauro here? Hatizivi. Asi chatinoziva ndechekuti aigara achiita zvose zvaaigona pakukurudzira nekunyaradza Pauro nevamwe vakawanda. Timoti akararama zvinoenderana nezita rake iro rinoreva kuti “Munhu Anokudza Mwari.” Uye tose zvedu vakuru nevadiki tinogona kudzidza kuva nekutenda kwakasimba chaizvo kwaaiva nakwo.

^ ndima 9 Ona nyaya yakanzi “Waizviziva Here?” iri mumagazini ino.

^ ndima 20 Timoti ainge akatozvipira kunyange kuchecheudzwa sezvaainge akumbirwa naPauro, kwete nekuti waiva mutemo wechiKristu asi kuti Pauro aida kuti vaJudha vasave nezvikonzero zvekuramba mashoko aizotaurwa naTimoti uyo aiva nababa vainge vasiri muJudha.—Mabasa 16:3.