Enda pane zvauri kuda

Chii Chinonzi Kutambudzika Kukuru?

Chii Chinonzi Kutambudzika Kukuru?

Mhinduro yeBhaibheri

 Kutambudzika kukuru kuchaita kuti pave nenguva yematambudziko akakura asati amboonekwa nevanhu. Sezvinotaurwa neuprofita hweBhaibheri, kuchaitika ‘mumazuva okupedzisira’ kana kuti “nguva yokupedzisira.” (2 Timoti 3:1; Dhanieri 12:4, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Kuchava “kutambudzika kusina kumboitika kubvira pakutanga kwezvisikwa zvakasikwa naMwari kusvikira panguva iyoyo, uye hakuzoitikizve.”​—Mako 13:19; Dhanieri 12:1; Mateu 24:21, 22.

Zvichaitika munguva yekutambudzika kukuru

Zvichaitika pashure pekutambudzika kukuru

  •   Kusungwa kwaSatani nemadhimoni ake. Ngirozi huru ichakanda Satani nemadhimoni ake “mugomba rakadzikadzika,” izvo zvinoratidza kuti vanenge vakangoita sevakafa. (Zvakazarurwa 20:1-3) Panguva iyoyo Satani achange akaita seari mujeri; achange asina simba pachinhu chero chipi zvacho.​—Zvakazarurwa 20:7.

  •   Kutonga kwemakore ane chiuru kunotanga. Umambo hwaMwari huchabva hwatanga kutonga kwemakore ane chiuru, zvoita kuti vanhu vawane makomborero akawanda. (Zvakazarurwa 5:9, 10; 20:4, 6) “Boka guru revanhu” vasingakwanisi kuverengwa ‘richabuda mukutambudzika kukuru,’ uye richaona kutanga kwemakore ane chiuru ekutonga kweUmambo panyika.​—Zvakazarurwa 7:9, 14; Pisarema 37:9-11.

a Mubhuku raZvakazarurwa, chitendero chenhema chinotaurwa nezvacho seBhabhironi Guru kana kuti “hure guru.” (Zvakazarurwa 17:​1, 5) Chikara chitsvuku, icho chichaparadza Bhabhironi Guru, chinomiririra sangano rine chinangwa chekubatanidza uye kumiririra nyika dziri pasi rese. Chakatanga chichizivikanwa seLeague of Nations asi iye zvino chava kunzi United Nations.