Enda pane zvauri kuda

Sei Zvapupu zvaJehovha Zvisingaendi Kuhondo?

Sei Zvapupu zvaJehovha Zvisingaendi Kuhondo?

 Zvikonzero zviri pasi apa ndizvo zvinoita kuti Zvapupu zvaJehovha zvisaenda kuhondo:

  1.   Kuteerera Mwari. Bhaibheri rinoti vashumiri vaMwari ‘vaizopfura mapakatwa avo kuti ave miromo yemagejo’ uye “havazodzidzizve kurwa.”—Isaya 2:4.

  2.   Kuteerera Jesu. Muapostora Petro akaudzwa naJesu kuti: “Dzorera bakatwa rako munzvimbo yaro, nokuti vose vanotora bakatwa vachaparara nebakatwa.” (Mateu 26:52) Nemashoko aya Jesu akaratidza kuti vateveri vake vakanga vasingazofaniri kuita zvehondo.

     Vadzidzi vaJesu havapindiri mune zvematongerwo enyika nokuti vanoteerera murayiro wokuti “havasi venyika.” (Johani 17:16) Havaratidziri vachiratidza kutsutsumwa nezvinoitwa nemauto kana kurambidza vanhu kuti vapinde muchiuto.

  3.   Kuda vamwe. Jesu akarayira vadzidzi vake kuti ‘vadanane.’ (Johani 13:34, 35) Kudanana uku kwaizoita kuti vave mhuri imwe chete pasinei nokusiyana kwemarudzi uye zvaizoita kuti vasapinda muhondo vachirwisa hama dzavo kana kuti hanzvadzi dzavo.—1 Johani 3:10-12.

  4.   Kutevedzera zvaiitwa nevaKristu vokutanga-tanga. Encyclopedia of Religion and War rinoti: “Vateveri vepakutanga vaJesu vakaramba zvehondo uye zvechiuto,” vachiziva kuti zvinhu izvozvo “zvaisaenderana nerudo rwaJesu uye murayiro wokuti munhu ade vavengi vake.” Mumwe muongorori wezvechitendero wokuGermany anonzi Peter Meinhold akataura nezvevadzidzi vaJesu vokutanga achiti: “Zvaitorwa sezvisingaiti kuti munhu aive muKristu ave musoja.”

Zvatinoita pakubatsira vamwe

 Zvapupu zvaJehovha vanhu vanobatsira vamwe munharaunda uye havapandukiri hurumende. Tinoteerera mitemo yehurumende kuenderana nemirayiro iri muBhaibheri inoti:

  •   ‘Zviisei pasi pevanhu vane masimba makuru.’—VaRoma 13:1.

  •   “Naizvozvo, dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.”—Mateu 22:21.

 Saka tinoteerera mitemo, tinobhadhara mitero, tinoitawo zvinodiwa nehurumende pakuita kuti zvinhu zvifambe zvakanaka munharaunda.