Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tinofanira Kunyengetera Kuna Jesu Here?

Tinofanira Kunyengetera Kuna Jesu Here?

MUNGUVA ichangopfuura mumwe mutsvakurudzi akabvunza vechidiki vanodarika 800 vemumachechi akasiyana-siyana kuti Jesu anopindura minyengetero here. Pa100 vega-vega, vanopfuura 60 vaitenda zvakasimba kuti Jesu anoipindura. Asi pamapepa aishandiswa pakutsvakurudza kwacho, mumwe musikana akacheka pakanzi Jesu ndokunyora kuti “Mwari.”

Iwe unoti chii? Tinofanira kunyengetera kuna Jesu here kana kuti kuna Mwari? * Kuti tiwane mhinduro, ngatitangei nokuona kuti Jesu akadzidzisa sei vadzidzi vake kunyengetera.

JESU AKATIDZIDZISA KUNYENGETERA KUNA ANI?

Jesu akatidzidzisa uye akatiratidza kuti tinofanira kunyengetera kuna ani.

Jesu akatiratidza muenzaniso wakanaka nekuti ainyengetera kuna Baba vake vekudenga

ZVAAKADZIDZISA: Jesu paakakumbirwa nemumwe wevadzidzi vake kuti, “Ishe, tidzidzisei kunyengetera,” iye akati: “Pose pamunonyengetera, itii, ‘Baba.’” (Ruka 11:1, 2) Uyewo paakapa Mharidzo yake yepaGomo inozivikanwa zvikuru, Jesu akakurudzira vaivapo kunyengetera. Akati: ‘Nyengeterai kuna Baba venyu.’ Akaitawo kuti vasanetseke paakati: “Baba venyu vanoziva kuti zvinhu zvipi zvamunoda musati mambovakumbira.” (Mateu 6:6, 8) Pausiku hwake hwekupedzisira pasi pano, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Kana mukakumbira Baba chimwe chinhu vachakupai muzita rangu.” (Johani 16:23) Saka Jesu akatidzidzisa kunyengetera kuna Baba vake uye Baba vedu, Jehovha Mwari.Johani 20:17.

ZVAAKAITA: Jesu akaitawo zvaaidzidzisa vamwe paakanyengetera kuti: “Ndinokurumbidzai pachena, Baba, Ishe wokudenga nenyika.” (Ruka 10:21) Pane imwe nguva, “Jesu akatarira kudenga, akati: ‘Baba, ndinokuongai kuti mandinzwa.’” (Johani 11:41) Paakanga ava kufa Jesu akanyengetera kuti: “Baba, ndinoisa simba rangu roupenyu mumaoko enyu.” (Ruka 23:46) Zvaiitwa naJesu paainyengetera kuna Baba vake vekudenga, “Ishe wedenga nenyika,” ndizvo zvatinofanira kuitawo patinonyengetera. (Mateu 11:25; 26:41, 42; 1 Johani 2:6) Vadzidzi vake vepakutanga vakanzwisisa here zvaakadzidzisa?

VAKRISTU VEKUTANGA VAINYENGETERA KUNA ANI?

Pashure pemavhiki mashoma Jesu adzokera kudenga, vadzidzi vake vakatanga kutambudzwa uye kutyisidzirwa nevaivashora. (Mabasa 4:18) Saka vakanyengetera kuti vabatsirwe. Asi vakanyengetera kuna ani? “Vakashevedzera nomwoyo mumwe kuna Mwari,” kuti arambe achivabatsira muzita “romushandi [wake] mutsvene Jesu.” (Mabasa 4:24, 30) Saka vadzidzi vakatevedzera zvavakadzidziswa naJesu pakunyengetera. Vakanyengetera kuna Mwari, kwete kuna Jesu.

Papfuura makore, muapostora Pauro akatsanangura kuti iye nevamwe vake vainyengetera sei. Akanyorera vamwe vaKristu kuti: “Tinogara tichionga Mwari Baba vaShe wedu Jesu Kristu patinokunyengetererai.” (VaKorose 1:3) Pauro akanyorerawo vaainamata navo kuti “muchigara muchionga Mwari wedu uye Baba vedu nokuda kwezvinhu zvose nomuzita raShe wedu Jesu Kristu.” (VaEfeso 5:20) Mashoko aya anotiratidza kuti Pauro akakurudzira vamwe kunyengetera kuna ‘Mwari wake uye Baba nokuda kwezvinhu zvose’ nemuzita raJesu.VaKorose 3:17.

Sezvakaitwa nevaKristu vekutanga, tinogona kuratidza kuti tinoda Jesu nekuteerera zvaakataura panyaya yekunyengetera. (Johani 14:15) Patinonyengetera kuna Baba vedu vamwe chete vekudenga, tinobva tafungawo sezvakaita munyori wePisarema rechi116:1, 2 uyo akati: ‘Ndinoda Jehovha nokuti anonzwa inzwi rangu. Ndichamudana mazuva angu ose.’ *

^ ndima 3 Magwaro anoti Mwari naJesu havana kuenzana. Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 4 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 11 Kuti minyengetero yedu inzwiwe naMwari, tinofanira kurarama zvinoenderana nezvaanoda. Kuti udzidze zvakawanda, ona chitsauko 17 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?