Enda pane zvauri kuda

Mwari Anondinzwa Here Kana Ndikanyengetera?

Mwari Anondinzwa Here Kana Ndikanyengetera?

Mhinduro yeBhaibheri

 Hongu, Mwari anobatsira vaya vanokumbira zvinhu chero bedzi zvichienderana nekuda kwaMwari. Kunyange kana usati wambonyengetera, mienzaniso yemuBhaibheri yevanhu vakanyengetera vachiti, “Mwari ndibatsirei,” inogona kukukurudzira. Somuenzaniso:

  •   “Ndibatsirei, Jehovha, Mwari wangu; ndiponesei nengoni dzenyu.”​—Pisarema 109:​26, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

  •   “Ndinoshayiwa uye ndiri murombo: Mwari wangu, ndibatsireiwo.”​—Pisarema 69:​6, Douay Version.

 Zvinoratidza kuti munhu akanyora mashoko aya aitenda zvakasimba muna Mwari. Mwari anoteerera vose vanonyengetera kwaari vachizvininipisa, vakadai sevaya “vakaora mwoyo” kana kuti “vakadzvinyirirwa.”​—Pisarema 34:18.

 Haufaniri kutya uchifunga kuti Mwari ari kure zvokuti haana hanya nematambudziko ako. Bhaibheri rinoti: “Jehovha akakwirira, uye anoona munhu anozvininipisa; asi munhu anozvikudza anongomuziva ari kure.” (Pisarema 138:6) Jesu akamboudza vadzidzi vake kuti Mwari ane hanya nevanhu paakati: “Kunyange bvudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose.” (Mateu 10:​30) Mwari anoziva zvinhu zvine chokuita newe zvausingatombozivi. Kana achiziva zvinhu zvakadaro, haangazombotadzi kukuteerera paunonyengetera kuti ubatsirwe pane zvinenge zvichikudya mwoyo!​—1 Petro 5:7.