Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | HURUMENDE ISINA UORI

Umambo hwaMwari Ihurumende Isina Uori

Umambo hwaMwari Ihurumende Isina Uori

“Sezvo vanhu vanoshanda muhurumende vachibva mune veruzhinji magara muine uori, ivowo vanotoita uori.” Mashoko aya akataurwa nemukuru wevanoongorora akaunzi dzehurumende yeNicaragua, paaitsanangura chaiita kuti ati uori hwemuhurumende hahupere.

Handizvo here kuti kana vanhu vachiita uori, hurumende inenge ichivatonga inotoitawo uori? Kana zviri izvo, zvinoreva kuti hurumende isina uori inofanira kunge isiri yevanhu. Bhaibheri rinotaura kuti Umambo hwaMwari ndihwo hurumende yacho, uye Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kuti vanyengeterere hurumende iyi.—Mateu 6:9, 10.

Umambo hwaMwari ihurumende itoriko inotonga iri kudenga. Huchabvisa hurumende dzose dzevanhu. (Pisarema 2:8, 9; Zvakazarurwa 16:14; 19:19-21) Chimwe chikomborero chichaunzwa neUmambo panyika ndechokubvisa uori hunoitwa nehurumende dzevanhu. Ngationei zvinhu zvitanhatu zvinoita kuti tive nechokwadi chokuti Umambo huchaita izvi.

1. SIMBA

DAMBUDZIKO: Hurumende dzepanyika dzinowana mari kubva kuvanhu vadzinotonga, uye inowanzobva pamitero. Izvi zvinowanzoisa vamwe vane zvinzvimbo pamuedzo wekuba, vamwe vacho vachibvuma mari yechiokomuhomwe inobva kune vanenge vachida kuderedzerwa mari yemutero kana kuti yezvimwewo inenge ichifanira kuenda kuhurumende. Zvinoguma zvava kuitika ndezvokuti hurumende inokwidza mitero kuti itsive mari iyi inenge ichibiwa, zvoita kuti uori hutowedzera. Panoitika izvi, vaya vanenge vasingaiti uori ndivo vanonyanya kukuvara.

ZVICHAGADZIRISA DAMBUDZIKO IRI: Simba reUmambo hwaMwari rinobva kuna Mwari wemasimbaose, Jehovha. * (Zvakazarurwa 11:15) Umambo hwacho hahudi mari yemitero kuti hurambe huchishanda. Asi, “simba guru” raMwari uye rupo rwake ndizvo zvinoita kuti hukwanise kupa vose vahunotonga zvavanoda.Isaya 40:26; Pisarema 145:16.

2. MUTONGI

DAMBUDZIKO: “Vane zvinzvimbo zvepamusoro muhurumende” ndivo vanofanira kutanga kushanda nesimba pakubvisa uori, anodaro Susan Rose-Ackerman, ambotaurwa munyaya yapfuura. Vanhu vanotanga kusavimba nehurumende padzinoedza kupedza uori hunenge huchiitwa nemapurisa asi dzichisiya vane zvinzvimbo zvepamusoro. Kunyange mutongi anenge achitonga zvakanaka, anewo chivi chaAdhamu. Sezvinotaurwa neBhaibheri, “hapana munhu akarurama panyika anoramba achiita zvakanaka.”Muparidzi 7:20.

Jesu akaramba pfumbamuromo yakakura yati yambopiwa chero ani zvake

ZVICHAGADZIRISA DAMBUDZIKO IRI: Jesu Kristu, uyo akasarudzwa naMwari kuti ave Mutongi weUmambo hwake, akasiyana nevanhu vane chivi chaAdhamu, nekuti haakundwi nemuedzo wekuita zvakaipa. Jesu akaratidza izvi paakaramba “umambo hwose hwenyika nokubwinya kwahwo.” Hapana munhu akambopihwa pfumbamuromo yakakura zvakadaro. Jesu akanzi aizohupiwa kana angonamata mutongi wenyika ino, Dhiyabhorosi. (Mateu 4:8-10; Johani 14:30) Kunyange paakanga achiurayiwa, Jesu akanga akatsunga kuramba akaperera kuna Mwari zvokuti akaramba waini iyo yaigona kuderedza marwadzo ake asi ukuwo ichigona kuzomusiya adhakwa. (Mateu 27:34) Jesu akamutsirwa kuupenyu hwekudenga naMwari, zvichiratidza kuti akanyatsokodzera kuva mutongi weUmambo hwaMwari.VaFiripi 2:8-11.

3. NGUVA YEUTONGI

DAMBUDZIKO: Nyika dzakawanda dzinoita sarudzo nguva nenguva, izvo zvinoita kuti vanhu vavhote nechinangwa chekuti vakuru vakuru vemuhurumende vane uori vabve pazvigaro. Asi chokwadi ndechokuti panoitwa sarudzo uye panotsvagwa rutsigiro panogona kuitika uori, kunyange munyika dzinonzi dzakabudirira. Vanhu vakapfuma vanogona kubudisa mari yekutsvaga rutsigiro pamwe nekuitawo zvimwe zvinhu kuti zvavanoda zviitwe nevanhu vanenge vari pazvigaro kana kuti vachazopinda pazvigaro.

Mutongi anonzi John Paul Stevens weDare Repamusoro-soro reUnited States akanyora kuti izvi zvinokanganisa “kutevedzerwa kwemitemo uye matongero eHurumende pamwe chete nekuvimbwa kunoitwa hurumende yacho.” Saka hazvishamisi kuti vanhu vakawanda munyika yose vanofunga kuti mapato ezvematongerwo enyika ndiwo anonyanya kuita uori kupfuura mamwe masangano ese.

ZVICHAGADZIRISA DAMBUDZIKO RACHO: Umambo hwaMwari huchabvisa kubiridzira kunoitwa musarudzo uye pakutsvaga rutsigiro, nekuti ndihwo hwega hunotonga nekusingaperi. (Dhanieri 7:13, 14) Umambo uhwu hahusarudzwi nevanhu uye havakwanisi kuhubvisa, nekuti Mwari ndiye akasarudza Mutongi wahwo. Sezvo Umambo huchitonga nekusingaperi, tine chokwadi chokuti zvahuchaita zvinobatsira vanhu vahunotonga nekusingaperi.

4. MITEMO

Umambo hwaMwari ihurumende itoriko inotonga iri kudenga

DAMBUDZIKO: Pakutanga ungafunga kuti kudzika mitemo mitsva kunogona kuderedza uori. Asi vanoongorora vanoti kuwedzera mitemo kunowanzoita kuti patova nemikana yakawanda yekuti uori huwedzere. Uyewo, mitemo inenge yadzikwa yekuderedza uori inowanzoda mari kuti itevedzerwe asi hapana zvisvinu zvainobatsira.

ZVICHAGADZIRISA DAMBUDZIKO RACHO: Mitemo yeUmambo hwaMwari ine simba nekure kupfuura yehurumende dzevanhu. Somuenzaniso, pane kuti ape vanhu mitemo yakawandisa, Jesu akataura kuti: “Naizvozvo, zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.” (Mateu 7:12) Uyewo, mitemo yeUmambo haingobati zvinoitwa nemunhu asi inobatawo zvaanofunga. Jesu akati: “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.” (Mateu 22:39) Mwari uyo anokwanisa kuona zvakaita mwoyo, ndiye anokwanisa kupa mirayiro yakadai.

5. ZVINOVAVARIRWA NEVANHU

DAMBUDZIKO: Chinoita kuti pave neuori inyaya yemakaro. Vakuru vakuru vemuhurumende uye vainotonga vanowanzova nemakaro. Pakadonha chivako chine zvitoro chekuSeoul chataurwa munyaya yekutanga, vakuru vehurumende ndivo vakanga vagamuchira pfumbamuromo kubva kune vaivaka, avo vaitoziva havo kuti kubhadhara chiokomuhomwe hakudhuri kupfuura kunyatsotevedzera zvinodiwa pakuvaka.

Kuti uori hupere, vanhu vanofanira kudzidziswa kubvisa pfungwa dzakadzika midzi mumwoyo yavo dzakadai sekuva nemakaro. Zvisinei, hurumende dzevanhu hadzina chido chekudzidzisa vanhu zvinhu izvi uye hadzizvikwanisi.

ZVICHAGADZIRISA DAMBUDZIKO RACHO: Umambo hwaMwari hunobata panotangira uori, nokuti hunodzidzisa vanhu kuti varege kuva nepfungwa dzinohukurudzira. * Dzidzo iyi inovabatsira “kuitwa vatsva musimba rinoita kuti pfungwa [dzavo] dzishande.” (VaEfeso 4:23) Panzvimbo pekuva nemakaro, vanodzidza kugutsikana uye kuva nechido chekuita zvakanakira vamwe.VaFiripi 2:4; 1 Timoti 6:6.

6. VANOTONGWA VACHO

DAMBUDZIKO: Kunyange kana zvinhu zvichinge zvakagadzikana, vanhu vachidzidziswa tsika dzakanaka, vamwe vanosarudza kusatendeseka uye kuva neuori. Vamwe vaongorori vanoti izvi ndizvo zvinoita kuti hurumende dzitadze kupedza uori. Chavangatokwanisa ndechokuti uori uye zvahuri kukonzera zvideredzwe.

ZVICHAGADZIRISA DAMBUDZIKO RACHO: Bazi reUnited Nations rinoona nezvekurwisa uori rinoti hurumende dzinofanira kudzidzisa vanhu kuva “vakatendeseka uye kuona kuti basa raitwa nemazvo.” Kunyange zvazvo kudzidzisa vanhu kuine musoro, Umambo hwaMwari hunoita zvinopfuura ipapo. Vanhu vanoda kutongwa nahwo vanotofanira kuita zvinhu izvi. Bhaibheri rinoti “vanhu vanokara” “nevarevi venhema” havazogari nhaka yeUmambo.1 VaKorinde 6:9-11; Zvakazarurwa 21:8.

Vanhu vanogona kudzidza kutevedzera mitemo iyi yakarurama, sezvaiitwa nevaKristu vekutanga. Semuenzaniso, mumwe mudzidzi ainzi Simoni paakaedza kutenga mudzimu mutsvene kuvaapostora, vakaramba pfumbamuromo yacho vakamuudza kuti: “Pfidza uipi hwako uhwu.” Simoni paakangoona kuipa kwezvaaida kuita, akakumbira vaapostora kuti vamunyengeterere kuti akunde pfungwa dzakaipa.Mabasa 8:18-24.

ZVAUNOFANIRA KUITA KUTI UTONGWE NEUMAMBO HWAMWARI

Pasinei nenyika yaunobva, une mukana wekuva mumwe wevanotongwa neUmambo hwaMwari. (Mabasa 10:34, 35) Umambo uhwu hune purogiramu yekudzidzisa vanhu inowanikwa munyika yose, ichakuratidza kuti ungava sei mumwe wevanotongwa neUmambo. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukuratidza kuti chidzidzo cheBhaibheri chinoitwa sei. Chinogona kuitwa kwemaminitsi gumi chete vhiki rega rega. Chimwewo ndechokuti uchadzidza zvakawanda ‘nezvemashoko akanaka oumambo hwaMwari,’ anosanganisira kupedza kwahuchaita uori hwehurumende dzevanhu. (Ruka 4:43) Tinokukumbira kuti uonane neZvapupu zvekwaunogara kana kuti uende panzvimbo yedu yepaIndaneti inonzi jw.org.

Ungada kubatsirwa kudzidza Bhabheri usingabhadhari here?

^ ndima 8 Jehovha ndiro zita raMwari rinotaurwa muBhaibheri.

^ ndima 22 Somuenzaniso, ona nyaya inoti “Zvinoita Here Kuti Munhu Ave Akatendeseka Munyika Ine Uori?” iri muNharireyomurindi yaOctober 1, 2012.