Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mwari “Munzwi wemunyengetero,” uye anoda kuteerera minyengetero yedu.—PISAREMA 65:2

Ramba Uchinyengetera Kuti Ufarirwe naMwari

Ramba Uchinyengetera Kuti Ufarirwe naMwari

Mwari akatipa chipo chinokosha chekukwanisa kunyengetera tichimuudza zviri pamwoyo. Dhavhidhi akanyengetera kuti: “Haiwa imi Munzwi wemunyengetero, vanhu vemarudzi ese vachauya kwamuri.” (Pisarema 65:2) Asi tinganyengetera sei kuti Mwari atinzwe uye atikomborere?

NYENGETERA ZVICHIBVA PAMWOYO, UCHIZVININIPISA

Paunonyengetera, unogona kudurura mwoyo wako pamberi paMwari uchinyatsomuudza zviri kutsi kwemwoyo. (Pisarema 62:8) Mwari Wemasimbaose anofarira minyengetero yakadaro.

PAUNONYENGETERA SHANDISA ZITA RAMWARI

Mwari ane mazita akawanda ekuremekedza, asi ane zita rake chairo. Anoti: “Ndini Jehovha. Ndiro zita rangu.” (Isaya 42:8) Zita rekuti Jehovha rinowanika kanosvika ka7 000 muBhaibheri. Vashumiri vaMwari vekare vakawanda vaitaura naMwari vachishandisa zita rake. Abrahamu akati: “Ndapota, Jehovha, . . . regai ndirambe ndichitaura [nemi].” (Genesisi 18:30) Isuwo patinonyengetera, tinofanira kushandisa zita raMwari rekuti Jehovha.

NYENGETERA NEMUTAURO WAKO

Mwari anotinzwisisa pasinei nekuti tinoshandisa mutauro upi. Shoko rake rinoti: “Mwari haasaruri, asi anogamuchira vanhu vanobva mumarudzi ese vanomutya uye vanoita zvakarurama.”—Mabasa 10:34, 35.

Asi pane zvimwe zvatinofanira kuita kuti tikomborerwe naMwari. Tichazviongorora munyaya dzinotevera.