Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvatinodzidza nezvaMwari Kubva Kuvaprofita Vake

Zvatinodzidza nezvaMwari Kubva Kuvaprofita Vake

Kare Mwari akashandisa vaprofita vake kuti audze vanhu mashoko anokosha. Mashoko aakavaudza anogona kutibatsira here kuwana makomborero aanovimbisa? Ehe. Ngationei zvatinodzidza kubva kuvaprofita vatatu vaiva vakatendeka.

ABRAHAMU

Mwari haasaruri uye anoda kukomborera vanhu vese.

Mwari akavimbisa Abrahamu kuti “mhuri dzese dzepanyika dzichakomborerwa nekwauri.”—Genesisi 12:3.

Tinodzidzei? Mwari anotida chaizvo uye anoda kukomborera munhu wese, varume, vakadzi uye vana, kana vakamuteerera.

MOZISI

Mwari ane ngoni uye anokomborera vese vanoedza kudzidza nezvake.

Mwari Wemasimbaose akapa Mozisi simba rekuti aite zvishamiso zvakakura. Kunyange zvazvo akanga apiwa simba rakakura kudaro, Mozisi akanyengetera achiti: “Ndizivisei nzira dzenyu, kuti ndikuzivei, uye kuti murambe muchindinzwira nyasha.” (Eksodho 33:13) Mwari akafadzwa nechikumbiro chaMozisi achibva amukomborera nekumuwedzera ruzivo uye kuita kuti anzwisise nzira dzake uye unhu hwake. Semuenzaniso, Mozisi akadzidza kuti Musiki ‘ndiMwari ane ngoni netsitsi.’—Eksodho 34:6, 7.

Tinodzidzei? Mwari anoda kutikomborera tese, varume, vakadzi uye vana, kana tikaedza kudzidza nezvake. Mushoko rake anotiudza kuti tinofanira kumunamata sei uye kuti ane chido chekutikomborera.

JESU

Jesu akarapa vanhu vaiva nezvirwere zvakasiyana-siyana

Tinogona kuwana makomborero kana tikaziva zvaiitwa naJesu uye zvaaidzidzisa.

Shoko raMwari rine zvakawanda zvarinotaura nezveupenyu hwaJesu uye zvaakadzidzisa. Mwari akapa Jesu simba rekuita zvishamiso zvakawanda, zvakadai sekuporesa vasingaoni, vasinganzwi, uye vakaremara. Akatomutsa kunyange vakafa. Zvakaitwa naJesu zvairatidza makomborero atichapiwa naMwari mune ramangwana. Jesu akataura zvatinofanira kuita kuti tizowana makomborero aya paakati: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kusvika pakukuzivai, imi Mwari mumwe chete wechokwadi, naJesu Kristu wamakatuma.”—Johani 17:3.

Jesu aiva netsitsi, ari munyoro uye aine mwoyo wakanaka. Akati: ‘Dzidzai kwandiri, nekuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo.’ (Mateu 11:29) Saka varume, vakadzi, chembere neharahwa, kunyange vana, vainzwa vakasununguka kuenda kwaari. Varume vakararama panguva yaJesu vaitarisira vakadzi pasi, asi Jesu aivabata neunyoro achivaremekedza.

Tinodzidzei? Jesu aida vanhu nemwoyo wese uye zvaakaita zvinotidzidzisa zvatinofanira kuitirawo vamwe.

JESU HAASI IYE MWARI WEMASIMBAOSE

Bhaibheri rinodzidzisa kuti “kunongova naMwari mumwe chete” uye kuti Jesu Mwanakomana waMwari. (1 VaKorinde 8:6) Jesu akataura pachena kuti Mwari mukuru kwaari uye iye akatoita zvekutumwa panyika.—Johani 11:41, 42; 14:28. *

^ ndima 17 Kuti uzive zvakawanda nezvaJesu Kristu, verenga chidzidzo 4 chebhuku rinonzi Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari! rinowanika pajw.org.