Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mamiriyoni ebhuku rinonzi Shingairira Kuverenga Nokunyora akagadzirwa kuti abatsire vanhu kudzidza kuverenga nekunyora uye anowanikwa mumitauro inopfuura 100

Kudzidza Bhaibheri Kunobatsira Kuti Ugone Kuverenga Nekunyora

Kudzidza Bhaibheri Kunobatsira Kuti Ugone Kuverenga Nekunyora

“Munhu wese ane kodzero yekuti adzidze kuverenga nekunyora, uye izvi zvinomubatsira muupenyu.”—UNESCO. *

ONGORORO yakaitwa inoratidza kuti pasi rose vanhu vanopfuura 700 miriyoni vane makore 15 zvichikwira havagoni kuverenga nekunyora. Izvi zvinoita kuti vatadze kuwana ruzivo runobatsira muupenyu runosanganisira zvinhu zvatinodzidziswa naMwari zvakanyorwa muBhaibheri. (VaRoma 15:4) Saka mune dzimwe nyika Zvapupu zvaJehovha pazvinenge zvichidzidzisa vanhu Bhaibheri zvinovadzidzisawo kuverenga nekunyora zvisingavabhadharisi. Zvavari kuita izvi zvine zvazviri kubatsira here?

Chimbofunga nezvebasa rinoitwa neZvapupu zvaJehovha kuMexico, iyo ine vanhu vakawanda vanotaura chiSpanish. Kubvira muna 1946, Zvapupu zvakadzidzisa vanhu vanopfuura 152 000 kuverenga nekunyora uye vazhinji vavo vakapedzisira vava kudzidzisawo vamwe. Hurumende yeko yakanyorera Zvapupu tsamba dzekutenda basa ravari kuita. Imwe tsamba yacho yaiti: “Bazi Redzidzo rinokutendai nebasa ramuri kuita pakubatsira vanhu vakura kuverenga nekunyora.”

Vakuru nevadiki vari kubatsirwa neurongwa uhwu hwekudzidza kuverenga nekunyora. Semuenzaniso, vamwe ambuya vanonzi Josefina vakanga vava nemakore 101 pavakatanga kudzidza uye vakapedza pashure pemakore maviri!

Kunyange zvazvo kuMexico vakawanda vachitaura chiSpanish, hausi iwo wega mutauro unodzidziswa vanhu kuverenga nekunyora. Mugore ra2013, zvidzidzo izvi zvakaitwawo mumitauro 8 yekuMexico.

Kugona kuverenga nekunyora kunokosha uye kunobatsira pakudzidza zvinhu zvitsva. Chinonyanya kukosha ndechekuti kunobatsira vanhu vemarudzi akasiyana-siyana kuti vaverenge Shoko raMwari, Bhaibheri, iro rinogona kuvasunungura pakutenda mashura, padzidziso dzenhema, uye pazvinhu zvakaipa.—Johani 8:32.

^ ndima 2 United Nations Educational, Scientific, and Cultural Organization.