Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | UPENYU HWAURI KURARAMA NDIHWO HWAWAIDA HERE?

Unogona Kurarama Upenyu Hwawaida Here?

Unogona Kurarama Upenyu Hwawaida Here?

MAZUVA ano, hapana anoti zvinhu zviri kunyatsomufambira sezvaanoda. Kazhinji kacho chinounza mufaro kugamuchira zvinhu zviripo uye kuona kuti ungaita sei nezvauinazvo. Kana uchikwanisa kufara kunyange zvazvo zvinhu zvakaoma, izvozvo zvakanaka. Kana zvikazoitawo nani, wototenda. Asi zviuya zviri mberi.

Bhaibheri rinovimbisa kuti pachazosvika nguva yekuti vanhu vachanyatsofara muupenyu. Vachakwanisa kurarama vachiita zvavanoda, pasina zvinovashungurudza, nhamo dzoupenyu kana chinhu chinovanetsa. (Isaya 65:21, 22) Bhaibheri rinoti uhwu ndihwo hunonzi “upenyu chaihwo.”—1 Timoti 6:19.

“Vachavaka dzimba vogaramo; vachadyara minda yemizambiringa vodya zvibereko zvayo. Havazovaki mumwe ogaramo; havazodyari mumwe odya. Nokuti mazuva evanhu vangu achaita semazuva omuti; uye vanhu vandakasarudza vachafarira basa remaoko avo zvizere.”—Isaya 65:21, 22.