Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA

Upenyu Hwauri Kurarama Ndihwo Hwawaida Here?

Upenyu Hwauri Kurarama Ndihwo Hwawaida Here?

PAWAIVA mudiki, ndezvipi zvawaida kuzoita kana wakura? Zvimwe waida kuzoroora kana kuroorwa, kuva nyanzvi pakuita chimwe chinhu kana kuti kuzoita basa rinoita kuti uve nembiri. Asi kazhinji zvinhu hazviwanzoitiki semafungiro aunenge uchiita. Zvinhu zvinoitika muupenyu zvinogona kuerekana zvachinja ramangwana rako. Izvi ndizvo zvakaitika kuna Anja, Delina, naGregory.

  • Anja wekuGermany akabatwa kenza aine makore 21, saka iye zvino haachakwanisi kubva pamba nokurwara.

  • Delina wekuUnited States ane chirwere chinonzi dystonia chinoita kuti tsandanyama dzake dzitadze kushanda zvakanaka. Uyewo, anoche- ngeta hanzvadzi dzake 3 dzinorwara nepfungwa.

  • Gregory wekuCanada ane chirwere chakakura chekunyanya kuzvidya mwoyo.

Asi pasinei nezvose izvi, Anja, Delina, naGregory havaregi matambudziko avainawo achivatadzisa kufara muupenyu. Chii chiri kuvabatsira?

Chimwe chirevo cheBhaibheri chinoti: “Wakaora mwoyo pazuva rokutambudzika here? Simba rako richava shoma.” (Zvirevo 24:10) Izvi zvinoratidza kuti: Maonero aunoita zvinhu ane zvaanoita muupenyu hwako. Munhu anonyanya kufunga nezvedambudziko rake anopedzisira asingachafari asi uya asinganyanyi kuisa pfungwa padambudziko rake anowanzofara kunyange zvinhu zvisiri kumufambira zvakanaka.

Kuti uone kuti izvi ndezvechokwadi, verenga unzwe zvakaitika kuna Anja, Delina, naGregory.