MUKAI! September 2015 | Upenyu Hwauri Kurarama Ndihwo Hwawaida Here?

Upenyu hwauri kurarama ndihwo hwawaida here? Verenga unzwe zvaungaita kuti ufare kunyange zvinhu zvisiri kukufambira zvakanaka.

NYAYA IRI PAKAVHA

Upenyu Hwauri Kurarama Ndihwo Hwawaida Here?

Zvinhu zvikangoerekana zvachinja hazvifaniri kubva zvatovhiringidza upenyu hwako.

NYAYA IRI PAKAVHA

Dambudziko: Zvinhu Zvausingagoni Kuchinja

Zvinhu 4 zvingakubatsira kana uchiona sokuti wagumirwa neupenyu.

NYAYA IRI PAKAVHA

Dambudziko: Kunyanya Kuwandirwa Nezvokuita

Kana ukanyanya kuzviwanzira zvokuita unogona kupedzisira watadza kuita kunyange chimwe chete. Ungaitei kuti usanyanya kuzviwanzira zvokuita?

NYAYA IRI PAKAVHA

Dambudziko: Manzwiro Asina Kunaka

Unombokundwa nezvinhu zvakaita sekusuruvara, hasha kana kuti kugumbuka here? Verenga unzwe zvimwe zvinhu zvingakubatsira kukunda dambudziko iroro.

NYAYA IRI PAKAVHA

Unogona Kurarama Upenyu Hwawaida Here?

Zviri nyore kuti ufare kunyange zvinhu zvisiri kukufambira zvakanaka muupenyu.

Haana Kuchinja Zvaanotenda

Song Hee Kang akanga aine chirwere chaigona kumuuraya paaiva nemakore 14 asi akazorapwa.

MAZANO EKUBATSIRA MHURI

Kana Mukomana Nemusikana Vakarambana

Ungaita sei kuti uenderere mberi noupenyu kana warambana nemunhu wawanga uchidanana naye?

Kudzidza Bhaibheri Kunobatsira Kuti Ugone Kuverenga Nekunyora

Mbuya vanonzi Josefina vakadzidziswa neZvapupu zvaJehovha kuverenga nekunyora vaine makore 101. Vakazvigona here?

Zvaunofanira Kuziva Nezvemarariya

Kana uchigara munzvimbo ine marariya kana kuti uchida kushanyira nzvimbo inayo pane zvaunogona kuita kuti isakubata.

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Mazino Egarwe

Mazino aro ane simba kudarika simba remazino eshumba, asi anogona kunzwa chero chinhu chidiki-diki chinenge chaagumha. Rinozviita sei?

Zvimwe Zviri paIndaneti

Vechiduku Vanotaura Nezvokushandisa Mari

Inzwa mazano nezvokushandisa mari zvakanaka, kuisevha, uye kusanyanya kuida.

Iva Nomutsa Uye Usanyima Vamwe

Ona kufara kunoita Kuda naSarudzai nemhaka yokupanana zvavanenge vanazvo.