Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 12

Kurarama Nenzira Inofadza Mwari

Kurarama Nenzira Inofadza Mwari
  • Ungava sei shamwari yaMwari?

  • Kushora kwaSatani kodzero yaJehovha yokutonga kunokubatanidza sei?

  • Maitiro api asingafadzi Jehovha?

  • Ungararama sei nenzira inofadza Mwari?

1, 2. Ipa mienzaniso yevanhu avo Jehovha aiona seshamwari dzake dzepedyo.

WAIZOSARUDZA munhu akaita sei kuti ave shamwari yako? Zvichida waizoda kushamwaridzana nomunhu ane maonero akafanana neako, zvaunofarira, uye zvaunokoshesa. Uye waizonzwa uchida kushamwaridzana nomunhu ane unhu hwakanaka, hwakadai sokutendeseka uye mutsa.

2 Pane zvose zvakaitika kare, Mwari akasarudza vamwe vanhu kuti vave shamwari dzake dzepedyo. Somuenzaniso, Jehovha akadana Abrahamu kuti shamwari yake. (Isaya 41:8; Jakobho 2:23) Mwari akataura nezvaDhavhidhi so“munhu anodiwa nomwoyo wangu” nokuti aiva rudzi rwomunhu runodiwa naJehovha. (Mabasa 13:22) Uye Jehovha aiona muprofita Dhanieri so“munhu anodiwa kwazvo.”—Dhanieri 9:23.

3. Nei Jehovha achisarudza vamwe vanhu kuti vave shamwari dzake?

3 Nei Jehovha akaona Abrahamu, Dhavhidhi, uye Dhanieri seshamwari dzake? Iye akaudza Abrahamu kuti: “Wateerera inzwi rangu.” (Genesisi 22:18) Saka Jehovha anoswedera pedyo nevaya vanoita zvaanovakumbira vachizvininipisa. “Teererai inzwi rangu,” iye akaudza vaIsraeri kudaro, uye “ndichava Mwari wenyu, imi muchava vanhu vangu.” (Jeremiya 7:23) Kana ukateerera Jehovha, iwewo unogona kuva shamwari yake!

JEHOVHA ANOSIMBISA SHAMWARI DZAKE

4, 5. Jehovha anoratidza simba rake nokuda kwevanhu vake sei?

4 Chimbofunga zvinoreva kuva shamwari yaMwari. Bhaibheri rinotaura kuti Jehovha ari kutsvaka mikana yo“kuti aratidze simba rake nokuda kwevaya vane mwoyo wakakwana kwaari.” (2 Makoronike 16:9) Jehovha angaratidza sei simba rake nokuda kwako? Imwe nzira inotaurwa pana Pisarema 32:8, patinoverenga kuti: “[Ini Jehovha] ndichaita kuti uve nenjere uye ndichakurayiridza nzira yaunofanira kufamba nayo. Ndichakupa zano ziso rangu rakakutarira.”

5 Ikoko kutaura kunobaya mwoyo zvechokwadi kunoratidza kutarisira kwaJehovha! Achakupa murayiro unodiwa, okutarisira sezvaunoshandisa murayiro wacho. Mwari anoda kukubatsira kuti utsungirire miedzo yako. (Pisarema 55:22) Naizvozvo kana ukashumira Jehovha nomwoyo wakakwana, unogona kuva nechivimbo kufanana nomunyori wepisarema uyo akati: “Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose. Nokuti ari kuruoko rwangu rworudyi, handizozununguswi.” (Pisarema 16:8; 63:8) Chokwadi, Jehovha anogona kukubatsira kurarama nenzira inomufadza. Asi, sezvaunoziva, kune muvengi waMwari angada kukudzivisa kuita izvi.

KUSHORA KWASATANI

6. Satani akapomerei vanhu?

6 Chitsauko 11 chebhuku rino chakatsanangura kuti Satani Dhiyabhorosi akashora sei uchangamire hwaMwari. Satani akapomera Mwari kureva nhema uye akataura zvisina kunanga kuti Jehovha akanga asina kururama kusabvumidza Adhamu naEvha kuzvisarudzira chakanga chakanaka uye chakanga chakaipa. Pashure pokunge Adhamu naEvha vatadza uye nyika zvayakatanga kuzadzwa nevana vavo, Satani haana kuva nechokwadi nevavariro dzevanhu vose. “Vanhu havashumiri Mwari nokuti vanomuda,” Satani akapomera kudaro. “Ndipei mukana, uye ndinogona kuita kuti chero ani zvake apandukire Mwari.” Nhoroondo yomurume ainzi Jobho inoratidza kuti izvi ndizvo zvaidavirwa naSatani. Jobho aiva ani, uye akabatanidzwa sei mukushora kwaSatani?

7, 8. (a) Chii chakaita kuti Jobho ave akasiyana nevamwe vanhu vepanguva iyoyo? (b) Satani haana kuva nechokwadi nevavariro yaJobho sei?

7 Jobho akararama makore anenge 3 600 akapfuura. Aiva munhu akanaka, nokuti Jehovha akati: “Hakuna akafanana naye panyika, murume asina chaanopomerwa, akarurama, anotya Mwari uye anonzvenga zvakaipa.” (Jobho 1:8) Jobho aifadza Mwari.

8 Satani haana kuva nechokwadi nevavariro yaJobho yokushumira Mwari. Dhiyabhorosi akati kuna Jehovha: “Imi hamuna kumupoteredza [Jobho] noruzhowa, iye neimba yake nezvinhu zvose zvaainazvo kumativi ose here? Makakomborera basa remaoko ake, uye zvipfuwo zvake zvakapararira kwose kwose panyika. Asi ndapota, chimbochinjai, mutambanudze ruoko rwenyu, mugunzve zvinhu zvose zvaainazvo muone kana asingazokutukii pamberi penyu chaipo.”—Jobho 1:10, 11.

9. Jehovha akaita sei nokushora kwaSatani, uye nei?

9 Saka Satani akapikisa kuti Jobho aishumira Mwari nokuda kwezvaaiwana chete. Dhiyabhorosi akataurawo kuti kudai Jobho aizoedzwa, aizopandukira Mwari. Jehovha akaita sei nokushora kwaSatani? Nyaya yacho zvayaibatanidza vavariro yaJobho, Jehovha akabvumira Satani kuti aedze Jobho. Neiyi nzira, kuda Mwari kwaJobho—kana kuti kusamuda—kwaizoratidzwa pachena.

JOBHO ANOEDZWA

10. Miedzo ipi yakawira Jobho, uye iye akaita sei?

10 Munguva pfupi yakatevera, Satani akaedza Jobho nenzira dzakasiyana-siyana. Zvimwe zvipfuwo zvaJobho zvakabiwa, uye zvimwe zvakaurayiwa. Vakawanda vevashandi vake vakapondwa. Izvi zvakaunza nhamo yemari. Rimwe dambudziko rakauya vana vaJobho gumi pavakaurayiwa nedutu. Pasinei nezviitiko izvi zvakaipa kwazvo, “Jobho haana kutadza kana kutaura chinhu chisina kukodzera kuna Mwari.”—Jobho 1:22.

11. (a) Ndokupi kupomera kwechipiri uko Satani akaita pamusoro paJobho, uye Jehovha akaita sei? (b) Jobho akaita sei nechirwere chake chairwadza chaizvo?

11 Satani haana kukanda mapfumo pasi. Anofanira kuva akafunga kuti kunyange zvazvo Jobho aigona kutsungirira kurasikirwa nezvinhu zvake, vashandi, uye vana, aizopandukira Mwari kudai aizorwara. Jehovha akarega Satani achirova Jobho nechirwere chaisemesa, chairwadza chaizvo. Asi kunyange izvi hazvina kuita kuti Jobho arege kutenda muna Mwari. Panzvimbo paizvozvo, akataura zvakasimba kuti: “Handizorasi kuvimbika kwangu kusvikira ndafa!”—Jobho 27:5.

Jobho akapiwa mubayiro nokuda kwokutendeka kwake

12. Maitiro aJobho akaratidza sei kuti kushora kwaDhiyabhorosi kwaiva kwenhema?

12 Jobho akanga asingazivi kuti Satani ndiye aikonzera matambudziko ake. Asingazivi mashoko akadzama pamusoro pokushora kwaDhiyabhorosi uchangamire hwaJehovha, Jobho akatyira kuti zvimwe matambudziko ake akanga achibva kuna Mwari. (Jobho 6:4; 16:11-14) Kunyange zvakadaro, akaramba akavimbika kuna Jehovha. Uye kutaura kwaSatani kwokuti Jobho aishumira Mwari nokuda kwezvikonzero zvoudyire kwakaratidzwa kuti kwaiva kwenhema nokuramba kwaJobho akatendeka!

13. Chii chakaitika pamusana pokuti Jobho akanga akatendeka kuna Mwari?

13 Kutendeka kwaJobho kwakaita kuti Jehovha apindure zvine simba kushora kwaSatani kwaizvidza. Zvechokwadi Jobho akanga ari shamwari yaJehovha, uye Mwari akamupa mubayiro nokuda kwokutendeka kwake.—Jobho 42:12-17.

KUBATANIDZWA KWAUNOITWA

14, 15. Nei tingati kupomera kwaSatani kwaibatanidza Jobho kunoshandawo kuvanhu vose?

14 Nyaya yokuvimbika kuna Mwari yakamutswa naSatani yakanga isina kunangana naJobho chete. Iwewo unobatanidzwa. Izvi zvinoratidzwa pachena pana Zvirevo 27:11, Shoko raJehovha parinoti: “Mwanakomana wangu, iva akachenjera ufadze mwoyo wangu, kuti ndigone kupindura iye anondishora.” Mashoko aya, akanyorwa mazana emakore pashure pokunge Jobho afa, anoratidza kuti Satani akanga achiri kushora Mwari uye kupomera vashumiri vake. Patinorarama nenzira inofadza Jehovha, chaizvoizvo tinobatsira kupindura kupomera kwenhema kwaSatani, uye nenzira iyoyo tinoita kuti mwoyo waMwari ufare. Izvozvo zvinoita kuti unzwe sei? Zvaisazova zvakanaka here kuitawo chimwe chinhu pakupindura kupomera kwenhema kwaDhiyabhorosi, kunyange zvazvo zvichireva kuchinja zvimwe zvinhu muupenyu hwako?

15 Ona kuti Satani akati: “Munhu achapa zvose zvaainazvo nokuda kwomweya wake.” (Jobho 2:4) Nokutaura kuti “munhu,” Satani akabudisa pachena kuti zvaaipomera zvaishanda kwete kuna Jobho chete asi kuvanhu vose. Iyoyo ipfungwa inokosha zvikuru. Satani haana chokwadi nokuvimbika kwako kuna Mwari. Dhiyabhorosi angada kukuona usingateereri Mwari uye uchisiya nzira yakarurama panomuka matambudziko. Satani angaedza sei kuita izvi?

16. (a) Satani anoedza kutsausa vanhu pana Mwari achishandisa nzira dzipi? (b) Dhiyabhorosi angashandisa sei nzira idzi kwauri?

16 Sezvakakurukurwa muChitsauko 10, Satani anoshandisa nzira dzakasiyana-siyana kuedza kutsausa vanhu pana Mwari. Anorwisa “seshumba inodzvova, ichitsvaka kudya mumwe munhu.” (1 Petro 5:8) Saka kushanda kwaSatani kungaoneka apo shamwari, hama, kana kuti vamwe vanhu vanoshora zvaunoedza kuita kuti udzidze Bhaibheri uye kushandisa zvaunodzidza. * (Johani 15:19, 20) Uyewo, Satani “anoramba achizvichinja kuva ngirozi yechiedza.” (2 VaKorinde 11:14) Dhiyabhorosi anogona kushandisa nzira dzisinganyatsooneki kuti akutsause uye akukwezve achikubvisa pamararamiro anodiwa naMwari. Angashandisawo kuora mwoyo, zvichida achiita kuti ufunge kuti hauzomboiti zvinoita kuti Mwari afare. (Zvirevo 24:10) Pasinei nokuti Satani ari kuita “seshumba inodzvova” kana kuti se“ngirozi yechiedza,” kupomera kwake kunoramba kuri kumwe chete: Anoti paunotarisana nemiedzo, ucharega kushumira Mwari. Ungapindura sei kupomera kwake woratidza kuvimbika kwako kuna Mwari, sezvakaitwa naJobho?

KUTEERERA MIRAYIRO YAJEHOVHA

17. Chikonzero chikuru chokuteerera mirayiro yaJehovha ndechei?

17 Unogona kupindura kupomera kwaSatani nokurarama nenzira inofadza Mwari. Izvozvo zvinosanganisirei? Bhaibheri rinopindura kuti: “Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nesimba rako rose.” (Dheuteronomio 6:5) Kuda kwako Mwari zvakunowedzera, uchazara nechido chokuita zvaanoda kuti uite. “Kuda Mwari kunoreva izvi,” akanyora kudaro muapostora Johani, “kuti tichengete mirayiro yake.” Kana uchida Jehovha nomwoyo wako wose, uchaona kuti “mirayiro yake hairemi.”—1 Johani 5:3.

18, 19. (a) Ndeipi mimwe yemirayiro yaJehovha? (Ona bhokisi riri papeji 122.) (b) Tinoziva sei kuti Mwari haadi zvakawanda kupfuura zvatinokwanisa?

18 Mirayiro yaJehovha chii? Mimwe yacho inosanganisira maitiro atinofanira kudzivisa. Somuenzaniso, ona  bhokisi riri papeji 122, rine musoro unoti “Dzivisa Zvinovengwa naJehovha.” Ipapo uchawana maitiro akarongwa ayo Bhaibheri rinoshora zviri pachena. Paunotanga kuaona, mamwe maitiro akarongwa ipapo angaita seasina kunyanya kuipa. Asi pashure pokufungisisa magwaro akaiswa ipapo, zvichida uchaona uchenjeri huri mumitemo yaJehovha. Kuchinja zvimwe zvinhu pamaitiro ako kungava dambudziko guru rawati wambotarisana naro. Asi, kurarama nenzira inofadza Mwari kunounza kugutsikana kukuru uye mufaro. (Isaya 48:17, 18) Uye ichocho chinhu chaunokwanisa kuita. Tinoziva sei izvozvo?

19 Jehovha haambodi zvinopfuura zvatinokwanisa kuita. (Dheuteronomio 30:11-14) Anoziva zvatinokwanisa kuita uye zvatisingakwanisi kupfuura kuzviziva kwatinoita. (Pisarema 103:14) Uyezve, Jehovha anogona kutipa simba rokuti timuteerere. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Mwari akatendeka, uye haangakuregei muchiedzwa kupfuura zvamunogona kutsungirira, asi pamwe chete nomuedzo achaitawo nzira yokubuda nayo kuti mukwanise kuutsungirira.” (1 VaKorinde 10:13) Kuti akubatsire kutsungirira, Jehovha angatokupa “simba rinopfuura renguva dzose.” (2 VaKorinde 4:7) Pashure pokutsungirira miedzo yakawanda, Pauro aigona kuti: “Ndine simba rokuita zvinhu zvose nokuda kwaiye anondipa simba.”—VaFiripi 4:13.

KUVA NOUNHU HUNODIWA NAMWARI

20. Unofanira kuva nounhu hupi hunodiwa naMwari, uye nei huchikosha?

20 Chokwadi, zvakawanda zvinobatanidzwa pakufadza Jehovha kupfuura kudzivisa zvinhu zvaanovenga. Unofanirawo kuda zvaanoda. (VaRoma 12:9) Haunzwi uchida kuva pedyo nevaya vanoona zvinhu sezvaunoita, vanofarira zvaunofarira, uye vanokoshesa zvaunokoshesa here? Jehovha anodarowo. Saka dzidza kuda zvinhu zvinodiwa naJehovha. Zvimwe zvacho zvinorondedzerwa pana Pisarema 15:1-5, patinoverenga nezvevaya vanonzi naMwari ishamwari dzake. Shamwari dzaJehovha dzinoratidza chinonzi neBhaibheri “chibereko chomudzimu.” Chinosanganisira unhu hwakadai so“rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora.”—VaGaratiya 5:22, 23.

21. Chii chichakubatsira kuva nounhu hunodiwa naMwari?

21 Kugara uchiverenga uye uchidzidza Bhaibheri kuchakubatsira kuva nounhu hunodiwa naMwari. Uye kudzidza zvinodiwa naMwari kuchakubatsira kuita kuti zvaunofunga zvienderane nezvinofungwa naMwari. (Isaya 30:20, 21) Kana ukasimbisa kuda kwaunoita Jehovha, chido chako chokurarama nenzira inofadza Mwari chichavawo chikuru.

22. Uchaitei kana ukararama nenzira inofadza Mwari?

22 Kushanda zvakaoma kunodiwa kuti urarame nenzira inofadza Jehovha. Bhaibheri rinofananidza kuchinja upenyu hwako nokubvisa unhu hwako hwekare, uchipfeka hutsva. (VaKorose 3:9, 10) Asi nezvemirayiro yaJehovha, munyori wepisarema akanyora kuti: ‘Kuichengeta kunounza mubayiro mukuru.’ (Pisarema 19:11) Iwewo uchaona kuti kurarama nenzira inofadza Mwari kunounza mubayiro mukuru. Nokuita saizvozvo, uchapindura kupomera kwaSatani, woita kuti mwoyo waJehovha ufare!

^ ndima 16 Izvi hazvirevi kuti vaya vanokushora vanodzorwa naSatani ivo pachavo. Asi Satani ndimwari wemamiriro ezvinhu aripo, uye nyika yose iri musimba rake. (2 VaKorinde 4:4; 1 Johani 5:19) Saka tinogona kutarisira kuti kurarama upenyu hunodiwa naMwari hakuzofarirwi nevakawanda, uye vamwe vachakushora.