Enda pane zvauri kuda

Mhuka Dzinoenda Kudenga Here?

Mhuka Dzinoenda Kudenga Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Bhaibheri rinodzidzisa kuti pazvisikwa zvese zviri panyika, vanhu vashoma chete ndivo vachaenda kudenga. (Zvakazarurwa 14:1, 3) Vanoenda ikoko kuti vanotonga semadzimambo uye semapristi pamwe chete naJesu. (Ruka 22:28-30; Zvakazarurwa 5:9, 10) Vamwe vanhu vese vachamutswa kuti vararame muparadhiso pasi pano.—Pisarema 37:11, 29.

 MuBhaibheri hapana panotaurwa kuti mhuka dzinoenda kudenga. Nekuti mhuka hadzikwanisi kutora matanho anodiwa kuti dzikodzere kuenda kudenga. (VaHebheru 3:1) Matanho aya anosanganisira kuwana zivo, kuva nekutenda, uye kuteerera mitemo yaMwari. (Mateu 19:17; Johani 3:16; 17:3) Vanhu chete ndivo vakasikwa vachikwanisa kurarama nekusingaperi.—Genesisi 2:16, 17; 3:22, 23.

 Kuti zvisikwa zviri panyika zvikwanise kuenda kudenga zvinofanira kutanga zvamutswa. (1 VaKorinde 15:42) Bhaibheri rinotaura nezvevanhu vakati kuti vakamutswa. (1 Madzimambo 17:17-24; 2 Madzimambo 4:32-37; 13:20, 21; Ruka 7:11-15; 8:41, 42, 49-56; Johani 11:38-44; Mabasa 9:36-42; 20:7-12) Asi hapana panombotaurwa nezvekumutswa kwemhuka.

 Mhuka dzine mweya here?

 Aiwa. Bhaibheri rinoti munhu mweya uye rinotiwo mhuka mweya. (Numeri 31:28) Pakasikwa munhu wekutanga, Adhamu, haana kupiwa mweya asi “akava mweya mupenyu.” (Genesisi 2:7) Mweya unoumbwa nezvinhu zviviri: “guruva revhu” uye “mhepo yokufema youpenyu.”

 Mweya unofa here?

 Hongu, Bhaibheri rinodzidzisa kuti mweya unofa. (Revhitiko 21:11; Ezekieri 18:20) Vanhu pavanofa vanodzokera kuguruva uye ndizvo zvinoitawo mhuka. (Muparidzi 3:19, 20) Chinenge chichirehwa ndechekuti havasisipo kana kuti hadzisisipo. a

 Mhuka dzinotadza here?

 Aiwa. Kutadza kunoreva kufunga, kuva nechido, kana kuti kuita chinhu chinopesana nemitemo yaMwari. Asi mhuka hadzikwanisi kuita izvi. Dzinowanzoita zvinhu zvichienderana nekusikwa kwadzakaitwa. (2 Petro 2:12) Padzinofa hatingati chivi ndicho chadziuraya nekuti hadzitadzi.

 Zvinobvumirwa here kuitira mhuka utsinye?

 Aiwa. Mwari akapa vanhu simba kuti vatonge mhuka asi kwete kuti vadzibate zveutsinye. (Genesisi 1:28; Pisarema 8:6-8) Mwari anokoshesa mhuka dzese kusanganisira shiri. (Jona 4:11; Mateu 10:29) Akarayira vashumiri vake kuti vabate mhuka zvakanaka.—Eksodho 23:12; Dheuteronomi 25:4; Zvirevo 12:10.

a Kuti uwane mamwe mashoko ona chitsauko 6 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinotidzidzisei?